< Maraki 4 >
1 “Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara.
萬軍之耶和華說:「那日臨近,勢如燒着的火爐,凡狂傲的和行惡的必如碎稭,在那日必被燒盡,根本枝條一無存留。
2 Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.
但向你們敬畏我名的人必有公義的日頭出現,其光線有醫治之能。你們必出來跳躍如圈裏的肥犢。
3 Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
你們必踐踏惡人;在我所定的日子,他們必如灰塵在你們腳掌之下。這是萬軍之耶和華說的。
4 “Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhi kuti ipiwe vaIsraeri vose.
「你們當記念我僕人摩西的律法,就是我在何烈山為以色列眾人所吩咐他的律例典章。
5 “Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika.
「看哪,耶和華大而可畏之日未到以前,我必差遣先知以利亞到你們那裏去。
6 Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, nemwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
他必使父親的心轉向兒女,兒女的心轉向父親,免得我來咒詛遍地。」