< Ruka 10 >
1 Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.
After this, the Lord appointed seventy-two others and sent them two by two ahead of Him to every town and place He was about to visit.
2 Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.
And He told them, “The harvest is plentiful, but the workers are few. Ask the Lord of the harvest, therefore, to send out workers into His harvest.
3 Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.
Go! I am sending you out like lambs among wolves.
4 Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.
Carry no purse or bag or sandals. Do not greet anyone along the road.
5 “Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’
Whatever house you enter, begin by saying, ‘Peace to this house.’
6 Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.
If a man of peace is there, your peace will rest on him; if not, it will return to you.
7 Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.
Stay at the same house, eating and drinking whatever you are offered. For the worker is worthy of his wages. Do not move around from house to house.
8 “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.
If you enter a town and they welcome you, eat whatever is set before you.
9 Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
Heal the sick who are there and tell them, ‘The kingdom of God is near you.’
10 Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,
But if you enter a town and they do not welcome you, go into the streets and declare,
11 ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’
‘Even the dust of your town that clings to our feet, we wipe off as a testimony against you. Yet be sure of this: The kingdom of God is near.’
12 Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.
I tell you, it will be more bearable on that day for Sodom than for that town.
13 “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.
Woe to you, Chorazin! Woe to you, Bethsaida! For if the miracles that were performed in you had been performed in Tyre and Sidon, they would have repented long ago, sitting in sackcloth and ashes.
14 Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.
But it will be more bearable for Tyre and Sidon at the judgment than for you.
15 Uye iwe, Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika. (Hadēs )
And you, Capernaum, will you be lifted up to heaven? No, you will be brought down to Hades! (Hadēs )
16 “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”
Whoever listens to you listens to Me; whoever rejects you rejects Me; and whoever rejects Me rejects the One who sent Me.”
17 Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”
The seventy-two returned with joy and said, “Lord, even the demons submit to us in Your name.”
18 Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni.
So He told them, “I saw Satan fall like lightning from heaven.
19 Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.
Behold, I have given you authority to tread on snakes and scorpions, and over all the power of the enemy. Nothing will harm you.
20 Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
Nevertheless, do not rejoice that the spirits submit to you, but rejoice that your names are written in heaven.”
21 Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.
At that time Jesus rejoiced in the Holy Spirit and declared, “I praise You, Father, Lord of heaven and earth, because You have hidden these things from the wise and learned, and revealed them to little children. Yes, Father, for this was well-pleasing in Your sight.
22 “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”
All things have been entrusted to Me by My Father. No one knows who the Son is except the Father, and no one knows who the Father is except the Son and those to whom the Son chooses to reveal Him.”
23 Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona,
Then Jesus turned to the disciples and said privately, “Blessed are the eyes that see what you see.
24 nokuti ndinokuudzai kuti vaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.”
For I tell you that many prophets and kings desired to see what you see but did not see it, and to hear what you hear but did not hear it.”
25 Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios )
One day an expert in the law stood up to test Him. “Teacher,” he asked, “what must I do to inherit eternal life?” (aiōnios )
26 Iye akapindura akati, “Mumurayiro makanyorweiko? Unouverenga seiko?”
“What is written in the Law?” Jesus replied. “How do you read it?”
27 Akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’”
He answered, “‘Love the Lord your God with all your heart and with all your soul and with all your strength and with all your mind’ and ‘Love your neighbor as yourself.’”
28 Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”
“You have answered correctly,” Jesus said. “Do this and you will live.”
29 Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”
But wanting to justify himself, he asked Jesus, “And who is my neighbor?”
30 Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.
Jesus took up this question and said, “A man was going down from Jerusalem to Jericho when he fell into the hands of robbers. They stripped him, beat him, and went away, leaving him half dead.
31 Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona murume uyo, akamunyenyeredza.
Now by chance a priest was going down the same road, but when he saw him, he passed by on the other side.
32 Saizvozvowo, muRevhi akasvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.
So too, when a Levite came to that spot and saw him, he passed by on the other side.
33 Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.
But when a Samaritan on a journey came upon him, he looked at him and had compassion.
34 Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.
He went to him and bandaged his wounds, pouring on oil and wine. Then he put him on his own animal, brought him to an inn, and took care of him.
35 Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
The next day he took out two denarii and gave them to the innkeeper. ‘Take care of him,’ he said, ‘and on my return I will repay you for any additional expense.’
36 “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”
Which of these three do you think was a neighbor to the man who fell into the hands of robbers?”
37 Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akati kwaari, “Enda unoita saizvozvo.”
“The one who showed him mercy,” replied the expert in the law. Then Jesus told him, “Go and do likewise.”
38 Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.
As they traveled along, Jesus entered a village where a woman named Martha welcomed Him into her home.
39 Akanga ano mununʼuna wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura.
She had a sister named Mary, who sat at the Lord’s feet listening to His message.
40 Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti mununʼuna wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”
But Martha was distracted by all the preparations to be made. She came to Jesus and said, “Lord, do You not care that my sister has left me to serve alone? Tell her to help me!”
41 Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji,
“Martha, Martha,” the Lord replied, “you are worried and upset about many things.
42 asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”
But only one thing is necessary. Mary has chosen the good portion, and it will not be taken away from her.”