< Revhitiko 22 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
2 “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha.
“Tshela u-Aroni lamadodana akhe bahloniphe iminikelo abako-Israyeli abayinikela kimi ukuze bangadumazi ibizo lami elingcwele. Mina nginguThixo.
3 “Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha.
Batshele ukuthi, ‘Kuzozonke izizukulwane ezizayo, nxa ekhona ozabe engahlanzekanga ngokomkhuba kodwa ajinge asondele eminikelweni engcwele, abako-Israyeli abayihlukanisela uThixo, lowomuntu kasuswe ebusweni bami. Mina nginguThixo.
4 “‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu,
Nxa owenzalo ka-Aroni elobulephero kumbe ephihlika ubovu emzimbeni, kangadli iminikelo engcwele aze aqale ahlambuluke. Uzabe esengcolile njalo angabamba okungcoliswe yisidumbu loba athintane lomuntu ovuza ubudoda,
5 kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako.
loba athinte iloba yini enwabuzelayo emenza angcole, loba kungumuntu omenza angcole, kungakhathalekile ukuthi yikungcola bani.
6 Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura.
Lowo othinta loba yikuphi kwalezi izinto uzabe esengcolile kuze kube kusihlwa. Kangadli loba yini eyeminikelo engcwele, ngaphandle kokuba eseqale wageza ngamanzi.
7 Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake.
Ilanga lingatshona uzabe esehlanzekile, lapho-ke usengadla iminikelo engcwele ngoba iyikudla kwakhe.
8 Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha.
Kangadli lutho oluzifeleyo, loba olubulewe ngezinye izinyamazana zeganga, ngoba lokho kungamngcolisa. Mina nginguThixo.
9 “‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene.
Abaphristi kabagcine izimiso zami ukuze bangabi lecala bafe ngenxa yokuzeyisa. Mina nginguThixo obenza babengcwele.
10 “‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya.
Akulamuntu ongasuwendlu yomphristi ovunyelwa ukudla umnikelo ongcwele, loba isethekeli somphristi kumbe isisebenzi esiqhatshiweyo; bonke bangawudli.
11 Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake.
Kodwa nxa umphristi ethenga isigqili ngemali, loba isigqili singesizelwe emzini wakhe, lesosigqili singakudla ukudla kwakhe.
12 Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista.
Nxa indodakazi yomphristi ithathwa yindoda engasumphristi, kayingadli loba yisiphi isipho esingcwele.
13 Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku.
Kodwa nxa indodakazi yomphristi isiba ngumfelokazi loba ixotshwe ekwendeni ingelamntwana, ibisibuya izohlala ngakibo njengasebutsheni bayo, ingakudla ukudla kukayise; kodwa ongafanelanga kangakudli.
14 “‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro.
Nxa umuntu engadla umnikelo ongcwele ngokungazi kumele ahlawule kumphristi, abuye engeze ingxenye yesihlanu yalokho kudla.
15 Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha,
Umphristi kangangcolisi iminikelo engcwele elethwa ngabako-Israyeli kuThixo
16 nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’”
ngokubavumela ukuthi bayidle iminikelo leyo, besebesiba lecala okumele balihlawule. Mina nginguThixo obenza babengcwele.’”
17 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
18 “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo,
“Tshela u-Aroni lamadodana akhe labo bonke abako-Israyeli uthi loba ngubani kubo, owako-Israyeli loba owezizweni ohlala ko-Israyeli, oletha isipho somhlatshelo kuThixo egcwalisa isifungo loba umnikelo wokuzithandela,
19 munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
kalethe isifuyo esiduna esingelasici, esingaba yinkomo, imvu kumbe imbuzi ukuze yamukeleke ukumela.
20 Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu.
Lingalethi lutho olulesici ngoba kaluyikwamukelwa ukulimela.
21 Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe.
Nxa omunye ekhetha emhlambini wakhe umnikelo wobudlelwano ewuletha kuThixo ukugcwalisa isifungo esithile kumbe umnikelo wokuzithandela, lesosifuyo asingabi lasici, loba indawo esolekayo kuso ukwenzela ukuthi samukeleke.
22 Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Linganikeli ngezifuyo eziyiziphofu, ezilimeleyo, leziyizilima, loba ezilensumpa kumbe izilonda eziphihlikayo. Lezi lingazibeki phezu kwe-alithari ukuba ngumnikelo wokutshiswa kuThixo.
23 Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko.
Kodwa umnikelo wokuzithandela ungaba yinkomo kumbe imvu eyisilima loba engakhulanga yaphelela, kodwa ingeke yamukeleke ukugcwalisa isifungo.
24 Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu.
Linganikeli kuThixo isifuyo esathenwa ngokuxhokolwa, ngokugxotshwa loba ngokudatshulwa amaphambili. Lingakwenzi lokho elizweni lakini,
25 Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’”
njalo lingazemukeli izifuyo ezinjalo kwabezizweni, beselinikela ngazo zibe yikudla kukaNkulunkulu wenu. Aziyi kwamukeleka ukulimela ngoba zigogekile, zilezici.”
26 Jehovha akati kuna Mozisi,
UThixo wathi kuMosi,
27 “Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
“Ithole elizelweyo loba izinyane lemvu, kumbe elembuzi kalihlale kunina insuku eziyisikhombisa. Kusukela osukwini lwesificaminwembili selisamukeleka ukuba ngumnikelo wokutshiswa kuThixo.
28 Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete.
Inkomokazi loba imvukazi ayingahlatshwa langa linye lomntanayo.
29 “Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
Nxa linikela umhlatshelo wokubonga kuThixo, wunikeleni ngendlela eyamukelekayo ukulimela.
30 Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha.
Kayidliwe mhlalokho, lingatshiyi lutho lwayo kuze kuse kusasa. Mina nginguThixo.
31 “Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha.
Gcinani imilayo yami liyilandele. Mina nginguThixo.
32 Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene
Lingangcolisi ibizo lami elingcwele. Abako-Israyeli kabangazi ngokuthi ngingcwele. Mina nginguThixo olenza libengcwele,
33 uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”
yena owalikhupha eGibhithe ukuba abe nguNkulunkulu wenu. Mina nginguThixo.”

< Revhitiko 22 >