< Revhitiko 11 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
L’Éternel parla à Moïse et à Aaron, en leur disant:
2 “Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya:
"Parlez ainsi aux enfants d’Israël: voici les animaux que vous pouvez manger, entre tous les quadrupèdes qui vivent sur la terre:
3 Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya.
tout ce qui a le pied corné et divisé en deux ongles, parmi les animaux ruminants, vous pouvez le manger.
4 “‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri.
Quant aux suivants, qui ruminent ou qui ont le pied corné, vous n’en mangerez point: le chameau, parce qu’il rumine mais n’a point le pied corné: il sera immonde pour vous;
5 Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
la gerboise, parce qu’elle rumine, mais n’a point le pied corné: elle sera immonde pour vous;
6 Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
le lièvre, parce qu’il rumine, mais n’a point le pied corné: il sera immonde pour vous;
7 Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri.
le porc, qui a bien le pied corné, qui a même le sabot bifurqué, mais qui ne rumine point: il sera immonde pour vous.
8 Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri.
Vous ne mangerez point de leur chair, et vous ne toucherez point à leur cadavre: ils sont immondes pour vous.
9 “‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati.
Voici ce que vous pouvez manger des divers animaux aquatiques: tout ce qui, dans les eaux, mers ou rivières, est pourvu de nageoires et d’écailles, vous pouvez en manger.
10 Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri.
Mais tout ce qui n’est pas pourvu de nageoires et d’écailles, dans les mers ou les rivières, soit ce qui pullule dans l’eau, soit les animaux qui l’habitent, ils vous sont abominables,
11 Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo.
abominables ils resteront pour vous: ne mangez point de leur chair, et ayez leurs cadavres en abomination.
12 Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri.
Tout ce qui, dans les eaux, est privé de nageoires et d’écailles, vous sera une abomination.
13 “‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu,
Et voici, parmi les oiseaux, ceux que vous repousserez; on ne les mangera point, ils sont abominables: l’aigle, l’orfraie, la vallérie;
14 njerere, marudzi ose oruvangu rutema,
le faucon et le vautour selon ses espèces;
15 marudzi ose amakunguo,
tous les corbeaux selon leurs espèces;
16 marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu,
l’autruche, l’hirondelle, la mouette, l’épervier selon ses espèces;
17 nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru,
le hibou, le cormoran, la hulotte;
18 nejichidza, nekondo, negora,
le porphyrion, le pélican, le percnoptère;
19 neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa.
la cigogne, le héron selon ses espèces, le tétras et la chauve-souris.
20 “‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri.
Tout insecte ailé qui marche sur quatre pieds vous sera une abomination.
21 Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo.
Toutefois, vous pourrez manger, parmi les insectes ailés marchant sur quatre pieds, celui qui a au-dessus de ses pieds des articulations au moyen desquelles il saute sur la terre.
22 Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota.
Vous pouvez donc manger les suivants: l’arbé selon ses espèces, le solam selon les siennes, le hargol selon ses espèces et le hagab selon les siennes.
23 Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema.
Mais tout autre insecte ailé qui a quatre pieds, sera pour vous chose abominable.
24 “‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru.
Ceux qui suivent vous rendront impurs; quiconque touchera à leur cadavre sera souillé jusqu’au soir,
25 Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru.
et qui transportera quoi que ce soit de leur cadavre lavera ses vêtements, et restera souillé jusqu’au soir:
26 “‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena.
tout quadrupède qui a l’ongle divisé mais non fourché, ou qui ne rumine point, ceux-là sont impurs pour vous: quiconque y touchera sera souillé.
27 Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru.
Tous ceux d’entre les animaux quadrupèdes qui marchent à l’aide de pattes, sont impurs pour vous: quiconque touche à leur cadavre sera souillé jusqu’au soir,
28 Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri.
et qui transportera leur cadavre doit laver ses vêtements et rester souillé jusqu’au soir. Ils sont impurs pour vous.
29 “‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava,
Voici ceux que vous tiendrez pour impurs, parmi les reptiles qui se traînent sur la terre: la taupe, le rat, le lézard selon ses espèces;
30 chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi.
le hérisson, le crocodile, la salamandre, la limace et le caméléon.
31 Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru.
Ceux-là sont impurs pour vous entre tous les reptiles: quiconque les touchera après leur mort sera souillé jusqu’au soir.
32 Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena.
Tout objet sur lequel il en tomberait quelque chose après leur mort, deviendrait impur: soit ustensile de bois, soit vêtement, peau ou sac, tout objet destiné à un usage quelconque. II doit être passé dans l’eau, restera souillé jusqu’au soir, et alors deviendra pur.
33 Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho.
Que s’il en tombe quelque chose dans l’intérieur d’un vase d’argile, tout son contenu sera souillé, et le vaisseau, vous le briserez.
34 Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena.
Tout aliment dont on se nourrit, une fois que l’eau l’aura touché, sera susceptible de souillure; toute liqueur potable sera susceptible de souillure dans un vase quelconque.
35 Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena.
Tout objet sur lequel il sera tombé quelque chose de leur cadavre, sera souillé; fût-ce un four ou un fourneau, il sera mis en pièces. Ils sont impurs, impurs ils resteront pour vous.
36 Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena.
Toutefois, une source ou une citerne contenant une masse d’eau restera pure; mais ce qui touchera au cadavre sera souillé.
37 Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena.
S’Il tombe de leur cadavre sur une semence végétale quelconque que l’on sème, elle restera pure.
38 Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri.
Mais si de l’eau a été jetée sur un végétal, et qu’il y tombe quelque chose de leur cadavre, il sera souillé pour vous.
39 “‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata mutumbi wayo achava asina kuchena kusvikira manheru.
Si l’un des animaux que vous pouvez manger vient à mourir, celui qui touchera à son cadavre sera souillé jusqu’au soir.
40 Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru.
Celui qui mangera de cette chair morte lavera ses vêtements, et restera souillé jusqu’au soir; celui qui la transportera lavera ses vêtements, et restera souillé jusqu’au soir.
41 “‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa.
Tout reptile, qui se traîne sur le sol, est chose abominable on n’en doit pas manger.
42 Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza.
Tout ce qui se traîne sur le ventre, ou se meut soit sur quatre pieds, soit sur un plus grand nombre de pieds, parmi les reptiles quelconques rampant sur le sol, vous n’en mangerez point, car ce sont choses abominables.
43 Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo.
Ne vous rendez point vous-mêmes abominables par toutes ces créatures rampantes; ne vous souillez point par elles, vous en contracteriez la souillure.
44 Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi.
Car je suis l’Éternel, votre Dieu; vous devez donc vous sanctifier et rester saints, parce que je suis saint, et ne point contaminer vos personnes par tous ces reptiles qui se meuvent sur la terre.
45 Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene.
Car je suis l’Éternel, qui vous ai tirés du pays d’Egypte pour être votre Dieu; et vous serez saints, parce que je suis saint.
46 “‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika.
Telle est la doctrine relative aux quadrupèdes, aux volatiles, à tous les êtres animés qui se meuvent dans les eaux, et à tous ceux qui rampent sur la terre;
47 Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’”
afin qu’on distingue l’impur d’avec le pur, et l’animal qui peut être mangé de celui qu’on ne doit pas manger."

< Revhitiko 11 >