< Vatongi 8 >
1 Zvino vaEfuremu vakabvunza Gidheoni vakati, “Makatibatireiko zvakadai? Makaregerei kutidana pamakaenda kundorwa navaMidhiani?” Uye vakamutsoropodza zvikuru.
A ljudi od plemena Jefremova rekoše mu: šta nam to uèini te nas ne pozva kad poðe u boj na Madijane? I vikahu na nj žestoko.
2 Asi akavapindura akati, “Ko, chii chandaita kuti ndizvienzanise nemi? Handiti zvakanongwa zvamazambiringa aEfuremu zviri nani kupfuura mukohwo uzere wamazambiringa aAbhiezeri?
A on im reèe: pa šta sam uèinio tako kao vi? nije li pabirèenje Jefremovo bolje nego berba Avijezerova?
3 Mwari akaisa Orebhi naZeebhi, vatungamiri vavaMidhiani mumaoko enyu. Ko, ini ndaizokwanisa kuitei kuti ndienzaniswe nemi?” Ipapo, kutsamwa kwavo pamusoro pake kwakaserera.
Vama je u ruke dao Gospod knezove Madijanske, Oriva i Ziva; pa što ja mogoh uèiniti tako kao vi? Tada se utiša duh njihov prema njemu kad tako govori.
4 Gidheoni navanhu vake mazana matatu, vakaramba vachingotevera, vakasvika kurwizi Jorodhani uye vakaruyambuka havo, asi vakanga vaneta kwazvo.
A kad Gedeon doðe na Jordan, prijeðe preko njega s trista ljudi koji bjehu s njim, a bjehu umorni goneæi.
5 Akati kuvarume veSukoti, “Ipai henyu mauto angu chingwa; vaneta, uye ndichiri kutevera Zebha naZarumuna, madzimambo eMidhiani.”
Pa reèe ljudima Sokoæanima: dajte nekoliko hljebova narodu koji ide za mnom, jer su umorni, a ja gonim Zeveja i Salmana careve Madijanske.
6 Asi machinda eSukoti akati, “Matova namaoko aZebha naZarumuna mumaoko enyu here? Ko, tingapirei chingwa kumauto enyu?”
A glavari Sokotski rekoše mu: je li pesnica Zevejeva i Salmanova veæ u tvojoj ruci da damo hljeba tvojoj vojsci?
7 Ipapo Gidheoni akapindura akati, “Nokuda kwaizvozvo, Jehovha paanongoisa Zebha naZarumuna muruoko rwangu, ini ndichabvambura nyama yenyu neminzwa yomurenje uye norukato.”
A Gedeon im reèe: kad mi Bog preda Zeveja i Salmana u ruku, tada æu pomlatiti tjelesa vaša trnjem iz ove pustinje i draèom.
8 Kubva ipapo akaenda kuPenieri vakaita chikumbiro chimwe chetecho, asi naivowo vakapindura sezvakaita varume veSukoti.
I otide odande u Fanuil, i reèe Fanuiljanima isto onako, a oni mu odgovoriše kao što odgovoriše ljudi u Sokotu.
9 Saka iye akati kuvarume vePenieri, “Pandinodzoka ndakunda, ndichakoromora shongwe iyi.”
Zato i ljudima Fanuiljanima reèe: kad se vratim zdravo, razvaliæu tu kulu.
10 Zvino Zebha naZarumuna vakanga vari muKarikori vaine hondo yavarume zviuru gumi nezvishanu, vose vakanga vasara pahondo yavanhu vokumabvazuva; varume vomunondo zviuru makumi maviri vakanga vafa.
A Zevej i Salman bijahu u Karkoru, i vojska njihova s njima, oko petnaest tisuæa, što ih god osta od sve vojske istoène; a pobijenijeh bijaše sto i dvadeset tisuæa ljudi koji mahahu maèem.
11 Gidheoni akakwidza nenzira yavaigara mumatende kumabvazuva kweNobha neJogibheha vakandokunda hondo yakanga isina chayakatarisira.
I otide Gedeon preko onijeh što žive pod šatorima, s istoka Novi i Jogveji, i udari na vojsku kad vojska stajaše bezbrižna.
12 Zebha naZarumuna, madzimambo maviri eMidhiani, vakatiza, asi akavatevera akavabata, akakunda hondo yavo yose.
A Zevej i Salman pobjegoše, a on ih potjera, i uhvati dva cara Madijanska, Zeveja i Salmana, i raspudi svu vojsku.
13 Gidheoni mwanakomana waJoashi akadzoka kubva kuhondo napaMupata weHeresi.
I vrati se Gedeon sin Joasov iz boja prije sunèanoga roðaja.
14 Akabata jaya rokuSukoti uye akaribvunza, uye jaya rikanyora pasi mazita amachinda makumi manomwe navanomwe vokuSukoti, vakuru veguta.
