< Ruka 9 >
1 Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere,
それからイエスは十二弟子を呼び集めて、彼らにすべての悪霊を制し、病気をいやす力と権威とをお授けになった。
2 akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara.
また神の国を宣べ伝え、かつ病気をなおすためにつかわして
3 Akavarayira achiti, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo.
言われた、「旅のために何も携えるな。つえも袋もパンも銭も持たず、また下着も二枚は持つな。
4 Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo.
また、どこかの家にはいったら、そこに留まっておれ。そしてそこから出かけることにしなさい。
5 Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.”
だれもあなたがたを迎えるものがいなかったら、その町を出て行くとき、彼らに対する抗議のしるしに、足からちりを払い落しなさい」。
6 Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.
弟子たちは出て行って、村々を巡り歩き、いたる所で福音を宣べ伝え、また病気をいやした。
7 Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa,
さて、領主ヘロデはいろいろな出来事を耳にして、あわて惑っていた。それは、ある人たちは、ヨハネが死人の中からよみがえったと言い、
8 vamwe vachiti Eria akanga aonekwa, uyezve vamwe vachiti mumwe wavaprofita vakare akanga amuka.
またある人たちは、エリヤが現れたと言い、またほかの人たちは、昔の預言者のひとりが復活したのだと言っていたからである。
9 Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone.
そこでヘロデが言った、「ヨハネはわたしがすでに首を切ったのだが、こうしてうわさされているこの人は、いったい、だれなのだろう」。そしてイエスに会ってみようと思っていた。
10 Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha,
使徒たちは帰ってきて、自分たちのしたことをすべてイエスに話した。それからイエスは彼らを連れて、ベツサイダという町へひそかに退かれた。
11 asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.
ところが群衆がそれと知って、ついてきたので、これを迎えて神の国のことを語り聞かせ、また治療を要する人たちをいやされた。
12 Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.”
それから日が傾きかけたので、十二弟子がイエスのもとにきて言った、「群衆を解散して、まわりの村々や部落へ行って宿を取り、食物を手にいれるようにさせてください。わたしたちはこんな寂しい所にきているのですから」。
13 Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.” Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.”
しかしイエスは言われた、「あなたがたの手で食物をやりなさい」。彼らは言った、「わたしたちにはパン五つと魚二ひきしかありません、この大ぜいの人のために食物を買いに行くかしなければ」。
14 Pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu. Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.”
というのは、男が五千人ばかりもいたからである。しかしイエスは弟子たちに言われた、「人々をおおよそ五十人ずつの組にして、すわらせなさい」。
15 Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi.
彼らはそのとおりにして、みんなをすわらせた。
16 Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu.
イエスは五つのパンと二ひきの魚とを手に取り、天を仰いでそれを祝福してさき、弟子たちにわたして群衆に配らせた。
17 Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.
みんなの者は食べて満腹した。そして、その余りくずを集めたら、十二かごあった。
18 Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?”
イエスがひとりで祈っておられたとき、弟子たちが近くにいたので、彼らに尋ねて言われた、「群衆はわたしをだれと言っているか」。
19 Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kubva kuvakafa.”
彼らは答えて言った、「バプテスマのヨハネだと、言っています。しかしほかの人たちは、エリヤだと言い、また昔の預言者のひとりが復活したのだと、言っている者もあります」。
20 Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.”
彼らに言われた、「それでは、あなたがたはわたしをだれと言うか」。ペテロが答えて言った、「神のキリストです」。
21 Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake.
イエスは彼らを戒め、この事をだれにも言うなと命じ、そして言われた、
22 Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.”
「人の子は必ず多くの苦しみを受け、長老、祭司長、律法学者たちに捨てられ、また殺され、そして三日目によみがえる」。
23 Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.
それから、みんなの者に言われた、「だれでもわたしについてきたいと思うなら、自分を捨て、日々自分の十字架を負うて、わたしに従ってきなさい。
24 Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa.
自分の命を救おうと思う者はそれを失い、わたしのために自分の命を失う者は、それを救うであろう。
25 Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake.
人が全世界をもうけても、自分自身を失いまたは損したら、なんの得になろうか。
26 Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.
わたしとわたしの言葉とを恥じる者に対しては、人の子もまた、自分の栄光と、父と聖なる御使との栄光のうちに現れて来るとき、その者を恥じるであろう。
27 Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari.”
よく聞いておくがよい、神の国を見るまでは、死を味わわない者が、ここに立っている者の中にいる」。
28 Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera.
これらのことを話された後、八日ほどたってから、イエスはペテロ、ヨハネ、ヤコブを連れて、祈るために山に登られた。
29 Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni.
祈っておられる間に、み顔の様が変り、み衣がまばゆいほどに白く輝いた。
30 Varume vaviri, Mozisi naEria,
すると見よ、ふたりの人がイエスと語り合っていた。それはモーセとエリヤであったが、
31 vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema.
栄光の中に現れて、イエスがエルサレムで遂げようとする最後のことについて話していたのである。
32 Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye.
