< Revhitiko 23 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Iyi ndiyo mitambo yangu yandakatara, mitambo yakatarwa yaJehovha yamunofanira kudaidzira seungano tsvene.
“Khuluma labako-Israyeli uthi kubo: ‘Le yimikhosi yami emisiweyo, imikhosi emisiweyo kaThixo okumele liyimemezele ukuba yimihlangano engcwele.’”
3 “‘Pane mazuva matanhatu amunoshanda asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, zuva reungano tsvene. Hamufaniri kuita basa ripi zvaro kwose kwamunogara, iSabata kuna Jehovha.
“‘Kulensuku eziyisithupha elingasebenza ngazo, kodwa usuku lwesikhombisa liSabatha lokuphumula, usuku lomhlangano ongcwele. Lingenzi loba yiwuphi umsebenzi; kuzozonke izindawo elihlala kuzo, luliSabatha likaThixo.’”
4 “‘Iyi ndiyo mitambo yakatarwa yaJehovha, ungano tsvene dzamunodaidzira panguva dzakatarwa.
“‘Le yiyo imikhosi kaThixo emisiweyo, imihlangano engcwele elizayimemezela ngezikhathi zayo ezimisiweyo:
5 Pasika yaJehovha inotanga madekwana pazuva regumi namana romwedzi wokutanga.
IPhasika likaThixo liqalisa kusihlwa ngosuku lwetshumi lane lwenyanga yakuqala.
6 Pazuva regumi namashanu romwedzi iwoyo Mutambo waJehovha weChingwa Chisina Mbiriso unotanga; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chinobikwa chisina mbiriso.
Ngosuku lwetshumi lanhlanu lwaleyonyanga kuqaliswa uMkhosi kaThixo weSinkwa esingelaMvubelo; okwensuku eziyisikhombisa kumele lidle isinkwa esingelamvubelo.
7 Pazuva rokutanga itai ungano tsvene uye musaita mabasa amazuva ose.
Ngosuku lwakuqala lenze umbuthano ongcwele njalo lingenzi imisebenzi yenu yansuku zonke.
8 Kwamazuva manomwe mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose.’”
Okwensuku eziyisikhombisa nikelani umnikelo wokutshiswa kuThixo. Kuthi ngosuku lwesikhombisa libe lenkonzo engcwele, lingenzi imisebenzi yenu yansuku zonke.’”
9 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
10 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, mukakohwa gohwo rayo, uyai kumuprista nechisote chezviyo zvamunotanga kukohwa.
“Tshela abako-Israyeli uthi, ‘Nxa selingene elizweni engizalinika lona kalibokuthi lingavuna lilethe kumphristi ilixha lesivuno samabele akuqala.
11 Anofanira kuninira chisote pamberi paJehovha kuti chigamuchirwe panzvimbo penyu. Muprista anofanira kuchininira pazuva rinotevera Sabata.
Kumele azunguze ilixha lelo kuThixo ukuze lamukeleke. Umphristi kufanele alizunguze ngelanga elilandela iSabatha.
12 Pazuva ramunoninira chisote, munofanira kubayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha, gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara,
Ngelanga lokuzunguza ilixha kumele enze umhlatshelo ube ngumnikelo wokutshiswa kuThixo, kube lizinyane lemvu eliduna eselilomnyaka, libe ngelingelasici,
13 pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo chinokwana zvikamu zviviri kubva mugumi zveefa, zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, chinonhuhwira zvinofadza, nechipiriso chacho chokunwa chikamu chimwe chete kubva muzvina zvehini rewaini.
awunikele ndawonye lomnikelo wamabele oyingxenye yehefa ngokubili etshumini, kube yifulawa ecolekileyo evutshwe ngamafutha. Lo ngumhlatshelo wokudla onikelwa kuThixo olephunga elimnandi. Kawenziwe njalo lomnikelo wokunatha oba yingxenye yehini eyodwa kokune kuliwayini.
14 Hamufaniri kudya chingwa chipi zvacho, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, kusvikira zuva chairo ramunouya nechipiriso ichi kuna Mwari wenyu. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichatevera, kwose kwamuchagara.
Lingadli sinkwa loba inhlamvu zamabele ezikhanzingiweyo kumbe ezintsha kuze kube yilelolanga eliletha ngalo umnikelo lo kuNkulunkulu wenu. Lokhu kakube yisimiso esingapheliyo kuzozonke izizukulwane ezizayo kungelani lokuthi lihlala ngaphi.’”
15 “‘Kubva pazuva rinotevera Sabata, zuva ramakauya nechisote chechipiriso chokuninira, verengai mavhiki manomwe azere.
“‘Kusukela ngelanga elilandela iSabatha, ilanga elaletha ngalo ilixha lomnikelo wokuzunguza, balani amaviki ayisikhombisa agcweleyo.
16 Verengai mazuva makumi mashanu kusvika pazuva rinotevera Sabata rechinomwe, ipapo mugopa chipiriso chezviyo zvitsva kuna Jehovha.
