< Revhitiko 26 >

1 “‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
Do not make images of false gods, or put up an image cut in stone or a pillar or any pictured stone in your land, to give worship to it; for I am the Lord your God.
2 “‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.
Keep my Sabbaths and give honour to my holy place: I am the Lord.
3 “‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu,
If you are guided by my rules, and keep my laws and do them,
4 ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo.
Then I will give you rain at the right time, and the land will give her increase and the trees of the field will give their fruit;
5 Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu.
And the crushing of the grain will overtake the cutting of the grapes, and the cutting of the grapes will overtake the planting of the seed, and there will be bread in full measure, and you will be living in your land safely.
6 “‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu.
And I will give you peace in the land, and you will take your rest and no one will give you cause for fear; and I will put an end to all evil beasts in the land, and no sword of war will go through your land.
7 Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu.
And you will put to flight those who are against you, and they will be put to death by your swords.
8 Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu.
Then five of you will put to flight a hundred, and a hundred of you will put to flight ten thousand, and all who are against you will be put to death by your swords.
9 “‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi.
And I will have pleasure in you and make you fertile and greater in number; and I will keep my agreement with you.
10 Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva.
And old stores long kept will be your food, and you will take out the old because of the new;
11 Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemai.
And I will put my holy House among you, and my soul will not be turned away from you in disgust.
12 Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.
And I will be present among you and will be your God and you will be my people.
13 Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipita zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.
I am the Lord your God, who took you out of the land of Egypt so that you might not be servants to them; by me the cords of your yoke were broken and I made you go upright.
14 “‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira,
But if you do not give ear to me, and do not keep all these my laws;
15 uye mukaramba mitemo yangu, mukasema mirayiro yangu, mukatadza kuzadzisa zvose zvandakarayira, saizvozvo mukaputsa sungano yangu,
And if you go against my rules and if you have hate in your souls for my decisions and you do not do all my orders, but go against my agreement;
16 ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya.
This will I do to you: I will put fear in your hearts, even wasting disease and burning pain, drying up the eyes and making the soul feeble, and you will get no profit from your seed, for your haters will take it for food.
17 Chiso changu chichanangana nemi zvokuti muchakundwa navavengi venyu. Avo vanokuvengai vachakutongai, uye muchatiza kunyange pasina anokudzinganisai.
And my face will be turned from you, and you will be broken before those who are against you, and your haters will become your rulers, and you will go in flight when no man comes after you.
18 “‘Kana mukasanditeerera mushure maizvozvi zvose, ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu.
And if, even after these things, you will not give ear to me, then I will send you punishment seven times more for your sins.
19 Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu ndigoita kuti denga renyu rive sesimbi, uye ivhu riri pasi penyu sendarira.
And the pride of your strength will be broken, and I will make your heaven as iron and your earth as brass;
20 Simba renyu richaperera pasina nokuti ivhu renyu harizobereki zvibereko, kana miti yenyika yenyu, michero yayo.
And your strength will be used up without profit; for your land will not give her increase and the trees of the field will not give their fruit.
21 “‘Kana mukaramba muchirwisana neni uye mukaramba kunditeerera, ndichawedzera matambudziko enyu zvakapetwa kanomwe, sezvakafanira zvivi zvenyu.
And if you still go against me and will not give ear to me, I will put seven times more punishments on you because of your sins.
22 Ndichatuma zvikara zvesango kuti zvizokurwisai, uye zvichakutorerai vana venyu, zvigoparadza mombe dzenyu zvigokuitai vashoma zvokuti nzira dzenyu dzichasara dzisina vanhu.
I will let loose the beasts of the field among you, and they will take away your children and send destruction on your cattle, so that your numbers will become small and your roads become waste.
23 “‘Ipapo kana musingadi kudzorwa neni pazvinhu izvi, asi mukaramba muchirwisana neni,
And if by these things you will not be turned to me, but still go against me;
24 ini pachangu ndicharwisana nemi, uye ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu.
Then I will go against you, and I will give you punishment, I myself, seven times for all your sins.
25 Uye ndichauyisa munondo wehondo pamusoro penyu kuti unditsivire kuputswa kwesungano. Kana mukatizira mumaguta enyu ndichatumira denda pakati penyu, uye muchaiswa mumaoko avavengi.
And I will send a sword on you to give effect to the punishment of my agreement; and when you come together into your towns I will send disease among you and you will be given up into the hands of your haters.
26 Kana ndikamisa mugove wenyu wechingwa, vakadzi gumi vachagona kubika chingwa chenyu pachoto chimwe chete, uye vachakanya chingwa chenyu zviri pamwero. Muchadya, asi hamungaguti.
When I take away your bread of life, ten women will be cooking bread in one oven, and your bread will be measured out by weight; you will have food but never enough.
27 “‘Mushure maizvozvi, mukaramba musinganditeereri asi mukaramba muchienderera mberi nokundirwisa,
And if, after all this, you do not give ear to me, but go against me still,
28 ipapo mukutsamwa kwangu ndicharwisana nemi, uye ini pachangu ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu kakapetwa kanomwe.
Then my wrath will be burning against you, and I will give you punishment, I myself, seven times for your sins.
