< Vatongi 9 >

1 Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhaari akaenda kuhanzvadzi dzamai vake vaiva muShekemu akati kwavari uye nokuna vose veimba yamai vake,
Y se fue Abimelec hijo de Jerobaal a Siquem, a los hermanos de su madre, y habló con ellos, y con toda la familia de la casa del padre de su madre, diciendo:
2 “Bvunzai vose vanogara muShekemu kuti, ‘Zviri nani kwamuri ndezvipi: Kuti mutongwe navanakomana vose vaJerubhi-Bhaari vari makumi manomwe kana kungotongwa nomunhu mumwe chete?’ Murangarire kuti ini ndiri nyama neropa renyu.”
Yo os ruego que habléis a oídos de todos los señores de Siquem: ¿Qué tenéis por mejor, que os señoreen setenta hombres, todos los hijos de Jerobaal; o que os señoree un varón? Acordaos que yo soy hueso vuestro, y carne vuestra.
3 Hanzvadzi dzamai vake dzakarondedzerazve zvose izvi kuvagari veShekemu, vakada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.”
Y hablaron por él los hermanos de su madre a oídos de todos los señores de Siquem todas estas palabras; y el corazón de ellos se inclinó en favor de Abimelec, porque decían: Nuestro hermano es.
4 Vakamupa mashekeri esirivha makumi manomwe aibva mutemberi yaBhaari-Bheriti, uye Abhimereki akaishandisa kutenga varume vakanga vakaipa uye vasina tsitsi, vakava vateveri vake.
Y le dieron setenta siclos de plata del templo de Baal-berit, con los cuales Abimelec alquiló varones vacíos y vagabundos, que le siguieron.
5 Akaenda kuimba yababa vake muOfira uye akaponda paruware rumwe chete vanakomana vababa vake makumi manomwe, ivo vanakomana vaJerubhi-Bhaari. Asi Jotamu, muduku pane vose kuvanakomana vaJerubhi-Bhaari, akapunyuka nokuti akavanda.
Y viniendo a la casa de su padre en Ofra, mató a sus hermanos los hijos de Jerobaal, setenta varones, sobre una piedra; mas quedó Jotam, el más pequeño hijo de Jerobaal, que se escondió.
6 Ipapo vagari vose vomuShekemu nokuBheti Miro vakaungana parutivi pomuti mukuru pambiru iri muShekemu kuti vagadze Abhimereki samambo.
Y reunidos todos los señores de Siquem con toda la casa de Milo ( la congregación ), fueron y eligieron a Abimelec por rey, cerca de la llanura del pilar que estaba en Siquem.
7 Jotamu akati azvinzwa, akakwira pamusoro peGomo reGerizimu akadanidzira kwavari akati, “Nditeererei imi vagari veShekemu, kuti Mwari agoteerera kwamuri.
Cuando se lo dijeron a Jotam, fue y se puso en la cumbre del monte de Gerizim, y alzando su voz clamó, y les dijo: Oídme, varones de Siquem; que Dios os oiga.
8 Rimwe zuva miti yakabuda kundozodza mambo wayo. Vakati kumuti womuOrivhi, ‘Iva mambo wedu.’
Fueron los árboles a elegir rey sobre sí, y dijeron al olivo: Reina sobre nosotros.
9 “Asi muti womuOrivhi wakapindura ukati, ‘Ko, ndingada kusiya mafuta angu, anoremekedzwa nezvose, vamwari navanhu, kuti ndinozengaira hangu pamusoro pemiti here?’
Mas el olivo respondió: ¿He de dejar mi aceite, con el que por mi causa Dios y los hombres son honrados, por ir a ser grande sobre los árboles?
10 “Shure kwaizvozvo, miti yakati kumuonde, ‘Uya uzova mambo wedu.’
Y dijeron los árboles a la higuera: Anda tú, reina sobre nosotros.
11 “Asi muonde wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya muchero wangu, wakanaka kudai uye unotapira, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
Y respondió la higuera: ¿He de dejar mi dulzura y mi buen fruto, por ir a ser grande sobre los árboles?
12 “Ipapo miti ikati kumuzambiringa, ‘Uya uzova mambo wedu.’
Dijeron luego los árboles a la vid: Pues ven tú, reina sobre nosotros.
13 “Asi muzambiringa wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya waini yangu inofadza vose vamwari navanhu, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
Y la vid les respondió: ¿He de dejar mi mosto, que alegra a Dios y a los hombres, por ir a ser grande sobre los árboles?
