< Ruka 1 >
1 Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,
Inasmuch as many took it in hand to present a history concerning these things which have been fulfilled among us,
2 sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.
as those being eyewitnesses and ministers of the Word have delivered unto us;
3 Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,
it seemed good to me also, having followed carefully all things from the beginning, to write unto thee consecutively, O most noble Theophilus,
4 kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
in order that thou mayest know the certainty of the words concerning which thou hast been instructed.
5 Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.
There was in the days of Herod, the king of Judea, a certain priest, by name Zacharias, of the course of Ahijah, and his wife of the daughters of Aaron, and her name Elizabeth.
6 Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.
And they were both righteous before God, walking in all the commandments and ordinances of the Lord, blameless.
7 Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.
And there was no child to them, as Elizabeth was barren, and both were advanced in their days.
8 Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari,
And it came to pass, while he was officiating in the order of his course before God,
9 akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe.
(according to the custom of the priesthood he was chosen by lot to offer incense), having gone into the temple of the Lord;
10 Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.
and all the multitude of the people were praying without at the hour of incense;
11 Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira.
the angel of the Lord appeared unto him standing on the right hand of the altar of incense:
12 Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.
and Zacharias was troubled seeing him, and fear fell on him.
13 Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.
And the angel said to him; Fear not, Zacharias; because thy prayer has been heard, and thy wife Elizabeth shall bring forth a son to thee, and thou shalt call his name John.
14 Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,
And there shall be joy and rejoicing, and many shall rejoice at his birth.
15 nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.
For he shall be great before the Lord; and he shall not drink wine and strong drink; and he shall be filled with the Holy Ghost even from the womb of his mother.
16 Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo.
And he will turn many of the sons of Israel to the Lord, their God.
17 Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”
And he will go before Him in the spirit and Power of Elijah, to turn the hearts of the fathers to the children, and the disobedient unto the understanding of the righteous, to prepare a people made ready for the Lord.
18 Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.”
And Zacharias said to the angel: According to what shall I know this? for I am old and my wife advanced in her days.
19 Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.
And the angel responding said to him; I am Gabriel standing in the presence of God, and am sent to speak to you and to preach to you these things.
20 Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”
And behold thou shalt be dumb and unable to speak, unto the day upon which these things may take place; because thou didst not believe my words, which shall be fulfilled in their time.
21 Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.
And the people were waiting for Zacharias, and were wondering because he tarries in the temple.
22 Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.
And having come out he was unable to speak to them; and they recognized that he had seen a vision in the temple; and he was beckoning to them and remained dumb.
23 Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.
And it came to pass when the days of his ministry were fulfilled, he went away to his own house.
24 Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu.
And after these days Elizabeth, his wife, conceived, and hid herself five months, saying,
25 Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”
That the Lord so hath done unto me, in the days in which He condescended to take away my reproach among men.
26 Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,
And in the sixth month the angel Gabriel was sent from God to a city of Galilee, to which was the name
27 kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.
Nazareth, to a virgin betrothed to a man, to whom was the name Joseph of the house of David; and the name of the virgin was Mary.
28 Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”
And the angel having come to her said; Hail, thou blessed one; the Lord is with thee; blessed art thou among women.
29 Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.
And she seeing was troubled over his word, and was reasoning what kind this salutation might be.
30 Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.
And the angel said to her; Fear not, Mary; for thou didst find favor with God.
31 Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.
And behold, thou shalt conceive and hear a son, and thou shalt call His name Jesus.
32 Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,
He shall be great and shall be called the Son of the Highest; and the Lord God shall give unto Him the throne of His father David:
33 uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” (aiōn )
and He shall reign over the house of Jacob forever, and of His Kingdom there shall be no end. (aiōn )
34 Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”
And Mary said to the angel; How shall this be, since I know not man?
35 Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.
And the angel responding said to her; The Holy Ghost shall come upon thee, and the power of the Highest shall overshadow thee; therefore, indeed, that holy thing that is begotten shall be called the Son of God.
36 Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.
