< Revhitiko 7 >

1 “‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chemhosva chitsvene-tsvene.
“‘Le yimithetho ephathelene lomnikelo wecala, oyiwo ongcwele kakhulu.
2 Chipiriso chemhosva chinofanira kubayirwa panzvimbo panobayirwa chipiriso chinopiswa uye ropa racho rinofanira kusaswa paaritari kumativi ose.
Umnikelo wecala kufanele uhlatshelwe endaweni lapho umnikelo wokutshiswa ohlatshelwa khona, njalo igazi lawo kufanele lichelwe emaceleni wonke e-alithare.
3 Mafuta acho ose achapiswa sechipiriso, chimuswe chakakora namafuta akafukidza zvomukati,
Wonke amahwahwa awo azanikelwa: umsila ononileyo kanye ledanga elembesa ezangaphakathi,
4 itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno, uye zvakafukidza chiropa, zvinofanira kubviswa pamwe chete neitsvo.
izinso zombili lamahwahwa azo aseduzane lesinqe, lamahwahwa aphezu kwesibindi, okufanele kukhutshwe lezinso.
5 Muprista anofanira kuzvipisa paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chemhosva.
Umphristi uzakukutshisela e-alithareni njengomhlatshelo wokudla onikelwa kuThixo. Kungumnikelo wecala.
6 Munhurume upi zvake weimba yomuprista angachidya, asi chinofanira kudyirwa munzvimbo tsvene; chitsvene-tsvene.
Wonke owesilisa emulini yomphristi angakudla, kodwa kufanele kudlelwe endaweni engcwele; ngoba kungcwele kakhulu.
7 “‘Chipiriso chemhosva chinofanira kuitwa sezvinoitwa nechipiriso chezvivi: ndechomuprista anoyananisira nazvo.
Umthetho munye uyasetshenziswa emnikelweni wesono kanye lemnikelweni wecala. Ungowomphristi owenza kube lendlela yokubuyisana labo.
8 Muprista anopisa chipiriso chinopiswa chomunhu upi zvake anogona kuzvichengetera dehwe racho.
Umphristi onikela umnikelo wokutshiswa kabani lobani angazigcinela isigogo.
9 Zvipiriso zvose zvezviyo zvinobikwa muchitofu kana zvinobikwa mugango kana muhari ndezvomuprista anozvipa,
Wonke umnikelo wamabele ophekelwa eziko, loba ophekelwa embizeni, loba embizeni yensimbi ungowomphristi owunikelayo,
10 uye zvipiriso zvose zvezviyo zvingava zvakasangana namafuta kana zvakaoma, ndezvavanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, zvakamuringana.
njalo wonke umnikelo wamabele oyabe uhlanganiswe lamafutha loba womile, wonke ungowamadodana ka-Aroni ngokulinganayo.’”
11 “‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chokuwadzana, chinogona kupiwa nomunhu kuna Jehovha.
“‘Le yimithetho ephathelene lomnikelo wobudlelwano umuntu angawunikela kuThixo:
12 “‘Kana akachipa sechiratidzo chokuvonga ipapo pamwe chete nechipiriso chokuvonga ichi, anofanira kupa makeke echingwa chakabikwa chisina mbiriso, chakaiswa mafuta, makeke matete akabikwa pasina mbiriso, akazorwa mafuta, namakeke oupfu hwakatsetseka akanyatsokanywa akaiswa mafuta.
Nxa unganikelwa njengendlela yokubonga, kumele lumnikelo wokubonga unikelwe ndawonye lesinkwa esenziwe singelamvubelo sahlanganise lamafutha, amakhekhe ayizicecedu enziwe engelamvubelo njalo egcotshwe ngamafutha, kanye lamakhekhe efulawa ecolekileyo avutshwe kuhle ahlanganiswa lamafutha.
13 Pamwe chete nechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga anofanira kupa chipiriso chamakeke akabikwa nembiriso.
