< Ruka 12 >

1 Zvichakadaro, zviuru nezviuru zvakati zvaungana, zvokuti vakanga vava kutsikirirana, Jesu akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisi, kunyengera.
בינתיים הלך וגדל מספר הנוכחים עד שהגיע לאלפים רבים, ומרוב דוחק וצפיפות דרכו אחד על רגלי השני. ישוע פנה תחילה אל תלמידיו ואמר:”היזהרו מצביעותם של הפרושים! הם מעמידים פני צדיקים תמימים בזמן שמעשיהם והתנהגותם מצביעים על היפוכו של דבר. אולם צביעות כזאת אי־אפשר להסתיר לנצח,
2 Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi.
כי בבוא העת כל מה שמוסתר עכשיו ייגלה, וכל מה שאינו ידוע ייוודע.
3 Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba.
לפיכך, כל מה שאמרתם בחשכה יישמע באור היום, וכל מה שלחשתם בין ארבעה קירות ייקרא בקולי קולות מעל גגות הבתים!
4 “Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
”ידידים יקרים, אל תפחדו מאלה הרוצים להרוג אתכם, כי הם יכולים להמית אך ורק את הגוף, בעוד שבנפש אין הם מסוגלים לפגוע.
5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye. (Geenna g1067)
היודעים אתם ממי עליכם לפחד? מאלוהים! כי הוא מסוגל להמית ואחר כך להשליך לגיהינום! (Geenna g1067)
6 Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari.
”מה מחירן של חמש ציפורי דרור, שניים־שלושה שקלים? אף־על־פי־כן אלוהים אינו שוכח אף אחת מהן.
7 Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji.
אלוהים יודע אפילו את מספר השערות על ראשכם. לכן אל תפחדו; אתם יקרים לאלוהים יותר מציפורים רבות.
8 “Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari.
”אני מבטיח לכם שכל המודה שהוא מאמין בי לפני בני־האדם, גם אני אכבד אותו ואודה בו לפני מלאכי אלוהים.
9 Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
אולם מי שמתכחש לי לפני בני־אדם, גם אני אתכחש לו לפני מלאכי אלוהים.
10 Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi.
ובכל זאת, מי שידבר נגד בן־האדם ייסלח לו, בעוד שאדם המדבר נגד רוח הקודש לא ייסלח לו לעולם.
11 “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei,
”כאשר יביאו אתכם למשפט בבתי־הכנסת או לפני שליטים וממשלות, אל תדאגו כיצד תגנו על עצמכם וכיצד תעידו,
12 nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”
כי רוח הקודש יגיד לכם מה לומר בזמן המתאים.“
13 Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.”
איש אחד מהקהל קרא אל ישוע:”רבי, אמור בבקשה לאחי שייתן לי את חלקי בירושת אבינו.“
14 Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?”
אולם ישוע השיב:”מי מינה אותי להיות לכם שופט ובורר?
15 Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.”
היזהרו מכל חמדנות, כי חיי האדם והאושר אינם תלויים בעושרו ובנכסיו.“
16 Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka.
ישוע סיפר להם את המשל הבא:”לעשיר אחד היה שדה פורה שהניב יבול רב.
17 Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’
אסמיו היו מלאים עד אפס מקום, והאיש לא ידע מה לעשות בתבואה הרבה שכבר לא יכול היה לאחסן.
18 “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu.
’אני יודע מה עלי לעשות!‘קרא האיש.’אהרוס את האסמים הקיימים ואבנה לעצמי אסמים גדולים יותר. כך אוכל לאחסן את התבואה הרבה שלי.
19 Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.”’
אחר כך אומר לעצמי: יש לך מספיק כסף לשנים רבות. מעתה ואילך אל תעבוד קשה, כי אם אכול, שתה ותהנה‘.
20 “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’
אבל אלוהים אמר לו:’שוטה שכמוך! הלילה תמות, ומה תעשה עם כל מה שאגרת לעצמך?‘
21 “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”
כך יקרה לכל אדם האוגר לעצמו אוצר על־פני האדמה ולא בשמים.“
22 Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei.
ישוע פנה אל תלמידיו ואמר:”אל תדאגו למה שתאכלו או תלבשו,
23 Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka.
כי החיים חשובים הרבה יותר מהאוכל, והגוף חשוב הרבה יותר מהלבוש.
24 Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei!
קחו לדוגמה את העורבים – הם אינם זורעים, אינם קוצרים ואין להם מחסן לאגור את מזונם. אף־על־פי־כן לא חסר להם דבר כי אלוהים מאכיל אותם ודואג להם. ואתם הרי יקרים לאלוהים הרבה יותר מן העופות!
25 Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya?
מלבד זאת, מה תועיל דאגתכם? האם יכולה דאגתכם להוסיף עוד יום לחייכם או עוד סנטימטר לקומתכם?
26 Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe?
אם דאגתכם אינה מסוגלת לשנות דברים פעוטים כאלה, מה הטעם לדאוג לדברים גדולים יותר?
27 “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya.
”הביטו בשושנים – הן אינן טוות ואינן אורגות, ואף־על־פי־כן אפילו שלמה המלך בכל תפארתו לא היה לבוש יותר יפה מהן!
28 Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku!
ואם אלוהים מלביש את פרחי השדה הצומחים היום ונובלים מחר, האם אינכם חושבים שילביש גם אתכם, חסרי אמונה שכמותכם?
29 Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo.
אל תדאגו למה שתאכלו ותשתו ואל תדאגו שמא לא יספק לכם אלוהים את מה שאתם צריכים.
30 Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo.
בני־אדם שאינם מאמינים באלוהים דואגים יום־יום למה שיאכלו וישתו, אולם אביכם שבשמים יודע בדיוק מה אתם צריכים.
