< Revhitiko 16 >

1 Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha.
پس از آنکه دو پسر هارون به علّت سوزاندن بخور بر آتش غیر مجاز در حضور خداوند مردند، خداوند با موسی سخن گفته،
2 Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paareka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha.
فرمود: «به برادرت هارون بگو که غیر از وقت تعیین شده، در وقت دیگری به قدس‌الاقداس که پشت پرده است و صندوق عهد و تخت رحمت در آن قرار دارند داخل نشود، مبادا بمیرد؛ چون من در ابر بالای تخت رحمت حضور دارم.
3 “Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa.
شرایط داخل شدن او به آنجا از این قرار است: او باید یک گوساله برای قربانی گناه و یک قوچ برای قربانی سوختنی بیاورد.»
4 Anofanira kupfeka nguo tsvene yomucheka, nguo dzomukati dzomucheka pamuviri wake; anofanira kusunga bhanhire romucheka muchiuno chake agopfeka nguwani yomucheka. Idzi ndidzo nguo tsvene, saka anofanira kushamba nemvura asati adzipfeka.
سپس خداوند این قوانین را داد: قبل از آنکه هارون به قدس‌الاقداس داخل شود، باید غسل نموده، لباسهای مخصوص کاهنی را بپوشد، یعنی پیراهن مقدّس کتانی، لباس زیر از جنس کتان، کمربند کتانی و دستار کتانی.
5 Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa.
آنگاه قوم اسرائیل دو بز نر برای قربانی گناهشان و یک قوچ برای قربانی سوختنی نزد او بیاورند.
6 “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake.
هارون باید اول گوساله را به عنوان قربانی گناه خودش به حضور خداوند تقدیم کند و برای خود و خانواده‌اش کفاره نماید.
7 Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana.
سپس دو بز نر را دم در خیمۀ ملاقات به حضور خداوند بیاورد.
8 Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa.
او باید یک بز را برای خداوند ذبح کند و دیگری را در بیابان رها سازد. ولی برای این کار لازم است اول قرعه بیندارد.
9 Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi.
آنگاه بزی را که به قید قرعه برای خداوند تعیین شده، به عنوان قربانی گناه ذبح کند
10 Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa.
و بز دیگر را زنده به حضور خداوند آورد و سپس به بیابان بفرستد تا گناه قوم اسرائیل را با خود ببرد.
11 “Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi.
پس از اینکه هارون گوساله را به عنوان قربانی گناه برای خود و خانواده‌اش ذبح کرد،
12 Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuhwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro.
آتشدانی پر از زغالهای مشتعل از مذبح حضور خداوند برداشته، آن را با دو مشت بخور خوشبوی کوبیده شده به قدس‌الاقداس بیاورد
13 Anofanira kuisa zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuhwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa.
و در حضور خداوند، بخور را روی آتش بریزد تا ابری از بخور، تخت رحمت روی صندوق عهد را بپوشاند. بدین ترتیب او نخواهد مرد.
14 Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha.
هارون مقداری از خون گوساله را آورده، با انگشت خود آن را یک مرتبه بر قسمت جلویی تخت رحمت، سپس هفت مرتبه جلوی آن روی زمین بپاشد.
15 “Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho.
پس از آن، او باید بیرون برود و بز قربانی گناه قوم را ذبح کند و خون آن را به قدس‌الاقداس بیاورد و مانند خون گوساله بر تخت رحمت و جلوی آن بپاشد.
16 Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo.
به این ترتیب برای قدس‌الاقداس که به سبب گناهان قوم اسرائیل آلوده شده و برای خیمۀ ملاقات که در میان قوم واقع است و با آلودگی‌های ایشان احاطه شده، کفاره خواهد کرد.
17 Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri.
از زمانی که هارون برای کفاره کردن وارد قدس‌الاقداس می‌شود تا وقتی که از آنجا بیرون می‌آید هیچ‌کس نباید در داخل خیمۀ ملاقات باشد. هارون پس از اینکه مراسم کفاره را برای خود و خانواده‌اش و قوم اسرائیل بجا آورد،
18 “Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari.
باید در حضور خداوند به طرف مذبح برود و برای آن کفاره کند. او باید خون گوساله و خون بز را بر شاخهای مذبح بمالد
19 Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri.
و با انگشت خود هفت بار خون را بر مذبح بپاشد، و به این ترتیب آن را از آلودگی گناهان بنی‌اسرائیل پاک نموده، تقدیس کند.
20 “Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu.