Umnikelo wakhe wobudlelwano ongowokubonga kumele unikelwe ndawonye lomnikelo wezinkwa ezenziwe ngemvubelo.
14 Anofanira kuuya nemhando imwe neimwe sechipiriso, chikamu chinopiwa kuna Jehovha; ndezvomuprista anosasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana.
Kufanele alethe okukodwa komhlobo munye ngamunye njengomnikelo onikelwa kuThixo. Ungowomphristi ochela igazi lomnikelo wobudlelwano.
15 Nyama yechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga inofanira kudyiwa musi wainopiwa. Haafaniri kusiya imwe kusvikira mangwanani.
Inyama yomnikelo wakhe wobudlelwano ingeyokubonga, kumele idliwe ngalelolanga inikelwa. Akumelanga eyinye isalele elakusasa.
16 “‘Kana chipiriso chake chiri chemhiko kana kuti chiri chipiriso chokungopawo, chibayiro ichocho chichadyiwa musi wachinopiwa, asi chinhu chose chinosara chinogona kudyiwa musi unotevera.
Kodwa nxa umnikelo wakhe ungenxa yokugcwalisa isifungo loba ungumnikelo wesihle, umhlatshelo lowo uzadliwa ngalelolanga lokuwunikela, kodwa okuyabe kusele kungadliwa ngelanga elilandelayo.
17 Nyama yose yechibayiro inosara kusvikira zuva rechitatu inofanira kupiswa.
Yonke inyama yomhlatshelo esalayo kuze kwedlule insuku ezintathu kufanele itshiswe.
18 Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho.
Nxa kulenyama yomnikelo wobudlelwano engadliwa ngelanga lesithathu, lowo oyinikeleyo kasoze amukeleke. Ayisoze ibalelwe kulowo oyinikeleyo, ngoba ingahlambulukanga. Umuntu odla enye yayo uzakuba lomlandu ngayo.
19 “‘Nyama inogunzva chisina kucheneswa haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa. Kana iri imwe nyama, munhu wose akacheneswa anogona kuidya.
Inyama ethinta loba yini engcolileyo ngokomkhuba akumelanga idliwe; kumele itshiswe. Kodwa eyinye inyama ingadliwa yiloba ngubani ohlambulukileyo ngokomkhuba.
20 Asi kana munhu asina kuchena akadya nyama iyi yokuwadzana yaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Kodwa nxa kulomuntu ongcolileyo angadla inyama yomnikelo wobudlelwano engekaThixo, lowomuntu kumele axotshwe ebantwini bakibo.
21 Kana munhu akabata chinhu chisina kuchena, kunyange kusachena kwavanhu, kana mhuka isina kuchena, kana chose chisina kuchena, chinhu chinonyangadza, uye akazodya nyama ipi yechipiriso chokuwadzana chaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’”
Nxa kulomuntu othinta okuthile okungcolileyo, akukhathalekile kumbe kuyikungcola komuntu loba okwenyamazana loba okunye nje okungcolileyo, okwenyanyekayo, abesesidla inyama yomnikelo wobudlelwano engekaThixo, lowomuntu kumele axotshwe ebantwini bakibo.’”
22 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
23 “Uti kuvana veIsraeri, ‘Musadya mafuta api zvawo emombe, makwai kana mbudzi.
“Tshela abako-Israyeli uthi: ‘Lingaze ladla amahwahwa enkomo, awezimvu loba awembuzi.
24 Mafuta echipfuwo chinenge chawanikwa chakafa kana chabvamburwa nezvikara zvesango anogona kushandiswa pana mamwe mabasa asi hamufaniri kuadya.
Amahwahwa enyamazana ezifeleyo loba edatshulwe yizilo zeganga angasetshenziswa kokunye, kodwa akumelanga liwadle.
25 Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Umuntu odla amahwahwa enyamazana okungenziwa ngayo umnikelo wokutshiswa kuThixo kumele axotshwe ebantwini bakibo.
