< Vatongi 6 >

1 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe.
And the children of Israel did that which was evil in the sight of the LORD, and the LORD delivered them into the hand of Midian seven years.
2 Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyirira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare.
And the hand of Midian prevailed against Israel; and because of Midian the children of Israel made for themselves the dens which are in the mountains, and the caves, and the strongholds.
3 VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nyika yavo.
And so it was, when Israel had sown, that Midian, Amalek, and the Kedemites would come up against them.
4 Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro.
And they camped against them, and destroyed the increase of the earth, as far as Gaza, and they left no sustenance in Israel, as well as sheep, or ox, or donkey.
5 Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze.
For they came up with their livestock and their tents and their camels. They would come in like locusts in number, and they were innumerable. And they came into the land to ravage it.
6 VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire.
Israel was brought very low because of Midian; and the children of Israel cried to the LORD.
7 VaIsraeri vakati vachema kuna Jehovha nokuda kwavaMidhiani,
It happened, when the children of Israel cried to the LORD because of Midian,
8 Akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa.
that the LORD sent a prophet to the children of Israel, and he said to them, "Thus says the LORD, the God of Israel, 'I brought you up from the land of Egypt, and brought you forth out of the house of bondage;
9 Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo.
and I delivered you out of the hand of the Egyptians, and out of the hand of all who oppressed you, and drove them out from before you, and gave you their land;
10 Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.”
and I said to you, "I am the LORD your God; you shall not fear the gods of the Amorites, in whose land you dwell." But you have not listened to my voice.'"
11 Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani.
The angel of the LORD came, and sat under the oak which was in Ophrah, that pertained to Joash the Abiezrite: and his son Gideon was beating out wheat in the winepress, to hide it from the Midianites.
12 Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.”
The angel of the LORD appeared to him, and said to him, "The LORD is with you, mighty warrior."
13 Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.”
Gideon said to him, "Oh, my lord, if the LORD is with us, why then has all this happened to us? Where are all his wondrous works which our fathers told us of, saying, 'Didn't the LORD bring us up from Egypt?' But now the LORD has cast us off, and delivered us into the hand of Midian."
14 Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?”
The LORD looked at him, and said, "Go in this strength of yours and save Israel from the hand of Midian. Look, haven't I sent you?"
15 Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.”
He said to him, "O Lord, how shall I save Israel? Look, my family is the poorest in Manasseh, and I am the least in my father's house."
16 Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.”
And the LORD said to him, "Surely I will be with you, and you shall strike the Midianites as one man."
17 Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni.
He said to him, "If now I have found favor in your sight, then show me a sign that it is you who talk with me.
18 Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.”
Please do not go away, until I come to you, and bring out my present, and lay it before you." He said, "I will wait until you come back."
19 Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefa youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki.
Gideon went in, and made ready a kid, and unleavened cakes of an ephah of meal: the meat he put in a basket, and he put the broth in a pot, and brought it out to him under the oak, and presented it.
20 Mutumwa waMwari akati kwaari, “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso, uzviise paruware urwu, uye ugodirapo muto wacho.” Uye Gidheoni akaita saizvozvo.
The angel of God said to him, "Take the meat and the unleavened cakes, and lay them on this rock, and pour out the broth." And he did so.
21 Mutumwa waJehovha akagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika.
Then the angel of the LORD put forth the end of the staff that was in his hand, and touched the flesh and the unleavened cakes; and there went up fire out of the rock, and consumed the flesh and the unleavened cakes; and the angel of the LORD departed out of his sight.
22 Gidheoni akati aziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha, akadanidzira akati, “Maiwe, Ishe Jehovha! Ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso!”
Gideon saw that he was the angel of the LORD; and Gideon said, "Alas, Lord GOD. Because I have seen the angel of the LORD face to face."
23 Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.”
The LORD said to him, "Peace be to you. Do not be afraid. You shall not die."
24 Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumidza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri.