I uhvati momka iz Sokota, i ispitiva ga; a on mu popisa knezove Sokotske i starješine, sedamdeset i sedam ljudi.
15 Ipapo Gidheoni akasvika akati kuvarume veSukoti, “Havano vanaZebha naZarumuna, vaya vamakandiseka muchiti, ‘Ko, watova namaoko aZebha naZarumuna kare here? Tinopireiko chingwa kuvanhu vako vaneta ava?’”
Pa kad doðe k Sokoæanima, reèe: evo Zeveja i Salmana, za koje mi se rugaste govoreæi: je li pesnica Zevejeva i Salmanova veæ u tvojoj ruci, da damo hljeba umornijem ljudima tvojim?
16 Akatora vakuru veguta akadzidzisa varume veSukoti chidzidzo nenzira yokuvaranga neminzwa yomurenje uye norukato.
I uzevši starješine onoga mjesta i trnja iz pustinje i draèe dade na njima ugled Sokoæanima.
17 Akakoromorawo shongwe yePenieri uye akauraya varume vomuguta.
I kulu Fanuilsku razvali i pobi ljude tamošnje.
18 Ipapo akabvunza Zebha naZarumuna akati, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?” Vakapindura vakati, “Varume vakaita semi, mumwe nomumwe airatidzika somwanakomana wamambo.”
Potom reèe Zeveju i Salmanu: kaki bjehu ljudi koje pobiste na Tavoru? A oni rekoše: taki kao ti; svaki bješe na oèima kao carski sin.
19 Gidheoni akati, “Ivavo vakanga vari vanunʼuna vangu vanakomana vamai vangu chaivo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, dai makanga mavaponesa, ini handaizokuurayai.”
A on reèe: to bjehu moja braæa, sinovi moje matere. Tako Gospod bio živ! da ste ih ostavili u životu, ne bih vas pogubio.
20 Akatendeukira kuna Jeta mwanakomana wake mukuru, akati, “Vauraye!” Asi Jeta haana kuvhomora munondo wake, nokuti akanga achiri mukomana uye aitya.
Tada reèe Jeteru prvencu svojemu: ustani, pogubi ih. Ali dijete ne izvuèe maèa svojega, jer se bojaše, jer bješe još dijete.
21 Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo.
Tada reèe Zevej i Salman: ustani ti, uloži na nas; jer kakav je èovjek onaka mu je i snaga. I ustavši Gedeon pogubi Zeveja i Salmana, i uze mjeseèiæe koji bijahu o vratovima kamila njihovijeh.
22 VaIsraeri vakati kuna Gidheoni, “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.”
Potom rekoše Izrailjci Gedeonu: budi nam gospodar ti i sin tvoj i sin sina tvojega, jer si nas izbavio iz ruke Madijanske.
23 Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.”
A Gedeon im reèe: neæu vam ja biti gospodar, niti æe vam sin moj biti gospodar; Gospod æe vam biti Gospodar.
24 Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.)
Još im reèe Gedeon: jedno æu iskati od vas: da mi date svaki grivnu od plijena svojega. A grivne imahu zlatne, jer bjehu Ismailjci.
25 Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo.
I odgovoriše: daæemo drage volje. I razastrvši haljinu bacaše na nju grivne, svaki od plijena svojega.
26 Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwe, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo.
I bješe na mjeru zlatnijeh grivana što iziska tisuæa i sedam stotina sikala zlata, osim mjeseèiæa i lanèiæa i haljina skerletnijeh, što nošahu carevi Madijanski, i osim litarova, što bijahu oko vrata kamila njihovijeh.
27 Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake.
I Gedeon naèini od toga opleæak, i ostavi ga u svojem gradu Ofri; i ondje sav Izrailj stade èiniti preljubu za njim, i bi Gedeonu i domu njegovu zamka.
28 Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.
Tako biše pokoreni Madijani pred sinovima Izrailjevijem, i više ne digoše glave. I zemlja bi mirna èetrdeset godina za vijeka Gedeonova.
29 Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake.
I otišav Jeroval sin Joasov osta u svojoj kuæi.
30 Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji.
A imaše Gedeon sedamdeset sinova, koji izidoše od bedara njegovijeh, jer imaše mnogo žena.
31 Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki.
A inoèa njegova, koja bijaše u Sihemu, i ona mu rodi sina, i nadje mu ime Avimeleh.
32 Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri.
Potom umrije Gedeon sin Joasov u dobroj starosti, i bi pogreben u grobu Joasa oca svojega Avijezerita u Ofri.
33 Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye
A kad umrije Gedeon, opet sinovi Izrailjevi èiniše preljubu za Valima, i postaviše sebi Val-Verita za boga.
34 havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose.
I ne sjeæaše se sinovi Izrailjevi Gospoda Boga svojega, koji ih je izbavio iz ruku svijeh neprijatelja njihovijeh unaokolo,
35 Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira.
I ne uèiniše milosti domu Jerovala Gedeona prema svemu dobru što je on uèinio Izrailju.