< Revhitiko 5 >
1 “‘Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva.
Tami buetbuet touh ni a hmu e hoi a panue e hno dawk, kapanuekkhaikung lah ao teh, a pathang e thoebonae a thai nahlangva, dei laipalah awm pawiteh, yonpennae teh ama ni a khang han.
2 “‘Kana kuti munhu akabata zvinhu zvipi zvazvo zvisina kuchena, zvingava zvitunha zvemhuka dzesango dzisina kuchena, kana mombe isina kuchena, kana zvipuka zvisina kuchena zvinofamba pavhu, kunyange asingazvizivi, atova asina kuchena uye ane mhosva.
Tami buetbuet touh ni kathounghoehe sarang, saring, vonpui hoi kâva e saring kathoung hoeh e kadout e ro tek pawiteh yonpen lah ao han.
3 “‘Kana kuti akabata zvisakachena zvavanhu, chinhu chipi zvacho chinoita kuti asava akachena, kunyange asingazvizivi, paanozozviziva, achava nemhosva.
Hot hnukkhu hoi, tami hanelah kathounghoehe, kakhin e lah kaawm e hno, a kâbet payon e hah bout a panue torei teh yon pen lah ao han.
4 “‘Kana kuti munhu asina kunyatsofungisisa akaita mhiko yokuti achaita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, panyaya ipi zvayo, munhu yaanenge apika pamusoro payo asina kufungisisa, kunyange zvazvo asingazvizivi, paanozozviziva achava nemhosva.
Tami buetbuet touh ni kahawi hno thoseh, kathout hno thoseh, sut pouk laipalah lawkkamnae a sak teh, thoe a bo. Hote lawkkamnae bout a kâpanue torei teh, yon pen lah ao han.
5 “‘Kana munhu akava nemhosva pane chimwe chaizvozvi anofanira kureurura nzira yaakatadza nayo
Hetpatete yonpennae buet buet touh ao torei teh, Bangpatete nakunghai ama ni yonpâpho naseh.
6 uye somuripo wechivi chaakaita, anofanira kuuya kuna Jehovha negwayana sheshe kana mbudzana sechipiriso chechivi uye muprista achamuyananisira chivi chake.
A sakpayon e yontha nahanlah tu thoseh, hmae thoseh, a napui ca buetbuet touh yon thueng nahanelah, Cathut koe a thokhai hnukkhu, vaihma ni hote tami hanelah yon thuengnae a sak pouh han.
7 “‘Kana asingakwanisi kuuya negwayana anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri kuna Jehovha somuripo wechivi chake, imwe somuripo wechivi, imwe sechipiriso chinopiswa.
Tuca tawn hoehpawiteh, a sak payonnae yontha nahanlah sathei buet touh hmai thueng nahanlah buet touh, bakhu kahni touh, hoeh pawiteh âbakhu kahni touh BAWIPA koe vaihma hmalah a thokhai han.
8 Anofanira kudziuyisa kumuprista uyo achatanga kupa imwe yacho sechipiriso chechivi. Anofanira kumonyorora mutsipa wayo asingabvisi musoro zvachose.
Vaihma ni yonthanae sathei hah hmaloe thuengnae a sak han. A lahuen a kapen vaiteh, a tâtueng han. A tak teh na sei mahoeh.
9 Achasasa rimwe ropa rechipiriso chezvivi kumativi earitari, rimwe ropa rose rinofanira kudururwa mujinga mearitari. Ichi chipiriso chechivi.
Hote yon thuengnae sathei thi hah, khoungroe tapang dawk a kahei vaiteh, kacawie a thi teh, khoungroe kung koe a paca han. Hethateh, yon thuengnae doeh.
10 Ipapo muprista achapa chimwe chacho sechipiriso chinopiswa nenzira yakatarwa agomuyananisira pachivi chaakaita, uye acharegererwa.
Apâhni e tava teh a lamthung patetlah hmai thuengnae patetlah thuengnae a sak han. Hottelah, Vaihma ni ahnie a sakpayon e yon hanlah yonthanae a sak pouh pawiteh, ahnie yon teh tha lah ao han.
11 “‘Asi, kana asingakwanisi kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechipiriso chezvivi zvake chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezvivi. Haafaniri kuisa mafuta kana zvinonhuhwira pazviri nokuti chipiriso chechivi.
Bakhu kahni touh thoseh, âbakhu kahni touh thoseh, buetbuet touh coung thai hoehpawiteh, yon ka sak e tami ni yon thuengnae sathei yueng lah tavai ephah pung hra pung touh a thokhai han. Yon thuengnae lah ao dawkvah satui hoi frankinsen na awi mahoeh.
12 Anofanira kuzviuyisa kumuprista uyo achatora tsama sechikamu chechirangaridzo agozvipisa paaritari pamusoro pezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chezvivi.
Vaihma koe na thokhai hnukkhu, vaihma ni tavai vai touh kasum a la vaiteh, BAWIPA koe hmai thuengnae hoi cungtalah khoungroe van hmai a sawi han. Hethateh, yon thuengnae lah ao.
13 Nenzira iyi muprista achamuyananisira pazvivi zvose zvaakaita uye acharegererwa. Zvimwe zvose zvezvipiriso zvinosara zvichava zvomuprista, sezvinoitwa nezvipiriso zvezviyo.’”
Hettelah, vaihma ni hote tami ni a sakpayon e yon hanelah yon thuengnae sak pawiteh ahnie yontha lah ao han. Kacawie teh tavai thuengnae patetlah vaihma hanelah ao han telah Mosi koe atipouh.
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi:
BAWIPA ni Mosi koe bout a dei pouh e teh,
15 “Kana munhu akakanganisa chimwe chinhu uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondobwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsvene. Ichi chipiriso chezvivi.
Tami buetbuet touh ni phunglawk panuek laipalah BAWIPA hoi kâkuen e hno dawk payon pawiteh, hote payonnae hanlah yonthanae sathei tie tutan hmuen kathoung koe e patetlah ngun tangka a to vaiteh, BAWIPA koe a thokhai han.
16 Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondobwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa.
Hottelah, BAWIPA hoi kâkuen e hno dawk, a sakpayon e hanlah, panga touh dawk buet touh a thapsin vaiteh, vaihma koe a poe han. Vaihma ni hai yonthanae sathei lah kaawm e tu hoi hote tami hanelah yonthanae sak pouh pawiteh, ahnie yon teh tha lah ao han.
17 “Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka.
Tami buetbuet touh ni BAWIPA ni kâ a poe e sakpayon pawiteh, a sak payonnae ama ni a panue hoeh nakunghai a sak hno teh ama ni a khang han.
18 Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondobwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa.
Yonnae ngaithoum nahanelah, kacueme tutan, vaihma koe a thokhai han. Phunglawk panuek laipalah, a sakpayon nakunghai, amahoima yonnae kâpanuek hoeh e tami hanelah vaihma ni yonthanae sak pouh pawiteh, ahnie yon teh tha lah ao han.
19 Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.”
Hettelah, BAWIPA ka taran niteh, kâ kaek katang e kâtapoe thuengnae doeh telah ati.