ペテロとその仲間の者たちとは熟睡していたが、目をさますと、イエスの栄光の姿と、共に立っているふたりの人とを見た。
33 Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva.
このふたりがイエスを離れ去ろうとしたとき、ペテロは自分が何を言っているのかわからないで、イエスに言った、「先生、わたしたちがここにいるのは、すばらしいことです。それで、わたしたちは小屋を三つ建てましょう。一つはあなたのために、一つはモーセのために、一つはエリヤのために」。
34 Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore.
彼がこう言っている間に、雲がわき起って彼らをおおいはじめた。そしてその雲に囲まれたとき、彼らは恐れた。
35 Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.”
すると雲の中から声があった、「これはわたしの子、わたしの選んだ者である。これに聞け」。
36 Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.
そして声が止んだとき、イエスがひとりだけになっておられた。弟子たちは沈黙を守って、自分たちが見たことについては、そのころだれにも話さなかった。
37 Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye.
翌日、一同が山を降りて来ると、大ぜいの群衆がイエスを出迎えた。
38 Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.
すると突然、ある人が群衆の中から大声をあげて言った、「先生、お願いです。わたしのむすこを見てやってください。この子はわたしのひとりむすこですが、
39 Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza.
霊が取りつきますと、彼は急に叫び出すのです。それから、霊は彼をひきつけさせて、あわを吹かせ、彼を弱り果てさせて、なかなか出て行かないのです。
40 Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”
それで、お弟子たちに、この霊を追い出してくださるように願いましたが、できませんでした」。
41 Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”
イエスは答えて言われた、「ああ、なんという不信仰な、曲った時代であろう。いつまで、わたしはあなたがたと一緒におられようか、またあなたがたに我慢ができようか。あなたの子をここに連れてきなさい」。
42 Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.
ところが、その子がイエスのところに来る時にも、悪霊が彼を引き倒して、引きつけさせた。イエスはこの汚れた霊をしかりつけ、その子供をいやして、父親にお渡しになった。
43 Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
人々はみな、神の偉大な力に非常に驚いた。みんなの者がイエスのしておられた数々の事を不思議に思っていると、弟子たちに言われた、
44 “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”
「あなたがたはこの言葉を耳におさめて置きなさい。人の子は人々の手に渡されようとしている」。
45 Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
しかし、彼らはなんのことかわからなかった。それが彼らに隠されていて、悟ることができなかったのである。また彼らはそのことについて尋ねるのを恐れていた。
46 Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.
弟子たちの間に、彼らのうちでだれがいちばん偉いだろうかということで、議論がはじまった。
47 Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.
イエスは彼らの心の思いを見抜き、ひとりの幼な子を取りあげて自分のそばに立たせ、彼らに言われた、
48 Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”
「だれでもこの幼な子をわたしの名のゆえに受けいれる者は、わたしを受けいれるのである。そしてわたしを受けいれる者は、わたしをおつかわしになったかたを受けいれるのである。あなたがたみんなの中でいちばん小さい者こそ、大きいのである」。
49 Johani akati, “Tenzi, takaona mumwe murume achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”
するとヨハネが答えて言った、「先生、わたしたちはある人があなたの名を使って悪霊を追い出しているのを見ましたが、その人はわたしたちの仲間でないので、やめさせました」。
50 Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.”
イエスは彼に言われた、「やめさせないがよい。あなたがたに反対しない者は、あなたがたの味方なのである」。
51 Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.
さて、イエスが天に上げられる日が近づいたので、エルサレムへ行こうと決意して、その方へ顔をむけられ、
52 Uye akatuma nhume pamberi pake, dzikapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu;
自分に先立って使者たちをおつかわしになった。そして彼らがサマリヤ人の村へはいって行き、イエスのために準備をしようとしたところ、
53 asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema.
村人は、エルサレムへむかって進んで行かれるというので、イエスを歓迎しようとはしなかった。
54 Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”
弟子のヤコブとヨハネとはそれを見て言った、「主よ、いかがでしょう。彼らを焼き払ってしまうように、天から火をよび求めましょうか」。
55 Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,
イエスは振りかえって、彼らをおしかりになった。
56 uye akabva akaenda kuno mumwe musha.
そして一同はほかの村へ行った。
57 Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
道を進んで行くと、ある人がイエスに言った、「あなたがおいでになる所ならどこへでも従ってまいります」。
58 Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
イエスはその人に言われた、「きつねには穴があり、空の鳥には巣がある。しかし、人の子にはまくらする所がない」。
59 Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.”
またほかの人に、「わたしに従ってきなさい」と言われた。するとその人が言った、「まず、父を葬りに行かせてください」。
60 Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”
彼に言われた、「その死人を葬ることは、死人に任せておくがよい。あなたは、出て行って神の国を告げひろめなさい」。
61 Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.”
またほかの人が言った、「主よ、従ってまいりますが、まず家の者に別れを言いに行かせてください」。
62 Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”
イエスは言われた、「手をすきにかけてから、うしろを見る者は、神の国にふさわしくないものである」。