< Kuungudza kwaJeremia 1 >

1 Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pendudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa.
以色列被虜充軍以後,耶路撒冷成了一片荒涼,耶肋米亞痛哭流淚的坐著唱了這篇哀歌,憑弔耶路撒冷,嗚咽說:怎麼! 這個人煙稠密的京都,卻孤坐獨處! 從前是萬民的主母,現在好像成了寡婦;往日是諸郡的王后,如今竟然成奴僕!
2 Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo.
她夜間痛哭飲泣,眼淚流滿雙頰;她所有的愛人,卻沒有一個前來安慰她;她的親友都背棄了她,成了她的冤家!
3 Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. Anogara pakati pendudzi; haawani nzvimbo yokuzorora. Vose vaimudzinganisa vakamubata ari pakati pokutambudzika kwake.
猶大已經流亡遠去,備受壓迫奴役;散居在異民中間,再不得安息;她處於絕境之中,所有迫害她的人,盡來相逼!
4 Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru.
熙雍的到街道悲慘淒涼,因無人前來過節! 她的城門零落蕭條,司祭哀嘆,處女惆悵;她已憂苦備嘗!
5 Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi.
她的敵人得了優勢,仇人獲得勝利,都因她犯罪多端,而遭受了上主的懲罰;她的幼兒被擄去,在敵人面前作囚徒。
6 Kuyevedza kwose kwabva paMwanasikana weZioni. Machinda aro aita senondo dzashayiwa mafuro. Mukushayiwa simba vakatiza pamberi peanovadzinganisa.
一切華麗,已經都由熙雍女郎身上消失;她的首長好像找不到牧場的公羊,受追逐者驅使,無力前行。
7 Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusarema rinorangarira pfuma yose yakanga iri yaro pamazuva akare. Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi, rakashaya anoribatsira. Vavengi varo vakaritarisa, vakariseka pakuparadzwa kwaro.
耶路撒冷在困苦和患難的時日,回憶昔日享有的一切榮華;現在呢﹖當她的人民陷入敵人手中時,竟然沒有人來施救! 仇人看見了她,都嘲笑她的滅亡。
8 Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo rasvibiswa. Vose vairikudza vorizvidza, nokuti vakaona kushama kwaro; iro pacharo rinogomera, richidzokera shure.
耶路撒冷犯罪作惡,因而成了可憎惡的;昔日尊重她的人,今日一見到她的裸體,都予以輕視;而她自己只有飲泣,轉身退去。
9 Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro; harina kurangarira ramangwana raro. Kuwa kwaro kwakashamisa; hakuna akarinyaradza. “Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu, nokuti muvengi akunda.”
她的污穢沾滿了她的衣裙,她從未想到會有如此的結局,以致一落千丈,卻沒有人安慰。「上主,求你憐視我的痛苦,因為敵人正在意氣高揚。
10 Muvengi akatora pfuma yaro yose; rakaona ndudzi dzechihedheni dzichipinda panzvimbo yaro tsvene, avo vamakanga madzivisa kupinda paungano yenyu.
暴徒伸手劫掠了她所有的珍寶:你雖然嚴禁異民進入你的集會,她卻眼看著他們闖進聖所。
11 Vanhu varo vose vanogomera pavanotsvaka chingwa; vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudya kuti vazviraramise. “Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire, nokuti ndava munhu akazvidzwa.”
她所有的人民都在嘆息,搜求食糧;而應交出珍寶,換取食物,以維持生活。上主,求你垂視眷顧,我怎樣受人輕慢! 」
12 “Hamuna hanya here, imi mose munopfuura? Tarirai pose pose muone. Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here, kwakaiswa pamusoro pangu, kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?
一切過路的人啊! 請你們細細觀察,看看有沒有痛苦能像我所受的痛苦﹖因為上主在他盛怒之日,折磨了我!
13 “Akatuma moto kubva kumusoro-soro, akautumira mumapfupa angu. Akateya makumbo angu nomumbure uye akandidzosera shure. Akandisiya ndisina chinhu, ndikapera simba zuva rose.
他從上降下火來,深入我的骨骸;他在我腳下設下羅網,使我陷落;他使我終日孤寂,惆悵不已。
14 “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko; namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete, zvauya pamutsipa wangu uye Ishe apedza simba rangu. Akandiisa mumaoko avanhu vandisingagoni kukunda.
上主親手把我罪過的軛,緊縛在我的頸上,使我筋疲力竭;他將我交於我不能抵抗的人手中。
15 “Ishe akaramba mhare dzose dziri pakati pangu; akakokera hondo kuzondirwisa kuzopwanya majaya angu. Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha muchisviniro chake chewaini.
上主拋棄了我中間的勇士,召集盛會,與我為敵,粉碎我的精銳;上主好像踐踏酒醡一樣,踐踏原是處女的猶大女郎。
16 “Ndokusaka ndichichema uye maziso angu achierera misodzi. Hapana ari pedyo kuti andinyaradze, hakuna anovandudza mweya wangu. Vana vangu vari kutambudzika nokuti muvengi akunda.”
我之所以痛苦,滿眼流淚,是因為鼓舞我心靈的安慰者,已經離我遠去;我的子女已經孤獨無援,而敵人卻正在得勢。
17 Zioni rinotambanudza maoko aro, asi hakuna munhu anorinyaradza. Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho, kuti vavakidzani vake vave vavengi vake; Jerusarema rava chinhu chisina kunatswa pakati pavo.
熙雍雖然伸開雙手,卻無人予以安慰;上主召喚四周的人與雅各伯為敵;耶路撒冷在人眼中,成了可憎的污穢之物。
18 “Jehovha akarurama, asi ini ndakamukira murayiro wake. Inzwai, imi vanhu mose; onai kutambudzika kwangu. Majaya angu navarandakadzi vangu vakaenda kuutapwa.
唯有上主是公義的,因為我違背了他的訓示。一切民族! 請你們聽一聽,看一看我的痛苦我的處女和壯丁,都已充軍去了。
19 “Ndakadana kushamwari dzangu asi vakandipandukira. Vaprista vangu navakuru vangu vakafira muguta, pavakanga vachitsvaka zvokudya kuti vazviraramise.
我向愛人求救,但他們都捨棄了我,我的司祭和長老,雖然尋覓食糧以求活命,但他們卻在城中氣絕喪命。
20 “Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu! Ndiri kurwadziwa mukati mangu, uye ndakakanganisika mumwoyo mangu, nokuti ndakakumukirai zvikuru. Kunze, munondo unondiurayira hama; mukati, munongova norufu.
上主,求你憐視,因為我實在痛苦:五內恐懼,心如倒懸,因為我常背命頑抗。外邊有刀劍使我喪子,在家裏有人死亡。
21 “Vanhu vakanzwa kugomera kwangu, asi hakuna anondinyaradza. Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu; vanofara nezvamakaita. Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa kuti vagofanana nemi.
人們都聽到我嘆息,卻沒有人安慰我;仇人聽到我遭難,無不慶幸你的所為;但是到了你所規定的日子,他們必然與我相同。
22 “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvivi zvangu zvose. Kugomera kwangu kwawanda, uye mwoyo wangu wapera simba.”
願他們的罪惡擺在你眼前! 你怎麼為了我的各種罪惡,對待了我,也願怎樣對待他們! 因為我履次嘆息,我的心已萎靡不振。

< Kuungudza kwaJeremia 1 >