< Ruka 11 >
1 Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.”
彼がある場所で祈り終えたときのこと,弟子たちの一人が彼に言った,「主よ,ヨハネも自分の弟子たちに教えたように,わたしたちに祈り方を教えてください」。
2 Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
彼は彼らに言った,「あなた方が祈るときにはこう言いなさい, 『天におられるわたしたちの父よ,あなたのお名前が神聖なものとされますように。あなたの王国が来ますように。あなたのご意志が,天におけると同じように地上においてもなされますように。
3 Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.
日々,わたしたちの日ごとのパンをお与えください。
4 Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’”
わたしたちの罪をお許しください。わたしたちも自分に負い目のある人たちを許しますから。わたしたちを誘惑に陥らせることなく,悪い者からお救いください』」 。
5 Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,
彼らに言った,「あなた方のうちのだれかが,真夜中に友人のところに行き,彼にこう言うとする。『友よ,パンを三つ貸してくれ。
6 nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’
わたしの友人が旅の途中でわたしのところに来たのだが,出してやるものが何もないのだ』。
7 “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’
すると彼は中から答えて言うだろう,『わたしを煩わさないでくれ。戸はもう閉めてしまったし,子供たちはわたしと一緒に寝床に入っているのだ。起きて行ってあなたに物をやることなどできない』。
8 Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.
あなた方に告げる。彼は,その人が自分の友人だということでは,起き上がって物を与えないとしても,その人のしつこさのゆえには,起きて行ってその人が必要とするものを与えるだろう。
9 “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova.
「あなた方に告げる。求め続けなさい,そうすれば与えられるだろう。探し続けなさい,そうすれば見いだすだろう。たたき続けなさい,そうすれば開かれるだろう。
10 Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.
だれでも求めている者は受け,探している者は見いだし,たたいている者には開かれるのだ。
11 “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove?
「あなた方のうちのどの父親が,自分の息子がパンを求めているのに石を与えるだろうか。また,魚を求めているのに魚の代わりに蛇を与えるだろうか。
12 Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here?
また,卵を求めているのにサソリを与えるだろうか。
13 Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
それなら,あなた方が,悪い者でありながら,自分の子供たちに良い贈り物を与えることを知っているのであれば,ましてあなた方の天の父は,ご自分に求める者たちに聖霊を与えてくださらないだろうか」 。
14 Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
彼はある悪霊を追い出していたが,それは口のきけない悪霊であった。その悪霊が出て行くと,口のきけなかった人は物を言い出した。それで群衆は驚嘆した。
15 Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.”
しかし彼らのうちのある者たちは言った,「彼が悪霊たちを追い出すのは,悪霊たちの首領ベエルゼブルによるのだ」。
16 Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo.
ほかの者たちは,彼を試そうとして,天からのしるしを彼から求めていた。
17 Jesu akaziva ndangariro dzavo akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa.
しかし彼は,彼らの考えを知って,彼らに言った,「自らに敵対して分裂した王国はすべて荒廃してしまう。自らに敵対して分裂した家は倒れてしまう。
18 Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi.
もしサタンも自らに敵対して分裂するなら,どうしてその王国は立ち行くだろうか。というのは,あなた方は,わたしがベエルゼブルによって悪霊たちを追い出していると言うからだ。
19 Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu.
だが,わたしがベエルゼブルによって悪霊たちを追い出しているのなら,あなた方の子らはだれによってそれらを追い出しているのか。それで,彼らがあなた方を裁く者になるだろう。
20 Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
だが,わたしが神の指によって悪霊たちを追い出しているのなら,神の王国はすでにあなた方のところに来ているのだ。
21 “Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka.
「強い者が十分に武装して自分の住みかを守っている時は,その家財は安全だ。
22 Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba.
だが,もっと強い者たちが襲って来て,彼に打ち勝つなら,彼が頼みとしていた全装備を彼から取り去り,その戦利品を分け合うだろう。
23 “Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira.
「わたしと共にいない者はわたしに敵対しているのだ。わたしと共に集めない者は散らしているのだ。
24 “Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’
汚れた霊は,人から出て来ると,休み場を求めて乾いた場所を通るが,何も見つからない。そこで,『出て来た自分の家に帰ろう』と言う。
25 Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka.
そして戻って来ると,そこが掃き清められており,きちんと片づけられているのを見つける。
26 Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.”
そこで,出て行って,自分より悪いほかの七つの霊を連れて来る。そして彼らは中に入ってそこに住みつく。その人の最後の状態は,最初よりも悪くなる」 。
27 Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakaropafadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.”
彼がこれらの事を話していると,ある女が群衆の中から声を上げて,彼に言った,「あなたを宿した胎と,あなたに乳を飲ませた乳房とは幸いです!」
28 Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.”
しかし彼は言った,「いや,神の言葉を聞いて,それを守る人たちは幸いだ」 。
29 Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona.
