< Revhitiko 22 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi,
Yahweh spoke to Moses, saying,
2 “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha.
“Speak to Aaron and to his sons, tell them to keep away from the holy things of the people of Israel, which they set apart to me. They must not profane my holy name. I am Yahweh.
3 “Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha.
Say to them, 'If any of your descendants throughout your generations approaches the holy things that the people of Israel have set apart to Yahweh, while he is unclean, that person must be cut off from before me: I am Yahweh.
4 “‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu,
None of the descendants of Aaron who has an infectious skin disease, or an infection flowing from his body, may eat any of the sacrifices made to Yahweh until he is clean. Whoever touches anything unclean through contact with the dead, or by contact with a man who has a flow of semen,
5 kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako.
or whoever touches any creeping animal that makes him unclean, or any person who makes him unclean, whatever kind of uncleanness it may be—
6 Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura.
then the priest who touches anything unclean will be unclean until evening. He must not eat any of the holy things, unless he has bathed his body in water.
7 Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake.
When the sun has set, he will then be clean. After sunset he may eat from the holy things, because they are his food.
8 Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha.
He must not eat anything found dead or killed by wild animals, by which he would defile himself. I am Yahweh.
9 “‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene.
The priests must follow my instructions, or they will be guilty of sin and could die for profaning me. I am Yahweh who makes them holy.
10 “‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya.
No one outside the priest's family, including guests of a priest or his hired servants, may eat anything that is holy.
11 Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake.
But if a priest buys any slave with his own money, that slave may eat from the things set apart to Yahweh. The priest's family members and slaves born in his house, they also may eat with him from those things.
12 Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista.
If a priest's daughter married someone who is not a priest, she may not eat any of the holy contribution offerings.
13 Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku.
But if a priest's daughter is a widow, or divorced, and if she has no child, and if she returns to live in her father's house as in her youth, she may eat from her father's food. But no one who is not in the priestly family may eat from the priest's food.
14 “‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro.
If a man eats a holy food without knowing it, then he must repay the priest for it; he must add one-fifth to it and give it back to the priest.
15 Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha,
The people of Israel must not profane the holy things that they have raised high and presented to Yahweh,
16 nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’”
and cause themselves to carry the sin that would make them guilty of eating the holy food, for I am Yahweh who makes them holy.'”
17 Jehovha akati kuna Mozisi,
Yahweh spoke to Moses, saying,
18 “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo,
“Speak to Aaron and his sons, and to all the people of Israel. Say to them, 'Any Israelite, or an alien living in Israel, when they present a sacrifice—whether it is to fulfill a vow, or whether it is a freewill offering, or they present to Yahweh a burnt offering,
19 munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
if it is to be accepted, they must offer a male animal without blemish from the cattle, sheep, or goats.
20 Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu.
But you must not offer whatever has a blemish. I will not accept it on your behalf.
21 Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe.
Whoever offers a sacrifice of fellowship offerings from the herd or the flock to Yahweh to fulfill a vow, or as a freewill offering, it must be unblemished to be accepted. There must be no defect in the animal.
22 Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
You must not offer animals that are blind, disabled, or maimed, or that have warts, sores, or scabs. You must not offer these to Yahweh as a sacrifice by fire on the altar.
23 Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko.
You may present as a freewill offering an ox or a lamb that is deformed or small, but an offering like that will not be accepted for a vow.
24 Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu.
Do not offer any animal to Yahweh that has bruised, crushed, torn, or cut testicles. Do not do this within your land.
25 Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’”
You must not present the bread of your God from the hand of a foreigner. Those animals are deformed and have defects in them, they will not be accepted for you.'”
26 Jehovha akati kuna Mozisi,
Yahweh spoke to Moses and said,
27 “Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
“When a calf or a sheep or a goat is born, it must remain seven days with its mother. Then from the eighth day on, it may be accepted as a sacrifice for an offering made by fire to Yahweh.
28 Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete.
Do not kill a cow or ewe along with its young, both on the same day.
29 “Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
When you sacrifice a thank offering to Yahweh, you must sacrifice it in an acceptable way.
30 Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha.
It must be eaten on the same day that it is sacrificed. You must leave none of it until the next morning. I am Yahweh.
31 “Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha.
So you must keep my commandments and carry them out. I am Yahweh.
32 Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene
You must not profane my holy name. I must be acknowledged as holy by the people of Israel. I am Yahweh who makes you holy,
33 uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”
who brought you out of the land of Egypt to be your God: I am Yahweh.”