< Revhitiko 12 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi,
Gospod je spregovoril Mojzesu, rekoč:
2 “Uti kuvaIsraeri, ‘Mukadzi akava napamuviri akabereka mwanakomana, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, sezvaanova asina kuchena paanoenda kumwedzi.
»Govori Izraelovim otrokom, rekoč: ›Če je ženska spočela seme in rodila fantka, potem bo nečista sedem dni; nečista bo glede na dneve oddvojitve zaradi njene šibkosti.
3 Pazuva rorusere mukomana uyo anofanira kudzingiswa.
Na osmi dan naj bo meso njegove prednje kožice obrezano.
4 Zvino mukadzi anofanira kumirira mazuva makumi matatu namatatu kuti acheneswe pakubuda ropa kwake. Haafaniri kubata chinhu chipi zvacho chitsvene kana kusvika kunzvimbo tsvene kusvikira mazuva okucheneswa kwake apera.
Potem bo nadaljevala v krvi svojega očiščevanja triintrideset dni; ne bo se dotaknila nobene posvečene stvari niti prišla v svetišče, dokler se dnevi njenega očiščevanja ne bodo dopolnili.
5 Kana akabereka mwanasikana, kwevhiki mbiri mukadzi achava asina kuchena sepaanoenda kumwedzi. Ipapo anofanira kumira mazuva makumi matanhatu namatanhatu kuti acheneswe kubva pakubuda ropa.
Toda če rodi deklico, potem bo nečista dva tedna, kakor v svoji oddvojitvi, in v krvi svojega očiščevanja naj nadaljuje šestinšestdeset dni.
6 “‘Kana mazuva okucheneswa nokuda kwomwanakomana kana mwanasikana apera, anofanira kuuya kumuprista pamusuo weTende Rokusangana, negwayana rine gore rimwe chete sechipiriso chinopiswa nehangaiwa diki kana njiva yechipiriso chechivi.
Ko so dnevi njenega očiščenja dopolnjeni za sina ali za hčer, bo prinesla duhovniku, k vratom šotorskega svetišča skupnosti, enoletno jagnje za žgalno daritev in mladega goloba ali grlico za daritev za greh,
7 Achazvibayira pamberi paJehovha kuti agomuyananisira, achava akacheneswa kubva pakubuda ropa kwake. “‘Iyi ndiyo mirayiro yomukadzi anobatsirwa nomwanakomana kana mwanasikana.
ki ga bo daroval pred Gospodom in zanjo opravil spravo; in očiščena bo pred virom svoje krvi. To je postava za tisto, ki je rodila fantka ali punčko.
8 Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’”
Če ni zmožna prinesti jagnjeta, potem naj prinese dve grlici ali dva mlada goloba; enega za žgalno daritev in drugega za daritev za greh. Duhovnik bo zanjo opravil spravo in bo čista.‹«