< Ruka 24 >
1 Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva.
On the first day of the week, very early in the morning, the women came to the tomb, bringing the spices they had prepared.
2 Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,
They found the stone rolled away from the tomb,
3 asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.
but when they entered, they did not find the body of the Lord Jesus.
4 Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.
While they were puzzling over this, suddenly two men in radiant apparel stood beside them.
5 Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?
As the women bowed their faces to the ground in terror, the two men asked them, “Why do you look for the living among the dead?
6 Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:
He is not here; He has risen! Remember how He told you while He was still in Galilee:
7 ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’”
‘The Son of Man must be delivered into the hands of sinful men, and be crucified, and on the third day rise again.’”
8 Ipapo vakarangarira mashoko ake.
Then they remembered His words.
9 Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose.
And when they returned from the tomb, they reported all these things to the Eleven and to all the others.
10 VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.
It was Mary Magdalene, Joanna, Mary the mother of James, and the other women with them who told this to the apostles.
11 Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.
But their words seemed like nonsense to them, and they did not believe the women.
12 Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
Peter, however, got up and ran to the tomb. And after bending down and seeing only the linen cloths, he went away, wondering to himself what had happened.
13 Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.
That same day two of them were going to a village called Emmaus, about seven miles from Jerusalem.
14 Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
They were talking with each other about everything that had happened.
15 Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;
And as they talked and deliberated, Jesus Himself came up and walked along with them.
16 asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.
But their eyes were kept from recognizing Him.
17 Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.
He asked them, “What are you discussing so intently as you walk along?” They stood still, with sadness on their faces.
18 Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”
One of them, named Cleopas, asked Him, “Are You the only visitor to Jerusalem who does not know the things that have happened there in recent days?”
19 Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.
“What things?” He asked. “The events involving Jesus of Nazareth,” they answered. “This man was a prophet, powerful in speech and action before God and all the people.
20 Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;
Our chief priests and rulers delivered Him up to the sentence of death, and they crucified Him.
21 asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.
But we were hoping He was the One who would redeem Israel. And besides all this, it is the third day since these things took place.
22 Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza
Furthermore, some of our women astounded us. They were at the tomb early this morning,
23 asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.
but they did not find His body. They came and told us they had seen a vision of angels, who said that Jesus was alive.
24 Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”
Then some of our companions went to the tomb and found it just as the women had described. But Him they did not see.”
25 Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita!
Then Jesus said to them, “O foolish ones, how slow are your hearts to believe all that the prophets have spoken!
26 Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?”
Was it not necessary for the Christ to suffer these things and then to enter His glory?”
27 Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.
And beginning with Moses and all the Prophets, He explained to them what was written in all the Scriptures about Himself.
28 Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira.
As they approached the village where they were headed, He seemed to be going farther.
29 Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.
But they pleaded with Him, “Stay with us, for it is nearly evening and the day is almost over.” So He went in to stay with them.
30 Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.
While He was reclining at the table with them, He took bread, spoke a blessing and broke it, and gave it to them.
31 Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.
Then their eyes were opened and they recognized Jesus—and He disappeared from their sight.
32 Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”
They asked each other, “Were not our hearts burning within us as He spoke with us on the road and opened the Scriptures to us?”
33 Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete
And they got up that very hour and returned to Jerusalem. There they found the Eleven and those with them, gathered together
34 vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”
and saying, “The Lord has indeed risen and has appeared to Simon!”
35 Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.
Then the two told what had happened on the road, and how they had recognized Jesus in the breaking of the bread.
36 Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”
While they were describing these events, Jesus Himself stood among them and said, “Peace be with you.”
37 Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.
But they were startled and frightened, thinking they had seen a spirit.
38 Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?
“Why are you troubled,” Jesus asked, “and why do doubts arise in your hearts?
39 Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”
Look at My hands and My feet. It is I Myself. Touch Me and see—for a spirit does not have flesh and bones, as you see I have.”
40 Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.
And when He had said this, He showed them His hands and feet.
41 Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”
While they were still in disbelief because of their joy and amazement, He asked them, “Do you have anything here to eat?”
42 Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,
So they gave Him a piece of broiled fish,
43 uye akachitora akachidya pamberi pavo.
and He took it and ate it in front of them.
44 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”
Jesus said to them, “These are the words I spoke to you while I was still with you: Everything must be fulfilled that is written about Me in the Law of Moses, the Prophets, and the Psalms.”
45 Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro.
Then He opened their minds to understand the Scriptures.
46 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu,
And He told them, “This is what is written: The Christ will suffer and rise from the dead on the third day,
47 uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
and in His name repentance and forgiveness of sins will be proclaimed to all nations, beginning in Jerusalem.
48 Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
You are witnesses of these things.
49 Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”
And behold, I am sending the promise of My Father upon you. But remain in the city until you have been clothed with power from on high.”
50 Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza.
When Jesus had led them out as far as Bethany, He lifted up His hands and blessed them.
51 Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.
While He was blessing them, He left them and was carried up into heaven.
52 Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.
And they worshiped Him and returned to Jerusalem with great joy,
53 Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.
praising God continually in the temple.