群衆が彼のもとに集まって来た時,彼はこう言い始めた,「この世代は悪い世代だ。しるしを求める。この世代には,預言者ヨナのしるしのほかには何のしるしも与えられないだろう。
30 Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu.
実に,ヨナがニネベ人に対するしるしとなったのと同じように,人の子もこの世代に対するしるしとなるだろう。
31 Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
南の女王は裁きの際にこの世代の人々と共に起き上がり,彼らを罪に定めるだろう。彼女はソロモンの知恵を聞くために地の果てからやって来たからだ。そして見よ,ソロモンよりも偉大な者がここにいる。
32 Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
ニネベの人々は裁きの際にこの世代と共に立ち上がり,この世代を罪に定めるだろう。彼らはヨナの宣教することを聞いて悔い改めたからだ。そして見よ,ヨナよりも偉大な者がここにいる。
33 “Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza.
「ともし火をともしてから,それを穴ぐらの中や,かごの下に置く者はいない。むしろ,入って来る者たちに光が見えるように,それを燭台の上に置く。
34 Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima.
体のともし火は目だ。だから,あなた方の目が健全なら,あなた方の全身は光で満ちているだろう。だが,それがよこしまなら,あなた方の体も闇で満ちているだろう。
35 Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima.
だから,あなた方の内にある光が闇ではないかどうか確かめなさい。
36 Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.”
それで,あなた方の全身が光で満ちており,闇の部分が少しもなければ,ともし火が明るく輝いてあなたを照らす時のように,全体が光に満たされるだろう」 。
37 Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.
さて,彼が話していると,あるファリサイ人が一緒に食事をして欲しいと頼んだ。彼は入って行って,食卓に着いた。
38 Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa.
ファリサイ人はそれを見て,彼が食事の前に身を洗わないのに驚いた。
39 Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
主は彼に言った,「ところで,あなた方ファリサイ人たちは杯と皿の外側は清めるが,あなた方の内側は強奪と不正で満ちている。
40 Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here?
愚か者たちよ,外側を造られた方は内側をも造られたのではないか。
41 Asi ipai zviri mukati mendiro sezvipo kuvarombo, uye ipapo zvose zvichava zvakachena kwamuri.
それでも,内にあるそれらのものを,困窮している人たちに施しをしなさい。そうすれば,見よ,あなた方にとってすべてのものが清められるだろう。
42 “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa.
だが,あなた方ファリサイ人たちは災いだ! あなた方はハッカ,ヘンルーダ,あらゆる野菜の十分の一税は納めていながら,公正と神の愛を無視している。これらこそ行なわなくてはいけない。もっとも,もう一方のこともなおざりにしてはいけないが。
43 “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.”
あなた方ファリサイ人たちは災いだ! あなた方が好むのは,会堂での上席と市場でのあいさつなのだ。
44 “Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.”
あなた方は災いだ,律法学者たちとファリサイ人たち,偽善者たちよ! あなた方は目につかない墓のようなものだ。その上を歩く人々は何も気づかないのだ」 。
45 Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.”
律法の専門家たちの一人が彼に答えた,「先生,そのようなことを言われるのは,わたしたちをも侮辱することです」。
46 Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire.
彼は言った,「あなた方律法の専門家たちも災いだ! 運びにくい重荷を人々に負わせるが,自分ではそれらの重荷を運ぶのを助けるために指一本持ち上げようとさえしない。
47 “Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya.
あなた方は災いだ! あなた方は預言者たちの墓を建てているが,彼らを殺したのはあなた方の父祖たちだからだ。
48 Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi munovaka marinda avo.
そのようにして,あなた方は,あなた方の父祖たちの業を証言し,同意しているのだ。彼らが預言者たちを殺し,あなた方がその墓を建てているからだ。
49 Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’
このゆえに,神の知恵もこう言った,『わたしは彼らに預言者たちと使徒たちを遣わす。彼らはそのうちのある者たちを殺し,迫害するだろう。
50 Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika,
こうして,世の基礎が据えられて以来流されて来たすべての預言者たちの血が,この世代に要求されることになる。
51 kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose.
すなわち,アベルの血から,祭壇と聖所の間で死んだザカリヤの血に至るまで』。そうだ,あなた方に告げるが,それはこの世代に要求されるだろう。
52 “Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.”
あなた方律法の専門家たちは災いだ! あなた方は知識のかぎを取り去ったからだ。自分たちが入らないばかりか,入ろうとする者たちをも妨げたのだ」 。
53 Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda,
彼が彼らにこれらの事を話したとき,律法学者たちとファリサイ人たちはひどく腹を立て始め,彼から多くの事を聞き出し始めた。
54 vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura.
そして,彼を待ち構え,その言葉じりを捕らえようとした。彼を訴えようとしてであった。