< Ruka 3 >

1 Mugore regumi nemashanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, mununʼuna wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini,
Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhe ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin'ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene,
2 panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga.
Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje.
3 Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi.
Akasvika munyika yese yakapoteredza yaJoridhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukanganwirwa kwezvivi;
4 Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
sezvazvakanyorwa mubhuku remashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reanodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake.
5 Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa.
Mupata wese uchafusirwa, negomo rega-rega nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, uye makwiringwindi ave nzira dzakaenzana;
6 Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’”
uye nyama yese ichaona ruponeso rwaMwari.
7 Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Imwi zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya?
8 Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya.
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahama vana.
9 Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.”
Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi, ugokandirwa mumoto.
10 Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?”
Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei?
11 Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
Akapindura akati kwavari: Ane nguvo refu mbiri, ngaagovane neasina; neane kudya ngaaite saizvozvo.
12 Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?”
Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei?
13 Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.”
Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo.
14 Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”
Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemibairo yenyu.
15 Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu.
Zvino vanhu vakati vachatarisira, vese vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye angava Kristu,
16 Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Johwani akapindura kune vese achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi ane simba kupfuura ini anouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto;
17 Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”
werusero rwake rwuri muruoko rwake; achachenesa kwazvo buriro rake; uye achaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.
18 Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.
Naizvozvo achikurudzira nezvimwe zvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.
19 Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita,
Asi Herodhe umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin'ina wake, nezvakaipa zvese Herodhe zvaakange aita,
20 Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.
wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvese, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.
21 Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,
Zvino zvakaitika kuti vanhu vese vabhabhatidzwa, Jesuwo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa.
22 Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sewenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofara mauri kwazvo.
23 Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana, mwanakomana waHeri,
Zvino iye Jesu wakange achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri,
24 mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa,
waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa,
25 mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai,
waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai,
26 mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha,
waMaati, waMatatiasi, waSimeyi, waJosefa, waJudha,
27 mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, mwanakomana waNeri,
waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri,
28 mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri,
waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri,
29 mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi,
30 mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi,
waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu,
31 mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi,
waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi,
32 mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoazi, mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNahashoni,
waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni,
33 mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha,
waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha,
34 mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori,
waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori,
35 mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera,
waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara,
36 mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki,
37 mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani,
waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani,
38 mwanakomana waEnoshi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.
waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.

< Ruka 3 >