< Vatongi 7 >

1 Mangwanani-ngwanani, Jerubhi-Bhaari (ndiye Gidheoni) navanhu vose vaiva naye vakadzika matende avo patsime raHarodhi. Musasa wavaMidhiani wakanga uri nechokumusoro kwavo mumupata waiva pedyo nechikomo cheMore.
Jerub-baal (Gideon) and those who were with him got up early and went and camped by the Harod spring. The Midianite camp was to the north in the valley near the Moreh hill.
2 Jehovha akati kuna Gidheoni, “Varume vaunavo vakawandisa kuti ini ndiise vaMidhiani mumaoko avo. Kuti vaIsraeri varege kuzvikudza pamberi pangu vachiti, simba ravo ndiro ravaponesa,
The Lord told Gideon, “There are too many soldiers with you for me to hand over the Midianites to them, otherwise Israel will brag to me, saying, ‘I saved myself by my own strength.’
3 zivisa vanhu izvozvi kuti, ‘Ani naani ari kudedera nokutya ngaadzoke hake abve paGomo reGireadhi.’” Saka varume vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri vakabva, kukasara zviuru gumi.
So tell the soldiers, ‘Anyone who is worried or afraid can leave Mount Gilead and go back home.’” Twenty-two thousand of them went back home, but ten thousand stayed.
4 Asi Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vachakangowandisa. Enda navo kumvura, uye ini ndichavasanangurira ikoko. Kana ndikati, ‘Uyu achaenda newe,’ ndiye achaenda; asi kana ndikati, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iyeye haaendi.”
Then the Lord told Gideon, “There are still too many soldiers. Take them down to the water and I will reduce them for you. Whoever I tell you, ‘He shall go with you,’ he shall go. But anyone that I say, ‘He shall not go with you,’ he shall not go.”
5 Saka Gidheoni akatora varume akaburuka navo kumvura. Jehovha akamuudza ikoko kuti, “Paradzanisa avo vanonwa mvura vachikapa norurimi rwavo sezvinoita imbwa kubva kuna avo vanonwa vakapfugama.”
Gideon took the soldiers down to the water. The Lord told Gideon, “Set to one side those who lap the water with their tongues, like a dog does, and on the other side those who kneel down to drink.”
6 Zvino uwandu hweavo vakanwa vachikapa, vachiisa maoko kumiromo yavo, hwakasvika mazana matatu. Vamwe vose vakanwa vakapfugama namabvi avo.
Three hundred lapped water from their hands to their mouths. All the rest knelt down to drink the water.
7 Jehovha akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vanwa mvura vachikapa ava, ndichakuponesai uye ndichaisa vaMidhiani mumaoko enyu. Vamwe vanhu vose ngavaende zvavo, mumwe nomumwe kunzvimbo yake.”
The Lord told Gideon, “With these three hundred men that lapped I will save you and hand over the Midianites to you. Let all the rest of the soldiers go home.”
8 Saka Gidheoni akaendesa vamwe vose vavaIsraeri kumatende avo asi akasara namazana matatu, avo vakazotora mbuva nehwamanda dzavaya vamwe. Zvino musasa wavaMidhiani wakanga uri nechezasi mumupata.
The three hundred took over the supplies and trumpets of the others. Gideon sent all the rest home, but held onto the three hundred men. The Midianite camp was below him in the valley.
9 Usiku ihwohwo, Jehovha akati kuna Gidheoni, “Simuka, buruka uende kumusasa, nokuti ndiri kuzouisa mumaoko ako.
That night the Lord spoke to Gideon, “Get up, go down and attack the camp, for I have handed it over to you.
10 Asi kana uchitya kuenda, buruka uende kumusasa naPura muranda wako.
But if you are afraid to go down, go with your servant Purah to the camp.
11 Uchanzwa zvavanotaura. Shure kwaizvozvo uchanzwa kukurudzirwa kuti urwise musasa.” Saka iye naPura muranda wake vakaburuka vakasvika kuvarindi vokunze kwomusasa.
