< Kuungudza kwaJeremia 4 >

1 Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe.
How is the gold become dim! [how] is the most pure gold changed! The stones of the sanctuary are poured out at the head of every street.
2 Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari!
The precious sons of Zion, comparable to fine gold, How are they esteemed as earthen pitchers, the work of the hands of the potter!
3 Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga.
Even the jackals draw out the breast, they give suck to their young ones: The daughter of my people is become cruel, like the ostriches in the wilderness.
4 Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche runonamira mumukanwa make; vana vanopemha chingwa, asi hakuna anovapa.
The tongue of the sucking child cleaveth to the roof of his mouth for thirst: The young children ask bread, and no man breaketh it unto them.
5 Avo vaisidya zvinonaka vava vapemhi mumugwagwa. Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru zvino vava kuvata pamadurunhuru edota.
They that did feed delicately are desolate in the streets: They that were brought up in scarlet embrace dunghills.
6 Kurangwa kwavanhu vangu kukuru kupinda kweSodhomu, rakaparadzwa pakarepo pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira.
For the iniquity of the daughter of my people is greater than the sin of Sodom, That was overthrown as in a moment, and no hands were laid upon her.
7 Machinda avo aipenya kupfuura chando, uye akanga akachena kupfuura mukaka, miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri.
Her nobles were purer than snow, they were whiter than milk; They were more ruddy in body than rubies, their polishing was as of sapphire.
8 Asi zvino vasviba kupfuura chinʼai; hapana angavaziva mumigwagwa. Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; raoma zvokufanana nedanda.
Their visage is blacker than a coal; they are not known in the streets: Their skin cleaveth to their bones; it is withered, it is become like a stick.
9 Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani pane avo vanourayiwa nenzara; vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda.
They that are slain with the sword are better than they that are slain with hunger; For these pine away, stricken through, for want of the fruits of the field.
10 Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, vakava zvokudya zvavo, pakaparadzwa vanhu vangu.
The hands of the pitiful women have boiled their own children; They were their food in the destruction of the daughter of my people.
11 Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; akadurura hasha dzake dzinotyisa. Akabatidza moto paZioni akapisa nheyo dzaro.
Jehovah hath accomplished his wrath, he hath poured out his fierce anger; And he hath kindled a fire in Zion, which hath devoured the foundations thereof.
12 Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navanhu vose vagere panyika, kuti vavengi vangapinda pamasuo eJerusarema.
The kings of the earth believed not, neither all the inhabitants of the world, That the adversary and the enemy would enter into the gates of Jerusalem.
13 Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.
[It is] because of the sins of her prophets, [and] the iniquities of her priests, That have shed the blood of the just in the midst of her.
14 Vanodzungaira munzira dzaro savarume mapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.
They wander as blind men in the streets, they are polluted with blood, So that men cannot touch their garments.
15 Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.”
Depart ye, they cried unto them, Unclean! depart, depart, touch not! When they fled away and wandered, men said among the nations, They shall no more sojourn [here].
16 Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru.
The anger of Jehovah hath scattered them; he will no more regard them: They respected not the persons of the priests, they favored not the elders.
17 Meso edu oonera madzerere, tichitarisira rubatsiro rusingauyi; tiri pashongwe dzedu takatarisira rudzi rwaizotiponesa.
Our eyes do yet fail [in looking] for our vain help: In our watching we have watched for a nation that could not save.
18 Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika.
They hunt our steps, so that we cannot go in our streets: Our end is near, our days are fulfilled; for our end is come.
19 Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura makondo okudenga; vakatidzinganisa napamusoro pamakomo uye vakatigaririra murenje.
Our pursuers were swifter than the eagles of the heavens: They chased us upon the mountains, they laid wait for us in the wilderness.
20 Muzodziwa waJehovha, iye mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi.
The breath of our nostrils, the anointed of Jehovah, was taken in their pits; Of whom we said, Under his shadow we shall live among the nations.
21 Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, iwe unogara munyika yeUzi. Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo.
Rejoice and be glad, O daughter of Edom, that dwellest in the land of Uz: The cup shall pass through unto thee also; thou shalt be drunken, and shalt make thyself naked.
22 Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; haangawedzeri mazuva ako outapwa. Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako agoratidza kuipa kwako.
The punishment of thine iniquity is accomplished, O daughter of Zion; he will no more carry thee away into captivity: He will visit thine iniquity, O daughter of Edom; he will uncover thy sins.

< Kuungudza kwaJeremia 4 >