< Mako 1 >

1 Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
THE beginning of the Gospel of Jeshu Meshicha, the Son of Aloha.
2 Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,”
As it is written in Eshaia the prophet: Behold, I send my angel before thy face, Who shall make straight thy way.
3 “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’”
The voice which crieth in the desert, Prepare the way of the Lord, Make level his paths.
4 Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.
Juchanon was in the desert, baptizing, and proclaiming the baptism of repentance for the remission of sins.
5 Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.
And all the region of Jehud and all the sons of Urishlem went out to him; and he baptized them in Jurdan the river, while they were confessing their sins.
6 Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango.
But Juchanon himself was clothed with a garment of the hair of camels, and engirded with a belt of leather upon his loins; and his food was locusts and wilderness honey.
7 Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.
And he proclaimed and said, Behold, (One) cometh after me, who is mightier than I; he, the latchet of whose shoes I am not worthy to bow myself to unloose.
8 Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”
I have baptized you with waters; but he shall baptize you with the Spirit of Holiness.
9 Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.
And it was in those days that Jeshu came from Natsrath of Galila, and was baptized in Jurdan by Juchanon.
10 Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.
And as soon as he had ascended from the waters, he saw the heavens part asunder, and the Spirit, as a dove, descend upon him.
11 Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”
And the voice was from the heavens, Thou art my Son, the Beloved: in thee I have delighted.
12 Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,
And immediately the Spirit led him forth into the desert.
13 uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.
And he was there in the desert forty days, being tempted by Satana: and he was with the wild beasts; and the angels ministered to him.
14 Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.
BUT after Juchanon was delivered up, Jeshu came to Galila, and proclaimed the annunciation of the kingdom of Aloha.
15 Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”
And he said, The time is complete; the kingdom of Aloha cometh: repent, and believe the gospel.
16 Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomununʼuna wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
And while he walked about the sea of Galila, he saw Shemun and Andreas his brother, who were casting nets into the sea: for they were fishers.
17 Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”
And Jeshu said to them, Come after me, and I will make you fishers of the sons of men.
18 Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.
And at once they forsook their nets, and went after him.
19 Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.
And when he had passed on a little, he saw Jakub bar Zabdai and Juchanon his brother; and they also were in a vessel, preparing their nets.
20 Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi, mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.
And he called them; and forthwith they left Zabdai their father with the hirelings, and went after him.
21 Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.
And when they were come to Kapher-nachum, he forthwith taught on the sabbaths in their assemblies.
22 Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.
And they wondered at his doctrine; for he taught them as having power, and not as their Sophree.
23 Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,
And there was in their assembly a man who had an unclean spirit: and he cried
24 “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!”
and said, What to us and to thee, Jeshu Natsroya? Art thou come to destroy us? I know thee who thou art, the Holy One of Aloha.
25 Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!”
And Jeshu restrained him, and said, Close thy mouth, and come forth from him.
26 Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.
And the impure spirit threw him down, and cried with a high voice, and went forth from him.
27 Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”
And all wondered, and questioned one with another, Who is this? and what is this new doctrine? because with authority he commandeth the impure spirits, and they obey him.
28 Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
And his fame soon went out through all the region of Galila.
29 Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.
And he proceeded from the assembly, and came to the house of Shemun and Andreas with Jacub and Juchanon.
30 Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.
And the mother-in-law of Shemun was lying in a fever; and they told him concerning her.
31 Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.
And he approached, took her by her hand; and she arose, and at once the fever left her, and she served them.
32 Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.
Then in the evening at sun-setting they brought to him all those who were grievously affected and demoniacs.
33 Guta rose rakaungana pamukova,
And the whole city was assembled at the gate:
34 uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.
and he healed multitudes who were grievously affected with various diseases, and cast out many demons, and would not permit the demons to speak; for they knew him.
35 Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.
AND in the morning he arose long before (day), and went into a solitude, and there prayed.
36 Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka,
And Shemun and (they) who (were) with him sought for him;
37 uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”
and when they had found him, they said to him, All men are seeking thee.
38 Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”
He said to them, Proceed you to the neighbouring towns and cities; for there also I will preach, because for this am I come.
39 Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.
And he preached in all their assemblies in all Galila, and cast out devils.
40 Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.”
And a leper came to him, and fell at his feet, and besought him, and said to him, If thou wilt, thou canst cleanse me.
41 Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!”
And Jeshu had compassion on him, and stretched forth his hand, touched him, and said, I will, be clean.
42 Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.
And in that very hour his leprosy went from him, and he was cleansed.
43 Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti,
And he restrained him, and led him forth,
44 “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”
and said to him, See lest thou tell any one; but go, show thyself to the priests, and offer the oblation for thy purification as Musha commanded for their testimony.
45 Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.
But he, when he was gone forth, began to announce it much, and so divulged the matter as that Jeshu could not go openly in the city, but was without in a solitary part: and they came to him from every place.

< Mako 1 >