< Vatongi 5 >
1 Nomusi uyo Dhibhora naBharaki mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti:
Amo esohaga, Debola amola Bela: ge (Abinoa: me egefe) da amo gesami hea: i.
2 “Kana machinda aIsraeri achitungamirira, kana vanhu vachizvipira pachavo Jehovha ngaarumbidzwe!”
“Hina Godema nodoma! Isala: ili dunu da gegemusa: dawa: iou, ilia da gegesu hahawane fidimu sia: i.
3 “Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi! Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba; ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.
Dilia hina bagade nabima! Noga: le dawa: ma! Na da ninia Isala: ili Hina Godema gesami hea: mu amola gesami hea: su liligi dumu.
4 “Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri, pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyika yakadengenyeka, matenga akadurura, makore akadurura mvura pasi.
Hina Gode! Di da Sie goumi fisili, amola Idome soge amoga ahoanoba, osobo bagade da fofogolalu yagugui amola gibu da muagadodili sa: i. Dafawane, hano da mu mobi amo ganodini dialu, osobo bagadega sa: i.
5 Makomo akadengenyeka pamberi paJehovha, Iye weSinai, pamberi paJehovha, Mwari weIsraeri.
Sainai Hina Gode da manebeba: le, goumi huluane da fofogoi. Hina Gode! Isala: ili dunu ilia Gode!
6 “Mumazuva aShamugari mwanakomana waAnati, mumazuva aJaeri, migwagwa yakasiyiwa; vafambi vakafamba nenzira dzinopoterera.
Sia: maga (Anade egefe) amola Ya: iele da esalea, dunu amola ga: mele amola bidi lasu dunu da Isala: ili sogega hame misi. Ilia da logo fonobahadi la: ididili asi.
7 Upenyu hwomumisha hwakapera, hwakapera kusvikira ini Dhibhora, ndasimuka, ndasimuka ini mai muIsraeri.
Debola! Isala: ili moilai gilisisu da dunu hame esalebe agoane ba: i. Amalalu, di da misi. Di da Isala: ili fi ilia ame defele misi dagoi.
8 Pavakasarudza vamwari vatsva, hondo yakauya ichibva nokumasuo eguta, uye hakuna nhoo kana pfumo zvakaonekwa pakati pezviuru makumi mana muIsraeri.
Isala: ili dunu da gaheabolo ogogosu ‘gode’ liligi ilima fa: no bobogebeba: le, gegesu bagade ilia soge ganodini ba: i. Isala: ili dunu 40,000 agoane gilisi amo ganodini, lobo danoma: ne gala: su goge agei amola da: igene gaga: su liligi hame ba: i.
9 Mwoyo wangu uri pamachinda eIsraeri, navaya vanozvipira pakati pavanhu. Rumbidzai Jehovha!
Na da Isala: ili ouligisu dunu ilima bagade asigisa. Amola dunu da mae hihini hahawane fidimusa: misi, na da ilima bagade asigisa. Hina Godema nodoma!
10 “Imi munotasva mbongoro chena, mugere pamachira ezvigaro zvenyu, nemi munofamba munzira, cherechedzai
Dilia! Dunu da ahea: iya: i dougi amoga fila heda: su dunu! Amo sia: olelema! Amola dili emoga fawane ahoasu dunu! Dilia sia: ma!
11 inzwi ravaimbi panzvimbo dzemvura. Vanodetemba mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama avarwi vake muIsraeri. “Ipapo vanhu vaJehovha vakaburuka vakaenda kusuo reguta.
Nabima! Dunu bagohame da gu hano amogai gilisili wele sia: nana. Ilia da Hina Gode Ea hasalasu hou amola Isala: ili dunu ilia hasalasu hou olelesa. Amalalu, Hina Gode Ea fi dunu da ilia moilai fisili, mogodigili gudu sa: i.
12 ‘Muka, muka, Dhibhora! Muka, muka, uimbe rwiyo! Simuka, Bharaki! Tapa vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.’
Debola! Bisima! Bisima! Gesami hea: ma! Bisima! Bela: ge, Abinoa: me egefe di! Ba: le gaidi godiwane masa! Dia ha lai dunu di afugili lai, amo oule masa!
13 “Ipapo varume vakanga vasara vakaburuka vakaenda kumakurukota; vanhu vaJehovha vakauya kwandiri navane simba.
Amalalu, fa: no noga: le bobogesu dunu da ilia ouligisu dunuma gagadomusa: gudu sa: i. Ilia da gegemusa: momagele, Hina Godema gilisi.
14 Vamwe vakauya vachibva kwaEfuremu, midzi yavo yakanga iri muna Amareki; Bhenjamini akanga ari pakati pavanhu vakakutevera iwe. Kubva kuna Makiri vatungamiri vakaburuka, kubva kuZebhuruni avo vanotakura tsvimbo yomutungamiri wehondo.
Ilia da Ifala: ime soge fisili, fagoa gudu misi. Ilia da Bediamini fi dunu ilima fa: no bobogei. Dadi gagui ouligisu dunu da Ma: igie soge fisili misi. Amola, ilia fidisu ouligisu dunu da Sebiula: ne sogega misi.