Then Gideon built an altar there to the LORD, and called it "The LORD is Peace." To this day it is still in Ophrah of the Abiezrites.
25 Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi.
It happened the same night, that the LORD said to him, "Take your father's bull, even the second bull seven years old, and tear down the altar of Baal that your father has, and cut down the Asherah that is beside it;
26 Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi. Utore hando yechipiri ugoibayira sechipiriso chinopiswa uchishandisa huni dzedanda raAshera rawakatema.”
and build an altar to the LORD your God on the top of this stronghold, in the orderly manner, and take the second bull, and offer a burnt offering with the wood of the Asherah which you shall cut down."
27 Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati.
Then Gideon took ten men of his servants, and did as the LORD had spoken to him: and it came about, because he feared his father's household and the men of the city, so that he could not do it by day, that he did it by night.
28 Vanhu vomuguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona heyo aritari yaBhaari yakaputswa, nedanda raAshera parutivi rwayo rakatemwa, uye hando yechipiri yakabayirwa paaritari itsva yakanga yavakwa!
When the men of the city arose early in the morning, look, the altar of Baal was broken down, and the Asherah was cut down that was by it, and the second bull was offered on the altar that was built.
29 Vakabvunzana vakati, “Ndianiko aita izvi?” Vakati vanyatsoferefeta, vakaudzwa kuti, “Gidheoni mwanakomana waJoashi ndiye aita izvi.”
And they said to one another, "Who has done this thing?" When they inquired and asked, they said, "Gideon the son of Joash has done this thing."
30 Vanhu vomuguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako. Anofanira kufa, nokuti akaputsa aritari dzaBhaari uye akatema danda raAshera parutivi payo.”
Then the men of the city said to Joash, "Bring out your son, that he may die, because he has broken down the altar of Baal, and because he has cut down the Asherah that was by it."
31 Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.”
Joash said to all who stood against him, "Will you contend for Baal? Or will you save him? He who will contend for him, let him be put to death while it is yet morning: if he is a god, let him contend for himself, because someone has broken down his altar."
32 Saka pazuva iroro vakatumidza Gidheoni zita rokuti, “Jerubhi-Bhaari,” vachiti, “Bhaari ngaarwe naye, nokuti akaputsa aritari yaBhaari.”
Therefore on that day he named him Jerubbaal, saying, "Let Baal contend against him, because he has broken down his altar."
33 Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri.
Then all Midian and Amalek and the Kedemites assembled themselves together; and they crossed over, and camped in the Valley of Jezreel.
34 Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere.
But the Spirit of the LORD came on Gideon; and he blew a trumpet; and Abiezer was gathered together after him.
35 Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwidze kundosangana navo.
He sent messengers throughout all Manasseh; and they also were gathered together after him: and he sent messengers to Asher, and to Zebulun, and to Naphtali; and they came up to meet them.
36 Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa,
Gideon said to God, "If you will save Israel by my hand, as you have spoken,
37 tarirai, ndichaisa chisumbu chewuru paburiro. Kana dova rikava pachisumbu chewuru chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.”
look, I will put a fleece of wool on the threshing floor; if there is dew on the fleece only, and it is dry on all the ground, then shall I know that you will save Israel by my hand, as you have spoken."
38 Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina chisumbu chewuru akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura.
It was so; for he rose up early on the next day, and pressed the fleece together, and wrung the dew out of the fleece, a bowl full of water.
39 Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nechisumbu chewuru. Panguva ino itai kuti chisumbu chewuru chiome asi pasi pose pafukidzwe nedova.”
Gideon said to God, "Do not let your anger be kindled against me, and I will speak but this once. Please let me make one more test with the fleece; let it now be dry only on the fleece, and on all the ground let there be dew."
40 Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Wuru yakanga yakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova.
God did so that night, for it was dry on the fleece only, and there was dew all over the ground.

< Vatongi 6 >