31 Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
דאגו לכל הקשור באלוהים ובמלכותו, והוא יספק לכם יום־יום את כל צרכיכם.
32 “Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.
”אל תפחד, עדר קטן, כי אביכם שבשמים משתוקק להעניק לכם את מלכותו.
33 Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.
מכרו את רכושכם ותנו כסף לנזקקים. מעשה זה יגדיל את אוצרכם בשמים, ואוצר בשמים לעולם לא ייפגם. כן, אוצרכם לעולם לא ידלדל, גנב לא יוכל לגנבו ועש לא יכרסם בו.
34 Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.
במקום שבו נמצא אוצרכם שם נמצא גם לבכם ומחשבותיכם.
35 “Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta,
”היו מוכנים לכל מה שיקרה – כשאתם לבושים ובידכם נר דולק –
36 savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova.
כמשרתים המצפים לשובו של אדונם מהחתונה. כשיבוא אדונם וידפוק בדלת, יפתחו לו מיד.
37 Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakarindira paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi kuti achazvishongedza iye pachake kuti ashande, achaita kuti vagare patafura agouya avashandire.
שמחה גדולה מצפה לאלה שיהיו מוכנים לשובו של האדון, כי הוא בעצמו יושיב אותם ליד השולחן וישרת אותם.
38 Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, kunyange dai akauya nenguva yokurindira yechipiri kana yechitatu yousiku.
אולי הוא יבוא בלילה, ואולי בבוקר השכם. אך בכל עת שיבוא תהיה שמחה גדולה לכל המשרתים שימצא אותם מוכנים לבואו.
39 Asi nzwisisai izvi: kuti dai mwene weimba aiziva nguva inosvika mbavha, haaizotendera kuti imba yake ipazwe.
”אילו ידעו את השעה, היו כולם מתכוננים לבואו, כשם שהיו מתכוננים לבואו של גנב אילו ידעו מתי יבוא.
40 Nemiwo munofanira kugara makazvigadzirira, nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.”
גם אתם היו מוכנים תמיד, כי בן־האדם יבוא בשעה בלתי צפויה.“
41 Petro akati, “Ishe, munotaura mufananidzo uyu kwatiri here kana kuna vose?”
”אדון, “פתח פטרוס בשאלה,”האם מכוון המשל הזה אלינו בלבד או אל כולם?“
42 Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake pamusoro pavashandi kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
”משל זה מכוון אל כל אדם נאמן ונבון, אשר אדוניו הפקיד בידו את האחריות להשגיח על עבדיו ולדאוג לכלכלתם“, השיב האדון.
43 Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka.
”ברוך תהיה אם בשובי אמצא אותך ממלא את תפקידך בנאמנות.
44 Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.
אנשים נאמנים כאלה אני אפקיד על כל רכושי.
45 Asi ngatimboti muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa.
”אולם אם אתה רשע ותאמר לעצמך:’אה, האדון לא ישוב כל כך מהר‘, – ותתאכזר ליתר העבדים ותבלה את זמנך במסיבות, בזלילה ובשתייה –
46 Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvambura-bvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi.
אדונך יופיע בשעה בלתי צפויה, ואז הוא יכה אותך קשות ויקבע את מקומך עם הבלתי־נאמנים.
47 “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji.
הוא גם ייענש בכל חומרת הדין, מאחר שידע את חובתו וסירב למלא אותה.
48 Asi munhu anenge asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari.
”לעומת זאת, אדם שלא ידע את רצון אדוניו ועשה מעשה המחייב עונש, לא ייענש בכל חומרת הדין. מי שקיבל הרבה יידרש ממנו הרבה חזרה, כי אחריותו גדולה משל אחרים.
49 “Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye ndinoshuva sei kuti dai wakabatidzwa kare!
”באתי להצית אש בעולם, ואני מייחל שמשימתי תושלם.
50 Asi ndino rubhabhatidzo rwandichapinda marwuri, uye ndinoshungurudzwa sei kusvikira ruchiitika!
טבילה נוראה מצפה לי, ועד שאעבור אותה אני שרוי במצוקה גדולה.
51 Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa.
אתם חושבים שבאתי להשכין שלום בארץ? טעות בידיכם; באתי לגרום למחלוקת,
52 Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu.
מעתה ואילך תתפלגנה משפחות; שלושה מבני המשפחה יהיו בעדי ושניים נגדי – או להיפך.
53 Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”
אב יחלוק על בנו; בן יחלוק על אביו; אם תחלוק על בתה; בת תחלוק על אמה; החמה תחלוק על כלתה; והכלה תחלוק על חמותה.“
54 Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo.
ישוע פנה אל ההמון ואמר:”כשאתם רואים עננים עולים מן המערב אתם אומרים:’עומד לרדת גשם‘. ואתם צודקים.
55 Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo.
כשנושבת רוח דרומית אתם אומרים:’יהיה חמסין‘. ואתם צודקים.
56 Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino?
צבועים! אתם יודעים לפרש את סימני הטבע בשמים ובארץ, אבל אתם מסרבים להבין את משמעות העת שבה אנו חיים.
57 “Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama?
מדוע אינכם מסוגלים להחליט בעצמכם מה נכון?
58 Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri.
כשאתה פוגש את יריבך בדרך לבית־המשפט, השתדל להשלים איתו וליישב את הסכסוך לפני שתגיעו לשופט, אחרת השופט עלול להשליך אותך לכלא.
59 Ndinoti kwauri, haungabudimo usati waripa sendi rokupedzisira.”
ואם כך יהיה, לא תצא מהכלא עד שתשלם את מלוא חובתך!“

< Ruka 12 >