< Revhitiko 20 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi,
Jehova Nyasaye nowacho ne Musa niya
2 “Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe.
Nyis jo-Israel ni: Ja-Israel moro amora kata jadak moro amora manie dieru manochiw nyathine moro amora ni nyiseche manono miluongo ni Molek, nyaka negi. Oganda jo-Israel duto mondo ogoye gi kite nyaka otho.
3 Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene.
Anabed jasik ngʼatno kendo anangʼad nyinge oko kuom ogandane; kuom chiwo nyathine ni nyasaye manono miluongo ni Molek, osedwanyo kama ler mar lemo, kendo osechayo nyinga maler.
4 Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya,
To kapo ni oganda jo-Israel ok odewo wach ngʼat mochiwo achiel kuom nyithinde ne Molek, ma ok ginege,
5 ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki.
to an awuon ema nabed jasik ngʼatno gi dhoodgi duto. Kargi anangʼad oko kuom ogandagi, kaachiel gi jogo duto maluwe kendo madwanyore kalamo Molek.
6 “‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.
Anabed jasik ngʼama oweya modhi odwanyore gi jo-nyakalondo kod lang chunje maricho; kendo anangʼad kare oko kuom ogandagi.
7 “‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
Pwodhreuru ubed maler nikech An e Jehova Nyasaye ma Nyasachu.
8 Chengetai mitemo yangu mugoitevera. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene.
Rituru buchena kendo uluwgi, nimar An e Jehova Nyasaye mapwodhou.
9 “‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa. Atuka baba kana mai vake uye ropa rake richava pamusoro pake.
Ngʼato angʼata mokwongʼo wuon kata min, nyaka negi; nikech timneno; rembe nodongʼ e wiye owuon.
10 “‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa.
Ka ngʼato oterore gi chi wadgi ma gidakgo, to jochode ariyogo nyaka neg-gi duto.
11 “‘Kana murume akavata nomukadzi wababa vake azvidza baba vake. Vose murume nomukadzi vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.
Ka ngʼato oterore gi chi wuon mare, to oseelo dug wuon-gi. Ji ariyogi nyaka neg-gi kendo rembgi nobedi e wigi giwegi.
12 “‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo.
Ka ngʼato oterore gi chi wuode to giduto nyaka neg-gi. Gima gitimono en tim makwero to rembgi nobedi e wigi giwegi.
13 “‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.
Ka dichwo oterore gi dichwo wadgi. Giduto ji ariyogi gitimo gima kwero kendo giduto nyaka neg-gi to rembgi nobedi e wigi giwegi.
14 “‘Kana mumwe akawana mukadzi pamwe chete namai vake, zvakaipa. Vose iye naivo vanofanira kupiswa mumoto kuitira kuti pasawanikwe kuipa pakati penyu.
Ka ngʼato okendo nyako kaachiel gi min-gi bende okendo, to ma en anjawo. Kargi ji adekgo nyaka wangʼ-gi kod mach, mondo tim marach kik dongʼ e dieru.
15 “‘Kana murume akavata nemhuka anofanira kuurayiwa uye munofanira kuuraya mhuka yacho.
Ka ngʼato oterore gi chiayo, ngʼatni nyaka nege, to chiayono bende nyaka negi.
16 “‘Kana mukadzi akaswedera kumhuka kuti avate nayo, urayai zvose mukadzi nemhuka yacho. Vanofanira kuurayiwa; ropa ravo richava pamusoro pavo.
Ka dhako osudo machiegni gi chiayo mondo oterre kode, giduto nyaka neg-gi kendo rembgi obed e wigi giwegi.
17 “‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva.
Ka ngʼato okendo nyamin mare ma nyar wuon kata ma nyar min, ma giterore kode, to otimo gima kwero. Nyaka neg-gi ka ji duto neno nikech oterore gi nyamin, koro nyaka oyud kum.
18 “‘Kana murume akavata nomukadzi panguva yokuva kwake kumwedzi akasangana naye, afumura chaipo panobva kuyerera kwake, mukadziwo azvifumura. Vose vari vaviri vanofanira kubviswa pavanhu vokwavo.
Ka ngʼato oterore gi dhako manie dwe, mano okuodo wi dhakono, nikech oele nyaka kama rembe wuokie, dhakono bende oseyie moel nyaka kama rembe wuokie. Giduto nyaka riembgi gia e dier ogandagi.
19 “‘Usavata namainini kana vatete vako nokuti uku kuzvidza hama yapedyo; mose muri vaviri muchava nemhosva.
Ok oyieni mondo iterri gi nyamin mamau, nikech mano en tim maketho wat. Joma timo timbegi nyaka migi kum.
20 “‘Kana murume akavata nomukadzi wababamunini vake azvidza babamunini vake. Vachava nemhosva; vachafa vasina vana.
Ka ngʼato oterore gi nyamin wuon, ngʼatni okuodo wi wuon mareno, omiyo nyaka giyud kum, kendo mondo oneg-gi ma nying-gi lal chuth e dier ogandagi.
21 “‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana womununʼuna ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana mununʼuna wake. Vachashaya vana.
Ka ngʼato oterore gi chi owadgi, to mano en dwanyruok nikech oelo dug owadgi, kendo ok giniyud nyithindo.
22 “‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze.
Un nyaka koro urit chikena gi buchena kendo umak-gi, mi uluwgi duto, eka piny mamiyou mondo udagieno ok nongʼogu oko.
23 Hamufaniri kutevera tsika dzendudzi dzandichadzinga pamberi penyu. Nokuti dzakaita zvinhu zvose izvi, ndikadzisema.
Kik uluw timbe oganda mudak e diergi madhi riembonu oko-gi. Nikech gigi mane gitimo nomiyo aol kodgi.
24 Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi.
Kendo ne awachonegi niya, “Abiro kawo pinygi kendo abiro miyougo kaka girkeni, ma en piny mopongʼ gi chak kod mor kich.” An e Jehova Nyasaye ma Nyasachu mosepogou gi ogendini mamoko.
25 “‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri.
Nyaka uket pogruok e kind le michamo gi ma ok cham, kendo e kind winy michamo to gi ma ok cham. Kik udok mogak nikech le moro amora kata winyo kata gimoro amora mamol e lowo ma gin gik masewalo tenge nochido.
26 Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kundudzi kuti muve vangu ndoga.
Nyaka ubed maler e nyima nikech an Jehova Nyasaye aler, kendo asewalou e kind ogendini mondo ubed joga awuon.
27 “‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’”
Ngʼato angʼata kuomu madichwo kata madhako ma en ajuok nyakalondo kata ma ajwoga moro amora, to ugo gi kite nyaka otho. Giduto nyaka ugogi gi kite kendo rembgi nobedi e wigi giwegi.