< Ruka 16 >
1 Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake.
He also said to his disciples, “There was a certain rich man who had a manager. An accusation was made to him that this man was wasting his possessions.
2 Saka akamudana akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’
He called him, and said to him, ‘What is this that I hear about you? Give an accounting of your management, for you can no longer be manager.’
3 “Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha;
“The manager said within himself, ‘What will I do, seeing that my lord is taking away the management position from me? I don’t have strength to dig. I am ashamed to beg.
4 ndinoziva zvandichaita kuitira kuti, ndikange ndarasikirwa nebasa rangu pano, vanhu vagondigamuchira mudzimba dzavo.’
I know what I will do, so that when I am removed from management, they may receive me into their houses.’
5 “Saka akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti natenzi wake. Akabvunza wokutanga akati, ‘Une chikwereti chakaita sei iwe kuna tenzi wangu?’
Calling each one of his lord’s debtors to him, he said to the first, ‘How much do you owe to my lord?’
6 “Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’ “Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’
He said, ‘A hundred batos of oil.’ He said to him, ‘Take your bill, and sit down quickly and write fifty.’
7 “Ipapo akabvunza wechipiri akati, ‘Iwe une chikwereti chakadiniko?’ “Akapindura akati, ‘Zviero zana zvegorosi.’ “Akamuudza kuti, ‘Tora tsamba yako unyore makumi masere.’
Then he said to another, ‘How much do you owe?’ He said, ‘A hundred cors of wheat.’ He said to him, ‘Take your bill, and write eighty.’
8 “Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza. (aiōn )
“His lord commended the dishonest manager because he had done wisely, for the children of this world are, in their own generation, wiser than the children of the light. (aiōn )
9 Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’ (aiōnios )
I tell you, make for yourselves friends by means of unrighteous mammon, so that when you fail, they may receive you into the eternal tents. (aiōnios )
10 “Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda.
He who is faithful in a very little is faithful also in much. He who is dishonest in a very little is also dishonest in much.
11 Saka kana manga musina kutendeka paupfumi hwenyika, ndianiko achavimba nemi paupfumi hwechokwadi?
If therefore you have not been faithful in the unrighteous mammon, who will commit to your trust the true riches?
12 Uye kana wanga usina kutendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupa zvinhu zvako iwe?
If you have not been faithful in that which is another’s, who will give you that which is your own?
13 “Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”
No servant can serve two masters, for either he will hate the one and love the other; or else he will hold to one and despise the other. You aren’t able to serve God and Mammon.”
14 VaFarisi, avo vaida mari vakanzwa zvose izvi vakatuka Jesu uye vakamuseka.
The Pharisees, who were lovers of money, also heard all these things, and they scoffed at him.
15 Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari.
He said to them, “You are those who justify yourselves in the sight of men, but God knows your hearts. For that which is exalted amongst men is an abomination in the sight of God.
16 “Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri.
“The law and the prophets were until John. From that time the Good News of God’s Kingdom is preached, and everyone is forcing his way into it.
17 Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku koMurayiro kabviswe.
But it is easier for heaven and earth to pass away than for one tiny stroke of a pen in the law to fall.
18 “Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
“Everyone who divorces his wife and marries another commits adultery. He who marries one who is divorced from a husband commits adultery.
19 “Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose.
“Now there was a certain rich man, and he was clothed in purple and fine linen, living in luxury every day.
20 Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda
A certain beggar, named Lazarus, was taken to his gate, full of sores,
21 uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
and desiring to be fed with the crumbs that fell from the rich man’s table. Yes, even the dogs came and licked his sores.
22 “Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa.
The beggar died, and he was carried away by the angels to Abraham’s bosom. The rich man also died and was buried.
23 Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. (Hadēs )
In Hades, he lifted up his eyes, being in torment, and saw Abraham far off, and Lazarus at his bosom. (Hadēs )
24 Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’
He cried and said, ‘Father Abraham, have mercy on me, and send Lazarus, that he may dip the tip of his finger in water and cool my tongue! For I am in anguish in this flame.’
25 “Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa.
“But Abraham said, ‘Son, remember that you, in your lifetime, received your good things, and Lazarus, in the same way, bad things. But here he is now comforted and you are in anguish.
26 Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’
Besides all this, between us and you there is a great gulf fixed, that those who want to pass from here to you are not able, and that no one may cross over from there to us.’
27 “Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu,
“He said, ‘I ask you therefore, father, that you would send him to my father’s house—
28 nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’
for I have five brothers—that he may testify to them, so they won’t also come into this place of torment.’
29 “Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’
“But Abraham said to him, ‘They have Moses and the prophets. Let them listen to them.’
30 “Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’
“He said, ‘No, father Abraham, but if one goes to them from the dead, they will repent.’
31 “Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’”
“He said to him, ‘If they don’t listen to Moses and the prophets, neither will they be persuaded if one rises from the dead.’”