< Maraki 1 >

1 Chirevo: Shoko raJehovha kuna Israeri kubudikidza naMaraki.
Umthwalo welizwi leNkosi kuIsrayeli ngesandla sikaMalaki.
2 Jehovha anoti, “Ndakakudai.” Asi imi munobvunza muchiti, “Makatida seiko?” Jehovha anoti, “Ko, Esau akanga asiri mukoma waJakobho here?
Ngilithandile, itsho iNkosi. Kodwa lithi: Usithande ngani? UEsawu kasuye yini umfowabo kaJakobe? itsho iNkosi. Kanti ngamthanda uJakobe,
3 Asi Esau ndakamuvenga, uye ndakashandura makomo ake akava matongo ndikapa nhaka yake kumakava murenje.”
loEsawu ngamzonda; ngenza izintaba zakhe incithakalo, lelifa lakhe laba ngelamakhanka enkangala.
4 Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha.
Lanxa uEdoma esithi: Senziwe abayanga, kodwa sizabuyela siyekwakha amanxiwa; itsho njalo iNkosi yamabandla: Bona bangakha, kodwa mina ngizadiliza, njalo bazababiza ngokuthi: Ngumngcele wobubi, labantu iNkosi ebathukutheleleyo kuze kube phakade.
5 Muchazvionera nameso enyu mugoti, ‘Jehovha mukuru zvokutopfuura miganhu yeIsraeri!’”
Lamehlo enu azabona, lani lithi: INkosi izakhuliswa kusukela ngaphetsheya komngcele wakoIsrayeli.
6 Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’”
Indodana iyamhlonipha uyise, lenceku inkosi yayo. Uba-ke nginguyihlo, kungaphi ukuhlonitshwa kwami? Uba-ke ngiyiNkosi, kungaphi ukwesatshwa kwami? itsho iNkosi yamabandla kini, bapristi elidelela ibizo lami; kodwa lithi: Silidelele ngani ibizo lakho?
7 “Munondivigira zvokudya zvakasvibiswa paaritari yangu. “Asi imi munobvunza muchiti, ‘Takakusvibisai neiko?’” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Pakutaura kwenyu muchiti tafura yaJehovha inozvidzika.
Lisondeza isinkwa esingcolileyo phezu kwelathi lami, lisithi: Sikungcolise ngani? Ngokuthi kwenu: Itafula leNkosi liyadeleleka.
8 Pamunouya nezvipfuwo zvakapofumara kuti zvibayirwe, hazvina kuipa here? Pamunobayira zvipfuwo zvakaremara kana zvinorwara, hazvina kuipa here? Chimboedzai kuzvivigira mubati wenyu! Angafadzwa nemi here? Angakugamuchirai here?”
Njalo nxa lisondeza okuyisiphofu kube ngumhlatshelo, kakukubi yini? Lalapho lisondeza okuqhulayo lokugulayo, kakukubi yini? Ake ukusondeze kumbusi wakho; angathokoza ngawe yini, kumbe angabemukela yini ubuso bakho? itsho iNkosi yamabandla.
9 Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?”
Khathesi-ke ake lincenge ubuso bukaNkulunkulu ukuze abe lomusa kithi; lokhu kube ngesandla senu; uzabemukela ubuso benu yini? itsho iNkosi yamabandla.
10 “Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu.
Ngubani okhona ngitsho phakathi kwenu ongavala izivalo? Njalo lingabaseli ize umlilo phezu kwelathi lami. Kangithokozi ngani, kutsho iNkosi yamabandla, njalo kangiyikwemukela umnikelo esandleni senu ngentokozo.
11 Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuhwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ngoba kusukela ekuphumeni kwelanga kuze kube sekutshoneni kwalo, ibizo lami lizakuba likhulu phakathi kwezizwe; lakuyo yonke indawo impepha izatshiselwa ibizo lami, lomnikelo ohlambulukileyo; ngoba ibizo lami lizakuba likhulu phakathi kwezizwe, itsho iNkosi yamabandla.
12 “Asi munoizvidza pamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, uye zvokudya zvayo zvakashoreka.’
Kodwa liyalingcolisa ngokuthi kwenu: Itafula leNkosi lingcolisiwe; lesithelo salo, ukudla kwalo, kudelelekile.
13 Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Njalo lithi: Khangela, ukudinisa okungakanani! Njalo likuchilela amakhala, itsho iNkosi yamabandla; njalo lilethe impango, lokuqhulayo, lokugulayo; ngokunjalo lilethe umnikelo. Ngikwemukele lokhu yini ngokuthokoza esandleni senu? itsho iNkosi.
14 “Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi.
Kaqalekiswe-ke umkhohlisi oleduna emhlanjini wakhe, ofunga ahlabele iNkosi okonakeleyo; ngoba ngiyiNkosi enkulu, itsho iNkosi yamabandla, lebizo lami liyesabeka phakathi kwezizwe.

< Maraki 1 >