< Kuungudza kwaJeremia 3 >

1 Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
Ngiyindodaebone inhlupheko ngentonga yolaka lwayo.
2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
Ingikhokhele yangihambisa emnyameni kodwa hatshi ekukhanyeni.
3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
Isibili iphenduke yamelana lami; iphendule isandla sayo imelene lami usuku lonke.
4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
Igugisile inyama yami lesikhumba sami; yephulile amathambo ami.
5 Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
Yakhile imelene lami, yangihanqa ngenyongo lobunzima.
6 Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare.
Ingihlalise endaweni ezimnyama, njengabafa endulo.
7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
Ingibiyele ukuze ngingaphumi, yenza iketane lami lethusi laba nzima.
8 Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
Njalo nxa ngikhala ngimemeza, ivalela phandle umkhuleko wami.
9 Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
Ibiyele indlela yami ngamatshe abaziweyo, yenza izindlela zami zagoba.
10 Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
Yaba kimi njengebhere elicathemeyo, isilwane ezindaweni zensitha.
11 akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri.
Iphambule izindlela zami, yangidabudabula, yangenza unxiwa.
12 Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
Igobisile idandili layo, yangimisa njengento yokunenjwa ngomtshoko.
13 Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
Yenze amadodana esamba semitshoko yayo angena ezinsweni zami.
14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
Ngaba yinhlekisa kibo bonke abantu bakithi, ingoma yabo usuku lonke.
15 Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru.
Ingisuthise ngezinto ezibabayo, yanginathisa umhlonyane.
16 Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
Njalo ichoboze amazinyo ami ngokhethe, yangigiga emlotheni.
17 Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
Njalo wena walahla umphefumulo wami khatshana lokuthula; ngikhohlwe okuhle.
18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
Ngakho ngithi: Kubhubhile amandla ami lethemba lami eNkosini.
19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
Khumbula inhlupheko yami lokuzulazula kwami, umhlonyane lenyongo.
20 Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
Umphefumulo wami uhlala ukukhumbula, njalo ukhotheme phakathi kwami.
21 Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
Lokhu ngiyakubuyisela enhliziyweni yami, ngakho-ke ngiyathemba.
22 Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
Kuyizihawu zeNkosi ukuthi kasiqedwanga, ngoba izisa zakhe kazipheli;
23 Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
zintsha ikuseni yonke; lukhulu uthembeko lwayo.
24 Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
INkosi iyisabelo sami, kutsho umphefumulo wami; ngakho-ke ngizathemba kiyo.
25 Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
INkosi ilungile kwabayilindelayo, kumphefumulo oyidingayo.
26 chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
Kuhle ukuthi umuntu athembe, njalo ngokuthula kusindiso lweNkosi.
27 Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
Kuhle emuntwini ukuthi athwale ijogwe ebutsheni bakhe.
28 Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.
Kahlale yedwa, athule, ngoba isimethese lona.
29 Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.
Kabeke umlomo wakhe othulini; mhlawumbe kungaba khona ithemba.
30 Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.
Kanikele isihlathi sakhe komtshayayo; asuthe inhlamba.
31 Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.
Ngoba iNkosi kayiyikulahla kuze kube phakade.
32 Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
Ngoba lanxa idabukisile, kanti izakuba lesihawu ngobunengi bezisa zayo.
33 Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
Ngoba kayihluphi ngenhliziyo yayo idabukise abantwana babantu;
34 Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
ukuchoboza ngaphansi kwenyawo zayo zonke izibotshwa zomhlaba;
35 kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro,
ukuphambukisa ilungelo lomuntu phambi kobuso boPhezukonke;
36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
ukuphambanisa umuntu kudaba lwakhe, iNkosi kayikuboni yini?
37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
Ngubani ongakukhuluma, njalo kwenzeke, nxa iNkosi ingakulayanga?
38 Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
Kakuphumi ububi lokuhle emlonyeni woPhezukonke yini?
39 Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
Ngakho usolelani umuntu ophilayo, umuntu ngezono zakhe?
40 Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.
Asihlole silinge izindlela zethu, sibuyele eNkosini.
41 Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
Asiphakamisele inhliziyo lezandla zethu kuNkulunkulu emazulwini.
42 “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
Thina siphambukile, saba lenkani; wena kawuthethelelanga.
43 “Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; makauraya musinganzwiri ngoni.
Wembese ngolaka, waxotshana lathi, wabulala, kawuhawukelanga.
44 Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
Uzembese ngeyezi, ukuze kungedluli umkhuleko.
45 Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
Usenze saba yimfucuza lezibi phakathi kwezizwe.
46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
Zonke izitha zethu zivule umlomo wazo zimelene lathi.
47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
Ukwesaba lomgodi kukhona phambi kwethu, incithakalo lokwephuka.
48 Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
Ilihlo lami lehlisa imifula yamanzi ngokuchitheka kwendodakazi yabantu bami.
49 Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
Ilihlo lami liyajuluka, kaliyekeli, kungelakuma,
50 kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
ize ikhangele phansi ibone iNkosi isezulwini.
51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
Ilihlo lami lenza umphefumulo wami ube buhlungu ngenxa yawo wonke amadodakazi omuzi wakithi.
52 Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero vakandivhima seshiri.
Izitha zami zingizingele kabuhlungu njengenyoni, kungelasizatho.
53 Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
Bayiqumile impilo yami emgodini, baphosa ilitshe phezu kwami.
54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
Amanzi ageleza phezu kwekhanda lami; ngathi: Ngiqunyiwe.
55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
Ngabiza ibizo lakho, Nkosi, ngisemgodini phansi;
56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
wezwa ilizwi lami; ungafihli indlebe yakho ekuphefumuleni kwami, ekukhaleleni kwami usizo.
57 Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
Wasondela ngosuku lapho ngikubiza, wathi: Ungesabi.
58 Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
Nkosi, uzimele izindaba zomphefumulo wami, wahlenga impilo yami.
59 Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
Nkosi, ubonile ukoniwa kwami; yahlulela udaba lwami.
60 Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
Ubonile yonke impindiselo yabo, wonke amacebo abo amelene lami.
61 Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,
Uzwile inhlamba yabo, Nkosi, wonke amacebo abo amelene lami,
62 dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.
indebe zabangivukelayo, lokuzindla kwabo kumelene lami lonke usuku.
63 Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.
Khangela ukuhlala kwabo, lokusukuma kwabo; ngiyingoma yabo.
64 Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.
Buyisela kibo impindiselo, Nkosi, njengokomsebenzi wezandla zabo.
65 Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!
Banike ubulukhuni benhliziyo, isiqalekiso sakho kibo.
66 Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.
Xotshana labo ngolaka, ubabhubhise bangabi ngaphansi kwamazulu eNkosi.

< Kuungudza kwaJeremia 3 >