< Revhitiko 2 >
1 “‘Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipiriso chezviyo, chipiriso chake chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka. Anofanira kudira mafuta pachiri agoisa zvinonhuhwira pamusoro pacho,
若有人願意給上主奉獻素祭為祭品,他的祭品應用細麵,倒上油,放上乳香,
2 agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
拿來交給亞郎的兒子司祭們;司祭取出一把細麵和一些油,同所有的乳香,放在祭壇上焚燒,作為全燔祭,作為中悅上主的馨香火祭,為獲得記念。
3 Zvimwe zvose zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.
剩下的素祭祭品,應歸亞郎和他的兒子們,因為是獻與上主火祭中的至聖之物。
4 “‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta.
如果你願意奉獻爐烤的祭品作素祭,應以油調的細麵作成的無酵餅,或抹油的無酵薄餅。
5 Kana chipiriso chako chezviyo chagadzirirwa mugango, chinofanira kugadzirwa noupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta pasina mbiriso.
若你的祭品是用烤盤做的素祭,該用油調的無酵細麵作成,
6 Unofanira kuchipfupfunyura ugodira mafuta pachiri; ichi chipiriso chezviyo.
擘成塊,倒上油:這是素祭。
7 Kana chipiriso chako chezviyo chakabikwa mugango chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka namafuta.
若你的祭品是用鍋煎的素祭,該用細麵和油製成。
8 Uuye nechipiriso chezviyo chakaitwa nezvinhu izvi kuna Jehovha, ugochipa kumuprista achachiendesa kuaritari.
當你把品這樣的素祭祭品獻給上主時,應交給司祭帶到祭壇前。
9 Muprista achatora kubva muchipiriso chezviyo chikamu chechirangaridzo agochipisa paaritari sechipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
司祭由素素祭祭品中取出一份,放在祭壇上焚燒,作為中悅上主的馨香火祭,為獲得記念。
10 Zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.
剩下的素祭祭品,應歸亞郎和他的兒子們,因為是獻與上主火祭中的至聖之物。
11 “‘Zvipiriso zvose zvezviyo zvamunouya nazvo kuna Jehovha zvinofanira kugadzirwa pasina mbiriso nokuti hamufaniri kupisa chero mbiriso kana uchi muchipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
你們獻給上主的素祭,都應是無酵做的,因凡是有酵有蜜的,都不應焚燒作為獻給上主的火祭;
12 Munokwanisa kuzviuyisa kuna Jehovha sechipiriso chezvirimwa zvamunotanga kukohwa asi hazvifaniri kuuyiswa paaritari somunhuwi unonhuhwira zvinofadza.
但可當作初熟祭品獻給上主,只是不可獻在祭壇上,當作悅意馨香的祭品。
13 Rungai zvipiriso zvenyu zvose zvezviyo nomunyu. Musasiya munyu wesungano yaMwari wenyu pazvipiriso zvenyu zvose zvezviyo; muise munyu muzvipiriso zvenyu zvose zvezviyo.
此外,凡你獻的素祭祭品都應加上鹽,總不可讓你的素祭,缺少與你的天主結約的鹽;在你的一切祭品上,都應加上鹽奉獻。
14 “‘Kana uchiuyisa chipiriso chezviyo zvokutanga kuna Jehovha upe hura dzezviyo zvitsva zvakakangwa pamoto uye zvakakuyiwa.
若你給上主奉獻初熟之物作素祭,應奉獻火培的新麥穗,或去殼的新穀粒,當作你初熟之物的素祭,
15 Uise mafuta nezvinonhuhwira pazviri, chipiriso chezviyo.
再倒上油,放上乳香:這是素祭。
16 Muprista achapisa chikamu chechirangaridzo chezviyo zvakakuyiwa, namafuta, pamwe chete nezvose zvinonhuhwira, sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
司祭取出一些麥粒和油並所有乳香來焚燒,作為獻給上主的火祭,為獲得記念。