You'll hear what they're talking about and then you'll have the courage to attack the camp.” So he took his servant Purah with him and went to the edge of the camp where armed men were on guard.
12 VaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara mumupata, vakawanda semhashu. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki, dzakawanda sejecha remahombekombe egungwa.
The Midianites, Amalekites, and all the peoples of the East filled the valley like a swarm of locusts, and as for their camels, they were as uncountable as the sand on the seashore.
13 Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.”
Just as Gideon arrived, a man was telling his friend about a dream he'd had. He was saying, “I had this dream. I dreamed I saw a round loaf of barley bread come rolling into the Midianite camp. It hit a tent, knocking it upside-down, flat on the ground!”
14 Shamwari yake yakapindura ikati, “Hachingavi chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi, muIsraeri. Mwari aisa vaMidhiani nomusasa wose mumaoko ake.”
“This can only represent the victory by the sword of Gideon, son of Joash, a man of Israel,” his friend answered. “God has handed over to him the Midianites and everyone else camped here.”
15 Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.”
When Gideon heard the dream and what it meant, he bowed in thanks to God. He went back to the Israelite camp and announced, “On your feet! For the Lord has handed over the Midianite camp to you!”
16 Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu, asi mwenje mukati, mumaoko avo.
He divided the three hundred men into three companies. He handed them all trumpets, and empty jars with torches inside them.
17 Akati kwavari, “Mutarise kwandiri uye mutevedzere zvandinoita. Pandinosvika kumucheto kwomusasa, mubve maita sezvandinoita.
“Watch me and follow my example,” he told them. “So when I get to the edge of the camp, do exactly what I do.
18 Kana ini navose vandinavo tikaridza hwamanda dzedu, ipapo imi mose makapoteredza musasa muridzewo dzenyu mugodanidzira muchiti, ‘Rwirai Jehovha naGidheoni!’”
Immediately I and those with me blow the trumpets, then you blow your trumpets from all around the camp, and shout, ‘For the Lord and for Gideon!’”
19 Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo.
Gideon and the hundred men who with him arrived at the edge of the camp around midnight, after the guards were changed. They blew their trumpets and smashed the jars they were holding.
20 Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”
All three companies blew their trumpets and smashed their jars. They held the torches in their left hands and the trumpets in their right hands, and they shouted, “A sword for the Lord and for Gideon!”
21 Murume mumwe nomumwe akaramba ari panzvimbo yake vakapoteredza musasa, vaMidhiani vose vakamhanya vachiridza mhere, vachitiza.
Each man stood in his place encircling the camp, and all the enemy soldiers ran around shouting—then they fled.
22 Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti varume vose mumusasa vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati.
When they blew the three hundred trumpets, the Lord made all the men in the camp attack one other with their swords. The enemy army fled to Beth-shittah near Zererah, all the way to the border of Abel Meholah near Tabbath.
23 VaIsraeri vakadanwa kubva kuNafutari, Asheri neManase yose, uye vakatevera vaMidhiani.
The Israelite soldiers were summoned from Naphtali, Asher, and all of Manasseh, and they chased after the Midianites.
24 Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.” Saka varume vose veEfuremu vakadanwa uye vakatora mvura zhinji dzeJorodhani kusvikira kuBheti Bhara.
Gideon sent messengers through all the hill country of Ephraim saying, “Come and attack the Midianites, and take control of the Jordan fords ahead of them as far as Beth-barah.” So all the men of Ephraim were summoned, and they took control of the Jordan fords as far as Beth-barah.
25 Vakatapawo vatungamiri vaviri vavaMidhiani, Orebhi naZeebhi. Vakauraya Orebhi paruware rwaOrebhi, uye Zeebhi vakamuurayira pachisviniro chewaini chaZeebhi. Vakatevera vaMidhiani uye vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni, akanga ari paJorodhani.
They also captured Oreb and Zeeb, two of the Midianite commanders. They killed Oreb at the rock of Oreb, and Zeeb at the winepress of Zeeb. They continued chasing down the Midianites and brought the heads of Oreb and Zeeb back to Gideon who was on the other side of the Jordan.

< Vatongi 7 >