26 Kwose kwose kwamunogara hamufaniri kudya ropa reshiri kana mhuka ipi zvayo.
Njalo lingadli igazi lenyoni loba inyamazana yiphi kuzozonke izindawo elihlala kuzo.
27 Kana munhu upi zvake akadya ropa, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’”
Nxa umuntu esidla igazi, lowomuntu kumele axotshwe ebantwini bakibo.’”
28 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
29 “Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha.
“Tshela abako-Israyeli uthi: ‘Umuntu oletha umnikelo wobudlelwano kuThixo kumele alethe ingxenye yawo njengomhlatshelo wakhe kuThixo.
30 Namaoko ake anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, anofanira kuuya namafuta pamwe chete nechityu, agoninira chityu kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.
Kumele anikele ngezandla zakhe umhlatshelo wokudla kuThixo. Kumele alethe amahwahwa, ndawonye lesifuba, abesezunguza isifuba phambi kukaThixo njengomnikelo wokuzunguza.
31 Muprista achapisa mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.
Umphristi uzatshisa amahwahwa e-alithareni, kodwa isifuba ngesika-Aroni kanye lamadodana akhe.
32 Munofanira kupa bandauko rorudyi pazvipiriso zvenyu zvokuwadzana kumuprista somugove wakewo.
Kumele uphe umphristi umlenze wesokunene eminikelweni yakho yobudlelwano ube ngumnikelo wakho.
33 Mwanakomana waAroni anopa ropa namafuta echipiriso chokuwadzana achatora bandauko rokurudyi somugove wake.
Indodana ka-Aroni enikela igazi lamahwahwa omnikelo wobudlelwano izathola umlenze wesokunene njengesabelo sayo.
34 Kubva kuzvipiriso zvokuwadzana zvavana veIsraeri ndatora chityu chinoninirwa nebandauko rinouyiswa ndikazvipa kuna Aroni muprista navanakomana vake somugove wavo wavanofanira kugara vachiwana kubva kuvaIsraeri.’”
Ngithethe isifuba esizunguzwayo kanye lomlenze onikelwayo emnikelweni wobudlelwano wabako-Israyeli ngapha u-Aroni umphristi kanye lamadodana akhe njengesabelo sabo sezikhathi zonke esivela kwabako-Israyeli.’”
35 Uyu ndiwo mugove wezvibayiro zvinoitirwa Jehovha nomoto zvakapiwa kuna Aroni navanakomana vake pazuva ravakagadzwa kuti vashumire Jehovha savaprista.
Le yingxenye yemihlatshelo yokudla enikelwa kuThixo eyabelwa u-Aroni kanye lamadodana akhe ngelanga abethulwa ngalo ukuba basebenzele uThixo njengabaphristi.
36 Pazuva ravakazodzwa, Jehovha akarayira kuti vaIsraeri vape izvi kwavari somugove wavanofanira kugara vachiwana kuzvizvarwa zvichatevera.
Ngelanga abagcotshwa ngalo, uThixo walaya abako-Israyeli ukuthi banikele lokho njengasabelo sabo sezikhathi zonke kuzizukulwane ezizayo.
37 Zvino iyi ndiyo mirayiro yezvipiriso zvinopiswa, chipiriso chezviyo, chipiriso chechivi, chipiriso chemhosva, chipiriso chokugadzwa nechipiriso chokuwadzana,
Le-ke yiyo imithetho emayelana lomnikelo wokutshiswa, umnikelo wamabele, umnikelo wesono, umnikelo wecala, umnikelo wokugcotshwa lomnikelo wobudlelwano,
38 zvakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai pazuva raakarayira vaIsraeri kuti vauye nezvipiriso kuna Jehovha muGwenga reSinai.
uThixo awupha uMosi entabeni yeSinayi ngelanga alaya ngalo abako-Israyeli ukuthi balethe iminikelo yabo kuThixo, enkangala yaseSinayi.

< Revhitiko 7 >