< Maraki 3 >

1 “Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Sjå, eg sender mitt bod, og han skal brøyta veg for meg. Og brått kjem han til sitt tempel, Herren som de leitar etter, og paktengelen som de stundar på, sjå, han kjem, segjer Herren, allhers drott.
2 Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki.
Men kven kann herda den dagen han kjem? Og kven kann standa når han syner seg? For han er som smeltar-eld og tvættar-lut.
3 Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama,
Han sit og smeltar og reinsar sylvet, han reinsar Levi-sønerne og skirar deim som gull og sylv, so dei kann bera fram for Herren offergåvor i rettferd.
4 uye zvipiriso zveJudha neJerusarema zvichagamuchirwa naJehovha, sapamazuva akapfuura, sapamakore akare.
Då vert offergåvorne i Juda og Jerusalem til hugnad for Herren som i gamle dagar og i framfarne år.
5 “Saka ndichaswedera kwamuri kuzotonga. Ndichakurumidza kupupura ndichipikisa varoyi, mhombwe uye navanopika nhema, navaya vanobiridzira vashandi migove yavo, vanodzvinyirira chirikadzi nenherera uye vasingaruramisiri vatorwa, uye vasingandityi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Eg kjem til dykk og held dom og vert eit snøgt vitne mot deim som fer med trolldom, som bryt egteskapet, som gjer rang eid, som held att løni for leigekaren, som er harde med enkja og den faderlause, som rengjer retten for utlendingen og ikkje ottast meg, segjer Herren, allhers drott.
6 “Ini Jehovha handishanduki. Saka imi, rudzi rwaJakobho, hamuna kuparadzwa.
For eg, Herren, er ikkje umskift, og de, Jakobs-born, er ikkje til ende komne.
7 Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’
Alt ifrå fedre-dagarne hev de vike av frå loverne mine og ikkje halde deim. Vend um til meg, so skal eg venda um til dykk, segjer Herren, allhers drott. De spør: «Kva skal me venda um ifrå?»
8 “Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso.
Skal eit menneskje rana frå Gud, sidan de hev rana frå meg? Og de spør: «Kva hev me rana frå deg?» Jau, tiendi og reidorne.
9 Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira.
Forbanningi hev råka dykk, og frå meg ranar de, ja, heile folket.
10 Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.
Kom med heile tiendi til forrådshuset mitt, so det kann finnast mat i huset mitt, og prøv meg so på den måten, segjer Herren, allhers drott, um eg ikkje let upp himmellukorne åt dykk og renner yver dykk velsigning i rikt mål.
11 Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Eg skal truga etaren for dykk, so han ikkje tyner grøda på jordi for dykk, og ikkje heller skal de hava vanheppa med vintreet på marki, segjer Herren, allhers drott.
12 “Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Alle folki skal prisa dykk sæle, for det vert eit herlegt land, segjer Herren, allhers drott.
13 Jehovha anoti, “Makataura zvinhu zvikukutu pamusoro pangu.” “Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takataureiko pamusoro penyu?’
De hev bruka sterke ord imot meg, segjer Herren. Og de spør: «Kva hev me tala med kvarandre imot deg?»
14 “Imi makati, ‘Hazvina maturo kushumira Mwari. Takawaneiko nokuita zvaakarayira uye zvatakafamba savachemi pamberi paJehovha Wamasimba Ose?
Jau, de segjer: «Det er fåfengt å tena Gud. Kva bate hev me av at me agtar på hans krav og gjeng syrgjeklædde for Herren, allhers drott?
15 Asi zvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa. Zvirokwazvo vaiti vezvakaipa vanobudirira uye naivo vaya vanoedza Mwari vanopunyuka.’”
Nei, no prisar me dei ovmodige sæle; dei hev medgang når dei liver i gudløysa, dei freistar Gud og slepp vel ifrå det.»
16 Ipapo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, uye Jehovha akateerera akanzwa. Bhuku rechirangaridzo rakanyorwa pamberi pake pamusoro pavanotya Jehovha uye nevanoremekedza zita rake.
Då tala dei med kvarandre, dei som ottast Herren, og Herren lydde og høyrde på, og det vart skrive ei minnebok for hans åsyn um deim som ottast Herren og tenkjer på hans namn.
17 “Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira.
Og dei skal vera min eigedom, segjer Herren, allhers drott, på den dagen som eg skaper, og eg skal spara deim liksom ein mann sparer son sin som tener honom.
18 Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama navakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.
Då skal de atter sjå skil på den rettferdige og den gudlause, den som tener Gud og den som ikkje tener honom.

< Maraki 3 >