< Ruka 21 >
1 Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.
He looked up and saw the rich people who were putting their gifts into the treasury.
2 Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.
He saw a certain poor widow casting in two small brass coins.
3 Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.
He said, “Truly I tell you, this poor widow put in more than all of them,
4 Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”
for all these put in gifts for God from their abundance, but she, out of her poverty, put in all that she had to live on.”
5 Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,
As some were talking about the temple and how it was decorated with beautiful stones and gifts, he said,
6 “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.”
“As for these things which you see, the days will come in which there will not be left here one stone on another that will not be thrown down.”
7 Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”
They asked him, “Teacher, so when will these things be? What is the sign that these things are about to happen?”
8 Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.
He said, “Watch out that you don’t get led astray, for many will come in my name, saying, ‘I am he,’ and, ‘The time is at hand.’ Therefore don’t follow them.
9 Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”
When you hear of wars and disturbances, don’t be terrified, for these things must happen first, but the end won’t come immediately.”
10 Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.
Then he said to them, “Nation will rise against nation, and kingdom against kingdom.
11 Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.
There will be great earthquakes, famines, and plagues in various places. There will be terrors and great signs from heaven.
12 “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.
But before all these things, they will lay their hands on you and will persecute you, delivering you up to synagogues and prisons, bringing you before kings and governors for my name’s sake.
13 Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.
It will turn out as a testimony for you.
14 Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.
Settle it therefore in your hearts not to meditate beforehand how to answer,
15 Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
for I will give you a mouth and wisdom which all your adversaries will not be able to withstand or to contradict.
16 Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
You will be handed over even by parents, brothers, relatives, and friends. They will cause some of you to be put to death.
17 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
You will be hated by all men for my name’s sake.
18 Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.
And not a hair of your head will perish.
19 Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.
“By your endurance you will win your lives.
20 “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.
“But when you see Jerusalem surrounded by armies, then know that its desolation is at hand.
21 Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.
Then let those who are in Judea flee to the mountains. Let those who are in the middle of her depart. Let those who are in the country not enter therein.
22 Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
For these are days of vengeance, that all things which are written may be fulfilled.
23 Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.
Woe to those who are pregnant and to those who nurse infants in those days! For there will be great distress in the land and wrath to this people.
24 Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa neveDzimwe Ndudzi kusvikira nguva dzeveDzimwe Ndudzi dzazadziswa.
They will fall by the edge of the sword, and will be led captive into all the nations. Jerusalem will be trampled down by the Gentiles until the times of the Gentiles are fulfilled.
25 “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.
“There will be signs in the sun, moon, and stars; and on the earth anxiety of nations, in perplexity for the roaring of the sea and the waves;
26 Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa.
men fainting for fear and for expectation of the things which are coming on the world, for the powers of the heavens will be shaken.
27 Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.
Then they will see the Son of Man coming in a cloud with power and great glory.
28 Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”
But when these things begin to happen, look up and lift up your heads, because your redemption is near.”
29 Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.
He told them a parable. “See the fig tree and all the trees.
30 Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.
When they are already budding, you see it and know by your own selves that the summer is already near.
31 Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.
Even so you also, when you see these things happening, know that God’s Kingdom is near.
32 “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.
Most certainly I tell you, this generation will not pass away until all things are accomplished.
33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Heaven and earth will pass away, but my words will by no means pass away.
34 “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.
“So be careful, or your hearts will be loaded down with carousing, drunkenness, and cares of this life, and that day will come on you suddenly.
35 Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.
For it will come like a snare on all those who dwell on the surface of all the earth.
36 Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”
Therefore be watchful all the time, praying that you may be counted worthy to escape all these things that will happen, and to stand before the Son of Man.”
37 Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,
Every day Jesus was teaching in the temple, and every night he would go out and spend the night on the mountain that is called Olivet.
38 uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.
All the people came early in the morning to him in the temple to hear him.