< Revhitiko 18 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
耶和华对摩西说:
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.
“你晓谕以色列人说:我是耶和华—你们的 神。
3 Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo.
你们从前住的埃及地,那里人的行为,你们不可效法,我要领你们到的迦南地,那里人的行为也不可效法,也不可照他们的恶俗行。
4 Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
你们要遵我的典章,守我的律例,按此而行。我是耶和华—你们的 神。
5 Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.
所以,你们要守我的律例典章;人若遵行,就必因此活着。我是耶和华。
6 “‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha.
“你们都不可露骨肉之亲的下体,亲近他们。我是耶和华。
7 “‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo.
不可露你母亲的下体,羞辱了你父亲。她是你的母亲,不可露她的下体。
8 “‘Usasangana nomukadzi wababa vako, izvi zvingazvidza baba vako.
不可露你继母的下体;这本是你父亲的下体。
9 “‘Usasangana nehanzvadzi yako kana mwanasikana wababa vako kana mwanasikana wamai vako, zvisinei kuti akaberekwa mumba mumwe chete kana kumwewo.
你的姊妹,不拘是异母同父的,是异父同母的,无论是生在家生在外的,都不可露她们的下体。
10 “‘Usasangana nomwanasikana womwanakomana wako kana mwanasikana womwanasikana wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwauri.
不可露你孙女或是外孙女的下体,露了她们的下体就是露了自己的下体。
11 “‘Usasangana nomwanasikana womukadzi wababa vako akaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
你继母从你父亲生的女儿本是你的妹妹,不可露她的下体。
12 “‘Usasangana nehanzvadzi yababa vako, ihama yababa vako yepedyo.
不可露你姑母的下体;她是你父亲的骨肉之亲。
13 “‘Usasangana nomukoma kana mununʼuna wamai vako nokuti ihama yamai vako yepedyo.
不可露你姨母的下体;她是你母亲的骨肉之亲。
14 “‘Usazvidza mununʼuna kana mukoma wababa vako nokuswedera kumukadzi wavo kuti uvate naye; nokuti ndimaiguru kana mainini.
不可亲近你伯叔之妻,羞辱了你伯叔;她是你的伯叔母。
15 “‘Usasangana nomuroora wako, mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye.
不可露你儿妇的下体;她是你儿子的妻,不可露她的下体。
16 “‘Usasangana nomukadzi womukoma kana mununʼuna wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana mununʼuna wako.
不可露你弟兄妻子的下体;这本是你弟兄的下体。
17 “‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo.
不可露了妇人的下体,又露她女儿的下体,也不可娶她孙女或是外孙女,露她们的下体;她们是骨肉之亲,这本是大恶。
18 “‘Usatora mununʼuna womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.
你妻还在的时候,不可另娶她的姊妹作对头,露她的下体。
19 “‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.
“女人行经不洁净的时候,不可露她的下体,与她亲近。
20 “‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.
不可与邻舍的妻行淫,玷污自己。
21 “‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.
不可使你的儿女经火归与摩洛,也不可亵渎你 神的名。我是耶和华。
22 “‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza.
不可与男人苟合,像与女人一样;这本是可憎恶的。
23 “‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.
不可与兽淫合,玷污自己。女人也不可站在兽前,与它淫合;这本是逆性的事。
24 “‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo.
“在这一切的事上,你们都不可玷污自己;因为我在你们面前所逐出的列邦,在这一切的事上玷污了自己;
25 Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo.
连地也玷污了,所以我追讨那地的罪孽,那地也吐出它的居民。
26 Asi imi munofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Zvizvarwa zvenyu navatorwa vagere pakati penyu havafaniri kuita kana chimwe chezvinhu zvinonyangadza izvi,
故此,你们要守我的律例典章。这一切可憎恶的事,无论是本地人,是寄居在你们中间的外人,都不可行,(
27 nokuti zvinhu zvose izvi zvakaitwa navanhu vaigara munyika iyoyo musati mavamo, uye nyika ikasvibiswa.
在你们以先居住那地的人行了这一切可憎恶的事,地就玷污了,)
28 Uye kana mukasvibisa nyika, ichakurutsirai kunze sokurutsa kwayakaita ndudzi dzaigaramo imi musati mavamo.
免得你们玷污那地的时候,地就把你们吐出,像吐出在你们以先的国民一样。
29 “‘Ani naani anoita zvinonyangadza izvi, vanhu vakadaro vanofanira kubviswa kubva pavanhu vokwavo.
无论什么人,行了其中可憎的一件事,必从民中剪除。
30 Chengetai zvandakakurayirai uye musatevedzera kana imwe yetsika dzinonyangadza dzaiitwa musati mauya, uye musazvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
所以,你们要守我所吩咐的,免得你们随从那些可憎的恶俗,就是在你们以先的人所常行的,以致玷污了自己。我是耶和华—你们的 神。”

< Revhitiko 18 >