14 “Pakupedzisira, miti yose yakati kurukato, ‘Uya uve mambo wedu.’
Dijeron entonces todos los árboles al escaramujo: Anda tú, reina sobre nosotros.
15 “Rukato rukati kumiti, ‘Kana muchida kundizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, uyai muvande pamumvuri wangu; asi kana zvisizvo, moto ngaubude murukato ugopisa misidhari yeRebhanoni!’
Y el escaramujo respondió a los árboles: Si en verdad me elegís por rey sobre vosotros, venid, y aseguraos debajo de mi sombra; y si no, fuego salga del escaramujo que devore los cedros del Líbano.
16 “Zvino kana imi makaita zvinokudzwa uye zvakatendeka pamakaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nokumhuri yake, uye kana makamubata sezvaanofanira,
Ahora pues, si con verdad y con integridad habéis procedido en hacer rey a Abimelec, y si lo habéis hecho bien con Jerobaal y con su casa, y si le habéis pagado conforme a la obra de sus manos;
17 uye nokufunga kuti baba vangu vakakurwirai, vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vakununurei kubva muruoko rweMidhiani
(Pues que mi padre peleó por vosotros, y echó lejos su vida por libraros de mano de Madián;
18 (asi nhasi mapandukira mhuri yababa vangu, mukaponda vanakomana vavo makumi manomwe padombo rimwe chete, uye mukaisa Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wavo kuti ave mambo pamusoro pavagere muShekemu nokuda kwokuti ihama yenyu),
y vosotros os levantasteis hoy contra la casa de mi padre, y matasteis sus hijos, setenta varones, sobre una piedra; y habéis puesto por rey sobre los señores de Siquem a Abimelec, hijo de su criada, por cuanto es vuestro hermano);
19 kana zvino makaita norukudzo uye nokutenda kwakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nemhuri yake, nhasi Abhimereki ngaave mufaro wenyu, nemiwo muve wakewo!
si con verdad y con integridad habéis obrado hoy con Jerobaal y con su casa, que gocéis de Abimelec, y él goce de vosotros.
20 Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kuna Abhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!”
Y si no, fuego salga de Abimelec, que consuma a los señores de Siquem y a la casa de Milo; y fuego salga de los de Siquem y de la casa de Milo, que consuma a Abimelec.
21 Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.
Y huyó Jotam, y se fugó, y se fue a Beer, y allí se estuvo por causa de Abimelec su hermano.
22 Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri,
Y después que Abimelec hubo dominado sobre Israel tres años,
23 Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari vomuShekemu, ukanyengera Abhimereki.
envió Dios un espíritu malo entre Abimelec y los señores de Siquem; que los de Siquem se levantaron contra Abimelec;
24 Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomununʼuna wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake.
para que el agravio de los setenta hijos de Jerobaal, y la sangre de ellos, viniera a ponerse sobre Abimelec su hermano que los mató, y sobre los señores de Siquem que corroboraron las manos de él para matar a sus hermanos.
25 Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
Y los señores de Siquem le pusieron asechadores en las cumbres de los montes, los cuales salteaban a todos los que pasaban junto a ellos por el camino; de lo que fue dado aviso a Abimelec.
26 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akaenda navanunʼuna vake kundogara muShekemu, uye vagari vomo vakavimba naye.
Y Gaal hijo de Ebed vino con sus hermanos, y se pasaron a Siquem; y los señores de Siquem se confiaron en él.
27 Vakaenda kuminda vakandounganidza mazambiringa vakaasvina uye vakaita mutambo. Vakapinda mutemberi yamwari wavo, vakadya vakanwa uye vakatuka Abhimereki.
Y saliendo al campo, vendimiaron sus viñas, y pisaron la uva, e hicieron alegrías; y entrando en el templo de sus dioses, comieron y bebieron, y maldijeron a Abimelec.
28 Ipapo Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki ndianiko uye Shekemu ndianiko, kuti tive varanda vake? Ko, haazi mwanakomana waJerubhi-Bhaari, uye Zebhuri haazi mutevedzeri wake here? Shandirai vanhu vaHamori, baba vaShekemu! Seiko tichishandira Abhimereki?
Y Gaal hijo de Ebed dijo: ¿Quién es Abimelec y qué es Siquem, para que nosotros le sirvamos a él? ¿No es hijo de Jerobaal? ¿Y no es Zebul su asistente? Servid a los varones de Hamor padre de Siquem. ¿Por qué habíamos de servir a él?
