< Revhitiko 11 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
LEUM GOD El sang nu sel Moses ac Aaron oakwuk ten inge,
2 “Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya:
su ma nu sin mwet Israel. Kowos ku in kang kutena kain kosro finmes
3 Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya.
ma sengelik falka, su oayapa sifil kontini ma el kangla.
4 “‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri.
Tusruktu kowos fah tia kang kosro inge: camel, mweyen el finne sifil kontini ma el kangla, tuh tia sengelik falkal, na pa el tia nasnas nu suwos;
5 Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
oayapa koni, el finne sifil kontini ma el kangla, tuh tia sengelik falkal, na pa el tia nasnas nu suwos;
6 Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
rabbit, el finne sifil kontini ma el kangla, tuh tia sengelik falkal, na pa el tia nasnas nu suwos.
7 Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri.
Nimet kang pig. Finne sengelik falkal, tuh el tia sifil kontini ma el kangla, na pa el tia nasnas nu suwos.
8 Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri.
Nimet kang kain in kosro inge ku pusral mano misa lalos. Elos tia nasnas.
9 “‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati.
Kowos ku in kang kutena ik ma oasr enga ac unac,
10 Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri.
tusruktu kutena ma moul ma muta in kof su wangin enga ac unac, fah tiana mongo.
11 Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo.
Kain ma moul ingan nukewa fac tia nasnas nu suwos. Kowos fah tiana kang ma inge ku pusral mano misa lalos.
12 Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri.
Kowos fah tiana kang kutena ma su muta in kof uh ma wangin enga ac unac kac.
13 “‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu,
Kain in won inge ac fah mwe srungayuk nu suwos, ac kowos fah tiana kang: eagle, kain vulture nukewa,
14 njerere, marudzi ose oruvangu rutema,
buzzard, falcon,
15 marudzi ose amakunguo,
kain raven nukewa,
16 marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu,
ostrich, seagull, kain hawk nukewa,
17 nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru,
cormorant, kain owl nukewa,
18 nejichidza, nekondo, negora,
pelican, osprey, ibis,
19 neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa.
stork, heron, hoopoe, ac fak.
20 “‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri.
Won srisrik ma orakrak nukewa ma oasr posohksok kac, ma inge tia nasnas,
21 Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo.
sayen ma su ku in sro ke nia.
22 Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota.
Kowos ku in kang srisr in eku, kwot srisrik, ac kain locust nukewa.
23 Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema.
Tusruktu ma srisrik nukewa saya ma oasr posohksok kac, ac ku pac in orak uh, fah lumweyuk mu tia nasnas nu suwos.
24 “‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru.
Ac ma inge ac fah oru kowos in tia nasnas: kutena mwet su pusralla monin ma misa in masrlon ma inge, fah tia nasnas nwe ke ekela.
25 Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru.
Ac kutena mwet su us kutena ipin ma misa inge fah ohlla nuknuk lal, tusruk elos ac tiana nasnas nwe ke ekela.
26 “‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena.
Kosro nukewa ma sengelik falka ku tia sifil kontini ma el kangla, ac fah tia nasnas nu suwos. Mwet nukewa su kahl monin sie sin ma inge fah tia nasnas.
27 Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru.
Kosro nukewa ma fahsrkin ye nia ac inpaol, ma inge tia nasnas nu suwos. Kutena mwet su pusral mano misa lun kutena kosro inge fah tia nasnas nwe ke ekela,
28 Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri.
ac mwet se su us mano misa lun ma inge fah ohlla nuknuk lal, tusruk el fah tia nasnas nwe ke ekela. Ma inge tia nasnas nu suwos.
29 “‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava,
Pa inge ma tia nasnas nu suwos inmasrlon ma orakrak ac pus suna fin faclu: weasel, kisrik in pot, kain kinoul nukewa,
30 chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi.
srosrok, crocodile finmes, ac chameleon.
31 Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru.
Kutena mwet su pusralla ma inge ku mano misa lalos, fah tia nasnas nwe ke ekela.
32 Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena.
Ac kutena ma su mano misa inge putatla nu fac, ac fah tia nasnas — finne ke sak, ku nuknuk, ku kulun kosro, ku pak, aok kutena ma su orekmakinyuk nu ke kutena sripa. Ac fah enenu in isongyuki nu in kof uh, tusruktu ac fah tia pacna nasnas nwe ke ekela.
33 Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho.
Ac manolos fin putatyang nu in sie tup orekla ke kle, na ma nukewa ma oan in tup sac fah tia nasnas, ac kowos fah fukulya tup sac.
34 Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena.
Kutena mwe mongo ma fal in mongo, tuh okwoki kof liki kain tup sac nu kac, ac fah tia nasnas, ac kutena ma su ku in nimnim ma oan in kain tup sac, fah tia pac nasnas.
35 Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena.
Kutena ma su mano misa inge putatla nu fac, fah tia nasnas — fin sie nien manman ku sie mwe um ma orekla ke kle, enenu na in fokfoki.
36 Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena.
Tusruktu sie unon in kof ku sie lufin neinyuk kof ac nasnas na. Ma saya nukewa su pusralla mano misa inge fah tia nasnas.
37 Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena.
Sie sin ma misa inge fin putatla nu fin fita ma akoeyuk in yoki, fita ingan srakna nasnas.
38 Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri.
Tusruktu fita ingan fin isosu nu in kof, ac sie sin ma tia nasnas ingan putatla nu in kof sac, na fita ingan fah tia nasnas.
39 “‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata mutumbi wayo achava asina kuchena kusvikira manheru.
Kutena kain kosro ma wo in mongo uh fin misa, na kutena mwet su pusralla fah tia nasnas nwe ke ekela.
40 Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru.
Na kutena mwet fin kang kutena ip ke kosro misa inge, el enenu in ohlla nuknuk lal, tusruktu el ac fah tia nasnas nwe ke ekela. Ac kutena mwet su us mano misa sac, el enenu in ohlla nuknuk lal, tusruktu el ac srakna tia nasnas nwe ke ekela.
41 “‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa.
Kowos fah tia kang kutena sin ma srisrik ma forfor fin faclu,
42 Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza.
finne ma orakrak, ku ma fahsr ke nia akosr, ku ke nia pus liki akosr.
43 Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo.
Nimet sifacna akfohkfokye kowos in kang kutena sin ma inge.
44 Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi.
Nga pa LEUM GOD lowos, ac kowos enenu in liyekowosyang sifacna tuh kowos in mutal, mweyen nga mutal.
45 Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene.
Nga pa LEUM GOD su uskowosme liki Egypt tuh nga fah God lowos. Kowos enenu in mutal, mweyen nga mutal.
46 “‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika.
Na pa inge ma sap ke kosro ac won, ac ke ma nukewa ma muta in kof uh, ac ma nukewa ma forfor fin acn uh.
47 Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’”
Kowos fah arulana taran tuh kowos in ku in akilen inmasrlon ma su nasnas ac ma su tia nasnas, inmasrlon kosro ma ac ku in mongo, ac ma su tia mongo.