< Ruka 19 >
1 Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.
耶稣走进耶利哥城,穿城而过。
2 Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.
有一个名叫撒该的税吏长,非常富有。
3 Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.
他想看看耶稣到底是谁,但在人群中,身材矮小的他无法看见。
4 Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.
于是他跑到前面,爬上一棵无花果树,想在耶稣经过的时候看看他的样子。
5 Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.”
耶稣走到这里后往上一看,对他说:“撒该,快下来,今天我要住在你家中。”
6 Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
撒该马上爬下来,高兴地迎接耶稣到他家去。
7 Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, “Aenda kunova mueni wo‘mutadzi.’”
众人见状议论纷纷:“他竟要住在这样的罪人家中!”
8 Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
撒该站着对主说:“主啊,你看,我正在把一半的家财分给穷人,如果我曾欺骗谁,就会四倍奉还!”
9 Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.
耶稣说:“今天这栋房子迎来了救赎,他也是亚伯拉罕的子孙。
10 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
因为人子来寻找和拯救的就是迷失之人。”
11 Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.
众人专心听着耶稣的话。由于这里接近耶路撒冷,加上民众都认为上帝之国即将出现,于是耶稣就讲了一个故事。
12 Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka.
他说:“从前有一个贵族,他离开家去远方接受王位加冕,然后再回到家。
13 Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’
他叫了自己的十个仆人来,将钱平分给他们,然后说:‘你们用这钱去做投资,一直到我回来。’
14 “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzinoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’
但这国家的人都憎恨他,于是派一个代表跟过去,说:‘我们不想这个人做王统治我们。’
15 “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.
贵族获得王位后返回,然后将那些拿钱投资的仆人召来,询问他们做投资的收益情况。
16 “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’
第一个仆人上前说:‘主人,你的钱已经赚了十倍。’
17 “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’
国王说:‘做得好,你是个好仆人,因为你证明了在小事上很忠心,我现在派你去管理十座城。’
18 “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’
第二个过来说:‘主人,你的钱已经赚了五倍。’
19 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’
国王说:‘我派你去管理五座城。’
20 “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.
另一个仆人走进来说:‘主啊,你看,这是你的钱,现在还给你。我用布包着它,确保安全。
21 Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ane mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’
你是个严厉的人,我很害怕你。我怕你会拿走不属于你的东西,会收走你没有种下的作物。’
22 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?
国王回答:‘我要根据你这番话来审判你。你知道我很严厉,会拿走不属于我的东西,会收走我没有种下的作物。
23 Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’
那你为什么不把我的钱存入银行,等我回来的时候,就可以连本带息取回来?’
24 “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’
国王对身边站着的仆人说:‘把他的钱拿走,交给那赚了十倍的人。’
25 “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’
侍卫说:‘但主人,他已经有了十倍的钱了。’
26 “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.
国王说:‘告诉你们吧,那些已经有的,还会有更多。没有的,现在有的也会被拿走。
27 Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’”
至于那些不愿意我做国王统治他们的敌人,现在把他们拉到这里来,当着我的面杀掉!’”
28 Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema.
耶稣讲完这个故事,就继续向前朝着耶路撒冷走去。
29 Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,
快到伯法其和伯大尼时,他来到了橄榄山,在那里叫来两名门徒,对他们说:
30 “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.
“你们到前面的村子去,进去后会看见有一个地方拴着一头从未有人骑过的小驴,解开它的绳子,把它牵来。
31 Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’”
如果有人问为什么解开它,你们就说:‘主需要它。’”
32 Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.
两名门徒出发了,后来发生的一切与耶稣所说如出一辙。
33 Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”
他们解开小驴的时候,驴主人问:“你们为什么解开它?”
34 Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”
他们说:“主需要它。”
35 Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.
门徒把小驴牵到耶稣那里,把自己的衣服搭在驴背上,耶稣坐在上面。
36 Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.
耶稣骑驴前行,众人把自己的衣服铺在路上。
37 Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:
当他走近耶路撒冷,这里也是橄榄山的下山路,门徒们因为看见了所有神迹,开始充满喜悦地大声赞美上帝。
38 “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
他们大声喊:“奉主之名前来的王,赞颂你!愿和平降临天堂,愿荣耀降临至高天堂!”
39 Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!”
民众中有几个法利赛人对他说:“老师,不要让你的门徒说这些!”
40 Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”
耶稣说:“我告诉你们,他们若保持沉默,石头就要呼喊了!”
41 Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro
耶路撒冷越来越近了,耶稣看见这座城,开始为之哭泣,
42 akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako.
他说:“我真希望你们——就是你们啊,在今天能知道通往平安的路,但都隐藏起来了,你们看不到。
43 Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose.
时间一到,你们的仇敌就会包围过来,搭建斜坡攻击你们,把你们团团围住,困住你们,
44 Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”
他们会彻底摧毁你们,还有你们的孩子。所有的石头建筑都会轰然倒塌,因为你们在救赎到来之刻拒绝接受。”
45 Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa.
耶稣走进神庙,赶走做买卖之人,
46 Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’”
他对他们说:“经文上记着:‘我的殿将用于祷告’。你们却把它变成贼窝了。”
47 Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya.
然后他每天都在神庙里教导众人。祭司长、宗教老师和首领都想杀害他,
48 Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.
但又不知道如何下手,因为众人都围着他并聆听。