< Maraki 2 >
1 “Zvino yambiro iyi ndeyenyu, imi vaprista.
And now, this commandment is for you, O ye priests.
2 Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.
If ye will not hear, and if ye will not lay it to heart, to give glory unto my name, saith the Lord of hosts: I will even send out against you a curse, and I will curse your blessings; yea, I will curse the same, because ye do not lay it to heart.
3 “Nokuda kwenyu ndichabvisa zvizvarwa zvenyu; ndichadzura zviso zvenyu nendove inobva pazvibayiro zvemitambo yenyu, uye muchatakurwa pamwe chete nayo.
Behold, I will destroy unto you the seed, and spread dung upon your faces, even the dung of your festive offerings; and one shall take you away with it.
4 Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
And ye shall thereby know that I have sent out unto you this commandment, that my covenant might be with Levi, saith the Lord of hosts.
5 “Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu.
My covenant was with him life and peace; and I gave them to him for the fear wherewith he feared me, and because of my name he had dread.
6 Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi.
The law of truth was in his mouth, and falsehood was not found on his lips: in peace and equity he walked with me, and many did he turn away from iniquity.
7 “Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose.
For the priest's lips are ever to keep knowledge, and the law are they to seek from his mouth; for he is the messenger of the Lord of hosts.
8 Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
But ye are indeed departed out of the way; ye have caused many to stumble in the law; ye have corrupted the covenant of the Levite, saith the Lord of hosts.
9 “Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”
Therefore have I also made you contemptible and low before all the people, in the same measure as ye do not keep my ways, but act with partiality in the law.
10 Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka mumwe kuno mumwe?
Have we not all one father? hath not one God created us? [then] why shall we deal treacherously every man against his brother, to profane the covenant of our fathers?
11 Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa.
Judah hath dealt treacherously, and an abomination hath been committed in Israel and in Jerusalem; for Judah hath profaned the sanctuary of the Lord which he loveth, and hath married the daughter of a strange god.
12 Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose.
The Lord will cut off unto the man that doth this, son and grandson, out of the tents of Jacob, and him that bringeth near an offering unto the Lord of hosts.
13 Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema uye unoungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako.
And this do ye secondly, covering the altar of the Lord with tears, with weeping and with loud complaint, so that he turneth not any more his regard to the offerings, nor receiveth it with favor at your hand.
14 Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye.
Yet ye say, Wherefore? Because the Lord hath been witness between thee and the wife of thy youth, against whom thou hast indeed dealt treacherously: yet is she thy companion, and the wife of thy covenant.
15 Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.
And not one doth so who hath a remnant of a [good] spirit; for what desireth such a one? he seeketh [to possess] a godly posterity: therefore take heed to your spirit, and let none of you deal treacherously against the wife of his youth.
16 “Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano.
For he hateth putting away [the wife], so hath said the Lord the God of Israel, and him who covereth his garment with violence, so hath said the Lord of hosts: therefore take heed to your spirit, and deal not treacherously.
17 Makanetesa Jehovha namashoko enyu. Munoti, “Takamunetesa neiko?” Pamunoti, “Vose vanoita zvakaipa vakanaka pamberi paJehovha, uye anofadzwa navo” kana pamunoti, “Aripiko Mwari wokururamisira?”
Ye have wearied the Lord with your words: yet ye say, Wherein have we wearied him? By your saying, Every one that doth evil is good in the eyes of the Lord, and in them he findeth delight; or else, Where is the God of justice!