29 Muchadya nyama yavanakomana venyu nenyama yavanasikana venyu.
Then you will take the flesh of your sons and the flesh of your daughters for food;
30 Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, ndigotemera pasi aritari dzenyu dzezvinonhuhwira uye ndigounganidza zvitunha zvenyu pamusoro pavamwari venyu vasina upenyu, uye ndichakusemai.
And I will send destruction on your high places, overturning your perfume altars, and will put your dead bodies on your broken images, and my soul will be turned from you in disgust.
31 Ndichaita kuti maguta enyu ave matongo uye ndigoparadza nzvimbo dzenyu tsvene, uye handizofariri munhuwi unonhuhwira zvinofadza wezvipiriso zvenyu.
And I will make your towns waste and send destruction on your holy places; I will take no pleasure in the smell of your sweet perfumes;
32 Ndichaparadza nyika yenyu, zvokuti vavengi venyu vanogaramo vachashamiswa.
And I will make your land a waste, a wonder to your haters living in it.
33 Ndichakuparadzirai pakati pendudzi uye ndichabudisa munondo wangu ndigokudzingirirai. Nyika yenyu ichaparara, uye maguta enyu achava matongo.
And I will send you out in all directions among the nations, and my sword will be uncovered against you, and your land will be without any living thing, and your towns will be made waste.
34 Ipapo nyika ichafarira makore ayo esabata panguva yose yokuparadzwa kwayo pamunenge muri munyika yavavengi venyu; ipapo nyika ichazorora igofadzwa namasabata ayo.
Then will the land take pleasure in its Sabbaths while it is waste and you are living in the land of your haters; then will the land have rest.
35 Panguva yose yokuparadzwa kwayo nyika ichava nezororo rayakashayiwa pamasabata panguva yamakararama mairi.
All the days while it is waste will the land have rest, such rest as it never had in your Sabbaths, when you were living in it.
36 “‘Kana vari vamwe venyu vanosara, ndichaita kuti hana dzavo dzizare nokutya munyika dzavavengi vavo zvokuti kurira kweshizha rinopeperetswa nemhepo kuchaita kuti vatize. Vachamhanya vachiwirana sokunge vari kutiza munondo, vachawa kunyange pasina ari kuvadzinganisa.
And as for the rest of you, I will make their hearts feeble in the land of their haters, and the sound of a leaf moved by the wind will send them in flight, and they will go in flight as from the sword, falling down when no one comes after them;
37 Vachabonderana sokunge vanotiza munondo, kunyange pasina anovadzinganisa. Saka hamuzogoni kumira pamberi pavavengi venyu.
Falling on one another, as before the sword, when no one comes after them; you will give way before your haters.
38 Muchaparara pakati pendudzi; nyika yavavengi venyu ichakuparadzai.
And death will overtake you among strange nations, and the land of your haters will be your destruction.
39 Avo pakati penyu vachasara, vachaonda munyika dzavavengi vavo nokuda kwezvivi zvavo; uye vachaonda nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo.
And those of you who are still living will be wasting away in their sins in the land of your haters; in the sins of their fathers they will be wasting away.
40 “‘Asi kana vakareurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, kundimukira kwavo noruvengo rwavo kwandiri,
And they will have grief for their sins and for the sins of their fathers, when their hearts were untrue to me, and they went against me;
41 zvakaita kuti ndivarwise kusvikira ndavaendesa kunyika yavavengi vavo, ipapo kana mwoyo yavo isina kudzingiswa yaninipiswa, varipira zvivi zvavo,
So that I went against them and sent them away into the land of their haters: if then the pride of their hearts is broken and they take the punishment of their sins,
42 ndicharangarira sungano yangu naJakobho nesungano yangu naIsaka uye nesungano yangu naAbhurahama; uye ndicharangarira nyika iyi.
Then I will keep in mind the agreement which I made with Jacob and with Isaac and with Abraham, and I will keep in mind the land.
43 Nokuti nyika yavachasiya icharamba ichifarira masabata ayo kunyange yaparadzwa saizvozvo vasimo. Vacharipira zvivi zvavo nokuti vakaramba mirayiro yangu vakasema mitemo yangu.
And the land, while she is without them, will keep her Sabbaths; and they will undergo the punishment of their sins, because they were turned away from my decisions and in their souls was hate for my laws.
44 Asi kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handizovarambi kana kuvasema kuti ndivaparadze zvachose, ndichiputsa sungano yangu navo. Ndini Jehovha Mwari wavo.
But for all that, when they are in the land of their haters I will not let them go, or be turned away from them, or give them up completely; my agreement with them will not be broken, for I am the Lord their God.
45 Asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yandakaita namadzitateguru avo vandakabudisa kubva muIjipiti pamberi pendudzi dzose kuti ndive Mwari wavo. Ndini Jehovha.’”
And because of them I will keep in mind the agreement which I made with their fathers, whom I took out of the land of Egypt before the eyes of the nations, to be their God: I am the Lord.
46 Iyi ndiyo mitemo, mirayiro nezvakatemwa zvakamiswa naJehovha pagomo reSinai pakati pake navaIsraeri kubudikidza naMozisi.
These are the rules, decisions, and laws, which the Lord made between himself and the children of Israel in Mount Sinai, by the hand of Moses.

< Revhitiko 26 >