And behold Elizabeth thy kinswoman, indeed, herself having conceived a son in her old age; and this is the sixth month, to her who is called barren.
37 Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”
Because no word shall be impossible with God.
38 Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.
And Mary said; Behold the handmaiden of the Lord; may it be done unto me according to thy word. And the angel went away from her.
39 Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,
And Mary, rising, departed into the mountainous land, with haste, into a city of Judah.
40 uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.
And she came into the house of Zacharias and saluted Elizabeth.
41 Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.
And it came to pass when Elizabeth heard the salutation of Mary, the infant in her womb leaped; and Elizabeth was filled with the Holy Spirit; and she spoke with a loud voice and said;
42 Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!
Blessed art thou among women, and blessed is the fruit of thy womb.
43 Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?
And whence is this to me that the mother of my Lord may come unto me?
44 Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.
For behold when the voice of your salutation came into my ears, the infant in my womb leaped with joy.
45 Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”
And blessed is she that believeth, because there shall be a perfection to those things having been spoken to her by the Lord.
46 Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe
And Mary said; My soul doth magnify the Lord,
47 uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,
and my spirit rejoices in God my Saviour,
48 nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,
because He looked upon the low state of his handmaiden.
49 nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene.
For behold from now all generations call me blessed; because the Mighty One did great things unto me, and His name is holy;
50 Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
and His mercy unto generation of generations to them that fear Him.
51 Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
He wrought power by his own arm; he dispersed the proud in the thought of their heart.
52 Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa.
He cast down the mighty from thrones and exalted the humble.
53 Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.
He filled the poor with good things, and sent away the rich empty.
54 Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni,
He delivered his son Israel, to remember mercy,
55 kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” (aiōn )
as he spoke to our fathers, to Abraham and his seed forever. (aiōn )
56 Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha.
And Mary remained with her about three months, and returned to her own house.
57 Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana.
And the time of her parturition was fulfilled unto Elizabeth and she brought forth a son.
58 Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.
And the neighbors and her relatives heard, that the Lord was magnifying His mercy with her, and they continued to rejoice with her.
59 Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,
And it came to pass on the eighth day, they came to circumcise the little child; and they were calling him Zacharias, after the name of his father.
60 asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”
And his mother responding said; No, but he shall be called John.
61 Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”
And they said to her; That there is no one among thy kindred who is called by this name.
62 Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.
And they were beckoning to his father, what he might wish to call him.
63 Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.
And having asked for a writing tablet, he wrote saying; His name is John.
64 Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.
And all marveled. And his mouth immediately opened and his tongue loosed, and he continued to speak, praising God.
65 Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.
And fear came upon all of those dwelling around; and all these words were spoken abroad in all the mountainous regions of Judea.
66 Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.
And all those hearing placed them in their heart, saying; What then shall this little child be? And the hand of the Lord was with him.
67 Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:
And Zacharias his father was filled with the Holy Ghost, and prophesied saying;
68 “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.
Blessed be the Lord God of Israel, because He looked upon us and wrought redemption to His people, and raised up unto us a horn of salvation
69 Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,
in the house of David His son.
70 sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, (aiōn )
As he spoke through the mouth of His holy prophets from the beginning; (aiōn )
71 iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga,
salvation from our enemies, and from the hand of all those who hate us,
72 kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,
to execute mercy with our fathers, and remember His holy covenant,
73 mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:
the oath which He swore to Abraham our father:
74 kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,
to grant unto us, having been delivered out of the hand of our enemies, to serve Him without fear,
75 muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
in holiness and righteousness before Him all the days of our life.
76 “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
And thou, little child, shall be called a prophet of the Highest; for thou shalt go before the face of the Lord to prepare His ways,
77 kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,
to give knowledge of salvation to His people in remission of their sins,
78 nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga,
through the bowels of mercy of our God, in which the dayspring from on high looked upon us,
79 kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”
to appear unto those sitting in darkness and in the shadow of death, to direct our feet in the way of peace.
80 Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.
And the little child continued to grow and waxed strong in spirit; and was in the deserts until the day of his showing unto Israel.