29 Dai chete vanhu ava vanga vari pasi pangu! Ipapo ndaimubvisa. Ndaizoti kuna Abhimereki, ‘Dana hondo yako yose!’”
Fuérame dado este pueblo bajo mi mano, yo echaría luego a Abimelec. Y decía a Abimelec: Aumenta tus escuadrones, y sal.
30 Zebhuri mubati weguta akati anzwa zvakataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa zvikuru.
Y Zebul asistente de la ciudad, oyendo las palabras de Gaal hijo de Ebed, se encendió su ira;
31 Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanunʼuna vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei.
y envió sagazmente mensajeros a Abimelec, diciendo: He aquí que Gaal hijo de Ebed y sus hermanos han venido a Siquem, y he aquí, que han cercado la ciudad contra ti.
32 Saka zvino, usiku, imi navanhu venyu munofanira kuzovandira muri muminda.
Levántate pues ahora de noche, tú y el pueblo que está contigo, y pon emboscada en el campo.
33 Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.”
Y por la mañana al salir el sol te levantarás y acometerás la ciudad; y él y el pueblo que está con él saldrán contra ti, y tú harás con él según que se te ofrecerá.
34 Saka Abhimereki namauto ake akasimuka usiku akaenda kunzvimbo dzakavanda pedyo neShekemu mumapoka mana.
Levantándose, pues, de noche Abimelec y todo el pueblo que con él estaba, pusieron emboscada contra Siquem con cuatro compañías.
35 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akanga abuda uye akanga amire pamukova wamasuo eguta apo Abhimereki navarwi vake vakasimuka pavakanga vakavanda.
Y Gaal hijo de Ebed salió, y se puso a la entrada de la puerta de la ciudad; y Abimelec y todo el pueblo que con él estaba, se levantaron de la emboscada.
36 Gaari akati achivaona, akati kuna Zebhuri, “Tarira, vanhu vari kuburuka kubva pamusoro pamakomo!” Zebhuri akapindura akati, “Uri kuona mimvuri yamakomo savanhu iwe.”
Y viendo Gaal el pueblo, dijo a Zebul: He allí pueblo que desciende de las cumbres de los montes. Y Zebul le respondió: La sombra de los montes te parece hombres.
37 Asi Gaari akadanidzirazve akati, “Tarira vanhu vari kuburuka kubva pakati penyika, rimwe boka riri kubva nenzira yomuti wavavuki.”
Mas Gaal volvió a hablar, y dijo: He allí pueblo que desciende por medio de la tierra, y un escuadrón viene camino de la campiña de Meonenim.
38 Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Kutaura kwako kukuru kuripiko zvino, iyewe waiti, ‘Abhimereki ndianiko kuti isu tive varanda kwaari?’ Handiti ava ndivo vanhu vawaizvidza here? Chibuda undorwa navo!”
Y Zebul le respondió: ¿Dónde está ahora aquel dicho que decías: Quién es Abimelec para que le sirvamos? ¿No es éste el pueblo que tenías en poco? Sal pues ahora, y pelea con él.
39 Saka Gaari akabuda akatungamirira vanhu veShekemu akarwa naAbhimereki.
Y Gaal salió delante de los señores de Siquem, y peleó contra Abimelec.
40 Abhimereki akamudzinganisa uye vazhinji vakafa vakuvadzwa mukutiza uku nzira yose kusvikira pamukova wokupinda pasuo reguta.
Mas lo persiguió Abimelec, delante del cual él huyó; y cayeron heridos muchos hasta la entrada de la puerta.
41 Abhimereki akagara muAruma, uye Zebhuri akadzinga Gaari navanunʼuna vake muShekemu.
Y Abimelec se quedó en Aruma; y Zebul echó fuera a Gaal y a sus hermanos, para que no morasen en Siquem.
42 Fume mangwana vanhu veShekemu vakabuda vakaenda kuminda, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
Y aconteció al siguiente día, que el pueblo salió al campo; y fue dado aviso a Abimelec.
43 Saka akatora vanhu vake, akavakamura akavaisa mumapoka matatu akavandira musango. Akati achiona vanhu vachibuda muguta, akasimuka kuti avarwise.
El cual, tomando gente, la repartió en tres compañías, y puso emboscadas en el campo; y cuando miró, he aquí el pueblo que salía de la ciudad; y se levantó contra ellos, y los hirió.
44 Abhimereki namapoka aakanga anawo vakamhanyira pamukova wokupinda pasuo reguta. Ipapo mapoka maviri akamhanyira vaya vakanga vari kuminda vakavauraya.
