< Mako 13 >

1 Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!”
As Jesus was walking out of the Temple courts, one of his disciples said to him, "Look, Teacher, what wonderful stones and buildings these are!"
2 Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
"You see these mighty buildings? There shall not be left here one stone upon another which shall not be thrown down," he answered.
3 Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati,
When he had seated himself on the Mount of Olives, facing the Temple, Peter and Jamesand Johnand Andrew asked him privately,
4 “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?”
"Tell us when these things shall be, and what shall be the sign that all these predictions are about to be fulfilled."
5 Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai.
So Jesus began to tell them.
6 Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.
"Be ye watchful lest any one mislead you. Many will come in my name, saying, ‘I am he,’ and will mislead many.
7 Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako.
But when you hear of wars and rumors of wars do not be dismayed, such things must come, but the end is not yet.
8 Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwamarwadzo okusununguka.
For nation shall rise in arms against nation, and kingdom against kingdom. There will be earthquakes in various places, and famines; these are the beginning of birth-pangs.
9 “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.
"You yourselves must be on your guard. They will hand you over to the courts, and you will be flogged on the synagogues; and you will stand before rulers and kings for my sake, to witness to them for me.
10 Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.
But the gospel must first be proclaimed to all the nations.
11 Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
When, however, they are leading you all to trial, do not worry beforehand about what you are to say, but whatever is given you in that hour, that say, for it is not you who speak, but the Holy Spirit.
12 “Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
"And brother will betray brother to death, and a father his child, and children will rise up against their parents, and have them put to death.
13 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
You will be hated by all men for my name’s sake, but he that endures to the end shall be saved.
14 “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
"But when you see the Abomination of Desolation ‘standing where he ought not’ (let the reader ponder this), then let those in Judea flee to the mountains;
15 Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba.
let him who is on the housetop not go down, nor go in to get anything out of his house;
16 Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake.
and he who is in the field, let him not turn back to get his cloak.
17 Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo!
And alas for the pregnant women, and for those that are nursing their infants in those days!
18 Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando,
Pray that it may not come in the winter.
19 nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve.
For those will be days of suffering the like of which has never been from the beginning of God’s creation until now, and never shall be.
20 Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.
And had not the Lord cut short those days, not a single person would escape; but for the elect’s sake whom he has chosen, he has cut them short.
21 Panguva iyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarirai, uyo ari apo!’ musazvitenda.
"At that time if any one tell you, ‘See, here is Christ,’ or ‘See, there he is,’ do not believe it;
22 Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka.
for false Christs and false prophets will arise and will show signs and wonders, to lead astray the very chosen, if they can.
23 Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.
Be on your guard! I have told you it all beforehand.
24 “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri;
"But when the tribulation is past, in those days the sun will be darkened and the moon will not shed her light,
25 nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’
and the stars will be falling from the sky, and the powers in the heavens will be shaken.
26 “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.
Then will they see the Son of man coming in clouds, with great power and glory.
27 Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.
Then he will send forth the angels and gather his chosen from the four winds, from uttermost earth to uttermost sky.
28 “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
"From the fig tree learn now her parable; as soon as ever her branches are full of sap and bursting into leaf, you know that summer is near.
29 Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova.
So also do you, whenever you see these things happening, know that He is near, at your very door.
30 Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
I tell you truly that the present generation shall not pass until all these things begin to happen.
31 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Earth and sky shall pass away, but my words shall not pass away.
32 “Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.
But concerning that day or that hour no one knows, not even the angels in heaven,
33 Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini.
nor the Son, but only the Father.
34 Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda.
Take heed! Awake! for you never know the time. As a man gone abroad and leaving his house gives authority to his slaves, to each his task;
35 “Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza.
and orders the porter to keep watch; keep watch then, for you do not know when the master of the house is coming - in the evening, at midnight, at cockcrow, or in the morning -
36 Kana akakurumidza kuuya, musamurega achikuwanai muvete.
lest he should come unexpectedly and find you sleeping;
37 Zvandinotaura kwamuri, ndinozvitaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’”
and what I say to you, I say to all. Be awake and on guard."

< Mako 13 >