15 Machinda aIsakari akanga ana Dhibhora; hongu Isakari akanga ana Bharaki, vachimhanyira kumupata vachimutevera. Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
Isaga fi ouligisu dunu da Debola amo sigi misi. Dafawane! Isaga fi da misi dagoi. Bela: ge da misiba: le, ilia da ema fa: no bobogele, fagoa gudu doaga: i. Be Liubene fi dunu da afafai. Ilia da misunu o hame misunu, hame dawa: i galu.
16 Seiko wakagara pakati pezvoto kuti unzwe muridzo unoridzirwa matanga emakwai? Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
Ilia da abuliba: le mae misini, sibi ouligima: ne ouesalula: ? Ilia abuliba: le, sibi ouligisu dunu sibima wele sia: su amo nabima: ne, ouesalula: ? Ma! Liubene fi da afafai dagoi ba: i. Ilia da misunu o hame misunu, hame dawa: i galu.
17 Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani. Uye Dhani akasarireiko pazvikepe? Asha akasara zvake pamahombekombe Uye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa.
Ga: de fi dunu da Yodane Hano eso mabe la: ididili esalebe ba: i. Da: ne fi dunu da ilia dusagai ouligima: ne esalebe ba: i. A: sie fi dunu da hano bagade bega: ouesalebe ba: i.
18 Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi; neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda.
Be Sebiula: ne fi dunu amola Na: fadalai dunu da bogosa: besa: le mae dawa: le, gegesu amoga gilisi.
19 “Madzimambo akauya, akarwa; madzimambo eKenani akarwa paTaanaki pamvura zhinji yeMegidho, asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa.
Hina bagade dunu da Da: ina: ge moilai bai bagade, Megido Hano bega: dialu, amoga gegemusa: misi. Ga: ina: ne hina bagade dunu da gegei, be hame hasalasiba: le, silifa noga: i liligi hame gaguli asi.
20 Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa, dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera.
Fedege sia: agoane, gasumuni da muagado asili, amoga gegei. Ilia da hina bagade Sisela ema gegei.
21 Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni. Pfuurira mberi, mweya wangu, simba!
Gaisione Hano da filigala: le neda: le, amo dunu huluane mini asili, gaguli asi. Na da gasawane mogodigili masunu!
22 Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira, kumhanya, kumhanya kwoune simba.
Amalalu, hosi da hehenane misini, osoboga ha: giwane osa: i.
23 Mutumwa waJehovha akati, ‘Tuka Merozi. Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo, nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’
Hina Gode Ea a: igele dunu da amane sia: sa, “Milose soge amo aligima: ne gagabuma. Dunu huluane amogawi esala, amo aligima: ne gagabuma. Ilia da Hina Godemagale gegemusa: hame misi.”
24 “Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru, iye mukadzi waHebheri muKeni, akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende.
Hibe (Ginaide dunu) amo ea uda da hahawane bagade. E da uda huluane abula diasu amo ganodini esalebe uda, amo ilia hahawane hou baligisa.
25 Akakumbira mvura, iye akamupa mukaka; akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota.
Sisela da ema hano edegei. Be e da dodo maga: me ema i. E da gebo sefe gugu, yaeya noga: iwane amo ganodini sali, gaguli misini ema i.
26 Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende, ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi. Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake, akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake.
E da abula diasu goge agei, lobo afae amo ganodini gaguli, hawa: hamosu dunu ea ha: ma, lobo eno amo ganodini gagui. E da Sisela fane, ea dialuma goudai. E da ea dialuma amo abula goge agei amoga soi dagoi.
27 Patsoka dzake, akanyura, akawa; hoyo akatandavarapo. Patsoka dzake akanyura, akawa; paakanyura, ndipo paakawira, akafa.
E da muguni bugili, diasa: ili, amo uda ea emo gadenene osoboga sa: ili, bogoi dagoi.
28 “Napawindo mai vaSisera vakadongorera; vari seri kworutanda, vakadanidzira vachiti, ‘Seiko ngoro yake yanonoka kusvika? Seiko kurira kwengoro dzake kwanonoka?’
Sisela ea ame da fo misa: ne agenesi amoga ba: i. E da ifa gigiadomai hobea: ga gadili ba: lalu. E amane adole ba: i, “Ea sa: liode da abuliba: le hedolo hame maha? Ea hosi da abuliba: le hedolo hame buhagisala: ?”
29 Vakadzi vokwake vakachenjera kukunda vose vanomupindura; zvirokwazvo, anoramba achiti,
Ea bagade dawa: su fidisu uda ilia da ema amane adole i, amola e da hisu hima adole ialala, amane,
30 ‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti, musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete, nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera, nguo dzina mavara dzakarukwa, nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu, zvose izvi zviri zvakapambwa?’
“Ilia da liligi lama: ne amola afafane ima: ne hogolala. Dadi gagui dunu da afae afae a: fini afae o aduna lamu. Sisela da abula ida: iwane lamu. Amola abula ida: iwane amuni liligi, ea uda galogoa gisa: gima: ne, amo lamusa: hogolala.”
31 “Saka vavengi venyu vose ngavaparare, imi Jehovha! Asi vanokudai ngavave sezuva parinobuda nesimba raro.” Ipapo nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.
Hina Gode! Dima ha lai dunu huluane da Sisela ea bogoi defele bogomu da defea. Be Dima dogolegei dunu da eso mabe ea diga: i defele diga: mu da defea.” Amalalu, Isala: ili soge ganodini da ode 40 amoga olofosu fawane ba: i.