Pues Abimelec y el escuadrón que estaba con él, acometieron con ímpetu, y pararon a la entrada de la puerta de la ciudad; y las otras dos compañías acometieron a todos los que estaban en el campo, y los hirieron.
45 Zuva rose iroro, Abhimereki akarwisa kwazvo guta kusvikira aritapa uye auraya vanhu varo. Ipapo akaparadza guta uye akakusha munyu pamusoro paro.
Y después de combatir Abimelec la ciudad todo aquel día, la tomó, y mató el pueblo que en ella estaba, y asoló la ciudad, y la sembró de sal.
46 Vachinzwa izvi vagari vomushongwe yeShekemu, vakapinda munhare dzetemberi yaEri-Bheriti.
Cuando oyeron esto todos los que estaban en la torre de Siquem, entraron en la fortaleza del templo del dios Berit.
47 Abhimereki akati anzwa kuti vakanga vakaungana ipapo,
Y fue dicho a Abimelec como todos los de la torre de Siquem estaban reunidos.
48 Iye navanhu vake vose vakakwira muGomo reZarimoni. Akatora demo akagura matavi, akaasimudza akaaisa pamapfudzi ake. Akarayira varume vaaiva navo akati, “Kurumidzai! Itai zvamandiona ndichiita!”
Entonces subió Abimelec al monte de Salmón, él y toda la gente que con él estaba; y tomó Abimelec un hacha en su mano, y cortó una rama de los árboles, y levantándola se la puso sobre sus hombros, diciendo al pueblo que estaba con él: Lo que me veis a mí que hago, haced vosotros prestamente como yo.
49 Saka varume vose vakagura matavi vakatevera Abhimereki. Vakaatutira pamusoro penhare ndokuitungidza nomoto vanhu vari mukati. Saka vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu, varume navakadzi vanenge chiuru chimwe chete vakafawo.
Y así todo el pueblo cortó también cada uno su rama, y siguieron a Abimelec, y las pusieron junto a la fortaleza, y prendieron fuego con ellas a la fortaleza; de manera que todos los de la torre de Siquem murieron, como unos mil hombres y mujeres.
50 Shure kwaizvozvo Abhimereki akaenda kuTebhezi akarikomba uye akaritapa.
Después Abimelec se fue a Tebes; y puso cerco a Tebes, y la tomó.
51 Kunyange zvakadaro, mukati meguta makanga mune shongwe yakasimba, munova ndimo makatizira varume vose navakadzi, navanhu vose veguta. Vakazvikiyira mukati vakakwira padenga reshongwe.
En medio de aquella ciudad había una torre fuerte, a la cual se retiraron todos los hombres y mujeres, y todos los señores de la ciudad; y cerrando tras sí las puertas, se subieron al techo de la torre.
52 Abhimereki akaenda kushongwe iyo uye akairwisa. Asi akati achiswedera pamukova weshongwe kuti aipise nomoto,
Y vino Abimelec a la torre, y combatiéndola, llegó a la puerta de la torre para pegarle fuego.
53 mukadzi akakanda guyo pamusoro pake rikatsemura dehenya rake.
Mas una mujer dejó caer un pedazo de una rueda de molino sobre la cabeza de Abimelec, y le quebró los cascos.
54 Pakarepo akadana mutakuri wenhumbi dzake dzokurwa akati, “Vhomora munondo wako undiuraye, kuti vasazoti, ‘Akaurayiwa nomukadzi.’” Saka muranda wake akamubaya akafa.
Y luego él llamó a su escudero, y le dijo: Saca tu espada y mátame, para que no se diga de mí: Una mujer lo mató. Y su escudero le atravesó, y murió.
55 VaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki afa, vakaenda kumusha.
Y cuando los israelitas vieron muerto a Abimelec, se fueron cada uno a su casa.
56 Naizvozvo Jehovha akatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaita kuna baba vake nokuponda vanakomana vababa vake makumi manomwe.
Así devolvió Dios a Abimelec el mal que hizo contra su padre matando a sus setenta hermanos.
57 Mwari akaitawo kuti varume veShekemu varipe zvakaipa zvavo zvose. Kutuka kwaJotamu, mwanakomana waJerubhi-Bhaari kwakauya pamusoro pavo.
Y aun todo el mal de los señores de Siquem tornó Dios sobre sus cabezas; y la maldición de Jotam, hijo de Jerobaal, vino sobre ellos.

< Vatongi 9 >