وقتی هارون مراسم کفاره را برای قدس‌الاقداس، خیمۀ ملاقات و مذبح به انجام رسانید، بز زنده را بیاورد
21 Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro.
و هر دو دست خود را روی سر حیوان قرار داده، تمام گناهان و تقصیرات قوم اسرائیل را اعتراف کند و آنها را بر سر بز قرار دهد. سپس بز را به دست مردی که برای این کار انتخاب شده است بدهد تا آن را به بیابان برده در آنجا رهایش سازد.
22 Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje.
بدین ترتیب آن بز تمام گناهان بنی‌اسرائیل را به سرزمینی که کسی در آنجا سکونت ندارد می‌برد.
23 “Ipapo Aroni achapinda muTende Rokusangana agobvisa nguo dzomucheka dzaapfeka asati apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye achadzisiya imomo.
پس از آن، هارون بار دیگر باید داخل خیمۀ ملاقات شده لباسهای کتانی را که هنگام رفتن به قدس‌الاقداس پوشیده بود از تن بیرون بیاورد و آنها را در خیمۀ ملاقات بگذارد.
24 Achashamba nemvura munzvimbo tsvene agopfeka nguo dzake dzamazuva ose. Ipapo achabuda agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, agozviyananisira iye navanhu.
آنگاه در مکان مقدّسی غسل نموده، دوباره لباسهایش را بپوشد و بیرون رفته، قربانی سوختنی خود و قربانی سوختنی بنی‌اسرائیل را تقدیم کند و به این ترتیب برای خود و بنی‌اسرائیل کفاره کند.
25 Achapisawo mafuta echipiriso chechivi paaritari.
او باید چربی قربانی گناه را هم بر مذبح بسوزاند.
26 “Murume achandoregedzera mbudzi yokutakudzwa, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura; mushure maizvozvo agozopinda mumusasa.
مردی که بز را به بیابان برده است، باید لباس خود را بشوید و غسل کند و بعد به اردوگاه بازگردد.
27 Hando yechipiriso chezvivi nembudzi yechipiriso chezvivi, zvine ropa rinenge rauyiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kuendeswa kunze kwomusasa, matehwe acho, nyama namazvizvi zvinofanira kupiswa.
گوساله و بزی که به عنوان قربانی گناه ذبح شدند و هارون خون آنها را به داخل قدس‌الاقداس برد تا کفاره کند، باید از اردوگاه بیرون برده شوند و پوست و گوشت و فضلۀ آنها سوزانده شود.
28 Munhu anozvipisa anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura mushure maizvozvo agozopinda mumusasa.
سپس شخصی که آنها را سوزانده، لباس خود را بشوید و غسل کند و بعد به اردوگاه بازگردد.
29 “Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu,
این قوانین را همیشه باید اجرا کنید: در روز دهم ماه هفتم نباید کار بکنید، بلکه آن روز را در روزه بگذرانید. این قانون باید هم به‌وسیلهٔ قوم اسرائیل و هم به‌وسیلۀ غریبانی که در میان قوم اسرائیل ساکن هستند رعایت گردد،
30 nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose.
چون در آن روز، مراسم کفاره برای آمرزش گناهان انجام خواهد شد تا قوم در نظر خداوند طاهر باشند.
31 Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murayiro unogara nokusingaperi.
این روز برای شما مقدّس است و نباید در این روز کار کنید بلکه باید در روزه به سر برید. این قوانین را همیشه باید اجرا کنید.
32 Muprista akazodzwa nokugadzwa kuti atevere baba vake somuprista mukuru anofanira kuyananisira. Anofanira kupfeka nguo dzomucheka, nguo tsvene
این مراسم در نسلهای آینده به‌وسیلۀ کاهن اعظمی که به جای جد خود هارون برای کار کاهنی تقدیس شده، انجام خواهد شد. او باید لباسهای مقدّس کتانی را بپوشد،
33 agoyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene neTende Rokusangana, nearitari uye navaprista navamwe vanhu vose veungano.
و برای قدس‌الاقداس، خیمۀ ملاقات، مذبح، کاهنان و قوم اسرائیل کفاره کند.
34 “Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kwamuri: Kuyananisira uku kunofanira kuitwa kamwe chete pagore, nokuda kwezvivi zvose zvavaIsraeri.” Uye zvakaitwa, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
شما باید سالی یک مرتبه برای گناهان قوم اسرائیل کفاره کنید و این برای شما یک قانون همیشگی است. هارون تمام دستورهایی را که خداوند به موسی داد بجا آورد.

< Revhitiko 16 >