Balani insuku ezingamatshumi amahlanu kusiyafika ilanga elingemva kweSabatha lesikhombisa, beseliletha umnikelo wamabele amatsha kuThixo.
17 Kubva kupi kwose kwamunogara, uyai nezvingwa zviviri zvakaitwa nezvikamu zviviri kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka zvakabikwa nembiriso sechipiriso chokuninira chezvibereko zvokutanga kuna Jehovha.
Kungelani lokuthi lihlala ngaphi, lethani izinkwa ezimbili ezenziwe ngefulawa ecolekileyo, eyingxenye yehefa ngokubili etshumini, siphekwe ngemvubelo, kube ngumnikelo wokuzunguzwa, owezithelo zakuqala kuThixo.
18 Pamwe chete nechingwa ichi mupe makwayana manomwe asina kuremara egore rimwe nehando imwe chete diki namakondobwe maviri. Zvichava zvipiriso zvinopisirwa Jehovha, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, chive chipiriso chinoitwa nomoto chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
Lethani isinkwa lesi ndawonye lamawundlu amaduna ayisikhombisa, linye ngalinye lilomnyaka owodwa ubudala njalo lingelasici, ijongosi lenqama ezimbili. Kuzakuba ngumnikelo wokutshiswa kuThixo kanye lomnikelo wamabele lowokunathwayo, umnikelo otshisiweyo ngomlilo oletha iphunga elimnandi kuThixo.
19 Ipapo bayirai nhongo imwe chete sechipiriso chechivi namakwayana maviri, ose egore rimwe chete, sechipiriso chokuwadzana.
Beselinikela ngempongo umnikelo wesono, langamawundlu amabili alomnyaka owodwa abe ngumnikelo wobudlelwano.
20 Muprista anofanira kuninira makwayana maviri pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira pamwe chete nechingwa chegohwo rokutanga. Izvi zvipiriso zvitsvene kuna Jehovha zvomuprista.
Umphristi kumele azunguze amawundlu lawo womabili kuThixo njengomnikelo wokuzunguzwa kanye lesinkwa sezithelo zakuqala. Zingumnikelo womphristi ongcwele kuThixo.
21 Pazuva rimwe chetero munofanira kudaidzira ungano tsvene murege basa ramazuva ose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya, kwose kwamuchagara.
Ngosuku olufanayo kumele limemezele inkonzo engcwele, lingenzi msebenzi yansuku zonke. Lokhu kuzakuba yisimiso esingapheliyo ezizukulwaneni zenu ezizayo, lalapho elizabe lihlala khona.
22 “‘Kana muchikohwa gohwo renyika yenyu musakohwa kusvikira kumucheto kwomunda wenyu, kana kunhongera zvinosara pakukohwa kwenyu. Zvisiyirei varanda navatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
Lapho livuna isivuno selizwe lakini, lingavuni lasemaphethelweni amasimu enu, futhi lingabuthi okukhithikayo lapho livuna. Lokhu kutshiyeleni abayanga lezihambi. Mina nginguThixo uNkulunkulu wenu.’”
23 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
24 “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe munofanira kuva nezuva rokuzorora, ungano tsvene inocherechedzwa nokuridza hwamanda.
“Tshela abako-Israyeli ukuthi, ‘Ilanga lakuqala lenyanga yesikhombisa lusuku lwesabatha lokuphumula, umbuthano ongcwele wokukhonza ngokutshaya icilongo.
25 Musaita basa ramazuva ose, asi mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.’”
Lingenzi msebenzi, kodwa nikelani umnikelo wokutshiswa kuThixo.’”
26 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
27 “Zuva regumi romwedzi iwoyo wechinomwe iZuva Rokuyananisa. Muite ungano tsvene uye muzvinyime zvokudya, mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
“Usuku lwetshumi lwenyanga yesikhombisa lilanga lokubuyisana. Wobani lenkonzo engcwele lizile ukudla, lilethe umnikelo wokutshiswa ngomlilo kuThixo.
28 Musashanda pazuva iroro, nokuti iZuva Rokuyananisira, pamunoyananisirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu.
Lingasebenzi ngalelolanga, ngoba lilanga lokuBuyisana, lapho lihlawulelwa kuThixo uNkulunkulu wenu.
29 Munhu wose asingazvinyimi musi iwoyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Lowo ongaziliyo ngalelolanga makasuswe ebantwini bakibo.
30 Munhu upi noupi achaita basa ripi zvaro, nomusi iwoyo, ndichamuparadza pakati pavanhu vokwake.
Lowo osebenzayo ngalelolanga ngizambhubhisa phakathi kwabakibo.
31 Hamufaniri kutomboita basa. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi ose achauya, kwose kwamuchagara.
Lulisabatha lenu lokuphumula njalo kumele lizile.
32 Iri iSabata renyu rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima. Kubva manheru ezuva repfumbamwe romwedzi kusvikira manheru anotevera munofanira kucherechedza Sabata.”
Kusukela kusihlwa ngelanga lesificamunwemunye lwenyanga kuze kube kusihlwa ngelanga elilandelayo ligcine isabatha lenu.”
33 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
34 “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva regumi neshanu romwedzi wechinomwe Mutambo waJehovha waMatumba unotanga, uye uchapedza mazuva manomwe.
“Tshela abako-Israyeli ukuthi ngelanga letshumi lanhlanu ngenyanga yesikhombisa uMkhosi kaThixo weziHonqo kawuqalise njalo uqhubeke okwensuku eziyisikhombisa.
35 Zuva rokutanga iungano tsvene; musaita basa ramazuva ose.
Ilanga lokuqala ngelenkonzo engcwele; lingenzi msebenzi wansuku zonke.
36 Kwamazuva manomwe mupe kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto uye pazuva iroro muite ungano tsvene mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Iyi ndiyo ungano yokupedzisira; musaita basa ramazuva ose.
Okwensuku eziyisikhombisa lethani iminikelo yokutshiswa kuThixo, kuthi ngosuku lwesificaminwembili libe lenkonzo engcwele lilethe umnikelo wokutshiswa kuThixo. Yinkonzo yokuvala; lingenzi msebenzi wansuku zonke.
37 “‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yakatarwa yamunofanira kuparidzira ungano tsvene kuti dziuye nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nezvipiriso zvinopiswa uye nezvinopiswa zvezviyo, zvibayiro nezvipiriso zvokunwa zvinodiwa mazuva ose.
(Le yimikhosi kaThixo emisiweyo elizayimemezela njengezinkonzo ezingcwele, ezokuletha iminikelo yokutshiswa kuThixo, iminikelo yokutshiswa, leminikelo yamabele, imihlatshelo leminikelo enathwayo efunekayo insuku ngensuku.
38 Zvipiriso izvi zvinowedzerwa pamusoro pezviya zvamaSabata aJehovha uye pamusoro pezvipo zvenyu nezvose zvamakapikira nezvipiriso zvose zvokupa nokuzvisarudzira zvamunopa kuna Jehovha.
Iminikelo le ngengaphezu kwaleyo eyamaSabatha kaThixo njalo ngaphezu kwezipho zenu lalokho eliyabe lifungele ukukupha langaphezulu kweminikelo yonke yokuzithandela eliyinika uThixo.)
39 “‘Zvino kutanga pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, mushure mokunge mapedza kukohwa zvirimwa zvenyika, muite mutambo wokupemberera kuna Jehovha kwamazuva manomwe; zuva rokutanga izuva rokuzorora, uye zuva rorusere izuva rokuzororawo.
Ngakho-ke, kusukela ngosuku lwetshumi lanhlanu enyangeni yesikhombisa, ngemva kokuba selivunile amabele akulelolizwe, wobani lomkhosi wokuthokoza kuThixo okwensuku eziyisikhombisa. Elokuqala lilanga lokuphumula, kanye lelesificaminwembili lalo lilanga lokuphumula.
40 Pazuva rokutanga munofanira kutsara michero yakanakisisa yemiti, nemichero yemichindwe, namatavi ana mashizha akawanda, nemikonachando, uye mugofara pamberi paJehovha Mwari wenyu kwamazuva manomwe.
Ngelanga lokuqala libokukha izithelo ezinhle zezihlahla, ingatsha zamalala, ingatsha zezihlahla ezilamahlamvu amanengi, lemidubu, lijabule phambi kukaThixo uNkulunkulu wenu lonke okwensuku eziyisikhombisa.
41 Munofanira kuitira Jehovha mutambo uyu kwamazuva manomwe gore negore. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya; muupemberere mumwedzi wechinomwe.
Thakazelelani umkhosi kaThixo lo minyaka yonke okwensuku eziyisikhombisa. Lesi kasibe yisimiso esingapheliyo ezizukulwaneni ezizayo; umkhosi liwenze ngenyanga yesikhombisa.
42 Garai mumatumba kwamazuva manomwe: Zvizvarwa zvose zvavaIsraeri zvinofanira kugara mumatumba
Libohlala ezihonqweni okwensuku eziyisikhombisa.
43 kuitira kuti zvizvarwa zvenyu zvigoziva kuti ndakaita kuti vaIsraeri vagare mumatumba pandakavabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
Bonke abako-Israyeli ngokuzalwa kumele bahlale ezihonqweni, ukuze izizukulwane zenu zazi ukuthi ngahlalisa abako-Israyeli emadumbeni mhla ngibakhipha eGibhithe. Mina nginguThixo uNkulunkulu wenu.”
44 Saka Mozisi akazivisa kuvaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehovha.
Ngakho uMosi wasebabikela abako-Israyeli ngemikhosi emisiweyo kaThixo.

< Revhitiko 23 >