< Vatongi 4 >

1 Shure kwokufa kwaEhudhi, vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.
ויספו בני ישראל לעשות הרע בעיני יהוה ואהוד מת׃
2 Saka Jehovha akavatengesa mumaoko aJabhini, mambo weKenani, aitonga ari muHazori. Mukuru wehondo yake akanga ari Sisera, uyo aigara muHarosheti Hagoyimi.
וימכרם יהוה ביד יבין מלך כנען אשר מלך בחצור ושר צבאו סיסרא והוא יושב בחרשת הגוים׃
3 Nokuda kwokuti akanga ane ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe uye akadzvinyirira vaIsraeri zvakaipisisa kwazvo kwamakore makumi maviri, vakachemera rubatsiro kuna Jehovha.
ויצעקו בני ישראל אל יהוה כי תשע מאות רכב ברזל לו והוא לחץ את בני ישראל בחזקה עשרים שנה׃
4 Dhibhora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, akanga achitungamirira vaIsraeri panguva iyoyo.
ודבורה אשה נביאה אשת לפידות היא שפטה את ישראל בעת ההיא׃
5 Aitonga mhaka ari pasi poMuchindwe waDhibhora pakati peRama neBheteri munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vaiuya kwaari kuzotongerwa mhosva dzavo.
והיא יושבת תחת תמר דבורה בין הרמה ובין בית אל בהר אפרים ויעלו אליה בני ישראל למשפט׃
6 Akatuma shoko kuna Bharaki mwanakomana waAbhinoami aibva kuKadheshi muNafutari akati kwaari, “Jehovha, Mwari waIsraeri anokurayira kuti, ‘Enda undotora zviuru gumi zvavarume veNafutari neveZebhuruni ugovatungamirira kuGomo reTabhori.
ותשלח ותקרא לברק בן אבינעם מקדש נפתלי ותאמר אליו הלא צוה יהוה אלהי ישראל לך ומשכת בהר תבור ולקחת עמך עשרת אלפים איש מבני נפתלי ומבני זבלון׃
7 Ndichakwezva Sisera, mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake uye namauto ake kuRwizi rweKishoni ndigomuisa mumaoko ako.’”
ומשכתי אליך אל נחל קישון את סיסרא שר צבא יבין ואת רכבו ואת המונו ונתתיהו בידך׃
8 Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda; asi kana musingaendi neni, neni handingaendi.”
ויאמר אליה ברק אם תלכי עמי והלכתי ואם לא תלכי עמי לא אלך׃
9 Dhibhora akati, “Zvakanaka hazvo, ndichaenda newe. Asi nokuda kwenzira yauri kuda kuita nayo izvi, kukudzwa hakungavi kwako, nokuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwomukadzi.” Saka Dhibhora akaenda naBharaki kuKadheshi,
ותאמר הלך אלך עמך אפס כי לא תהיה תפארתך על הדרך אשר אתה הולך כי ביד אשה ימכר יהוה את סיסרא ותקם דבורה ותלך עם ברק קדשה׃
10 uko kwaakandodana Zebhuruni naNafutari. Varume zviuru gumi vakamutevera, naDhibhorawo akaenda navo.
ויזעק ברק את זבולן ואת נפתלי קדשה ויעל ברגליו עשרת אלפי איש ותעל עמו דבורה׃
11 Zvino Hebheri muKeni akanga asiya vamwe vaKeni, zvizvarwa zvaHobhabhi, hanzvadzi yomukadzi waMozisi akandodzika tende rake pamuti mukuru muZaananimi pedyo neKadheshi.
וחבר הקיני נפרד מקין מבני חבב חתן משה ויט אהלו עד אלון בצענים אשר את קדש׃
12 Vakati vaudza Sisera kuti Bharaki mwanakomana waAbhinoami akanga akwidza kuGomo reTabhori,
ויגדו לסיסרא כי עלה ברק בן אבינעם הר תבור׃
13 Sisera akaunganidza pamwe chete ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe navarume vose vaaiva navo, kubva kuHarosheti Hagoyimi kusvikira kuRwizi rweKishoni.
ויזעק סיסרא את כל רכבו תשע מאות רכב ברזל ואת כל העם אשר אתו מחרשת הגוים אל נחל קישון׃
14 Ipapo Dhibhora akati kuna Bharaki, “Enda! Iri ndiro zuva rapiwa Sisera mumaoko ako naJehovha. Ko, Jehovha haasi mberi kwako here?” Saka Bharaki akaburuka muGomo reTabhori, achiteverwa navarume zviuru gumi.
ותאמר דברה אל ברק קום כי זה היום אשר נתן יהוה את סיסרא בידך הלא יהוה יצא לפניך וירד ברק מהר תבור ועשרת אלפים איש אחריו׃
15 Pakungofamba kwaBharaki, Jehovha akakunda nomunondo Sisera nengoro dzake dzose nehondo yake, uye Sisera akasiya ngoro yake akatiza netsoka.
ויהם יהוה את סיסרא ואת כל הרכב ואת כל המחנה לפי חרב לפני ברק וירד סיסרא מעל המרכבה וינס ברגליו׃
16 Asi Bharati akatevera ngoro nehondo yaSisera akandosvika kuHarosheti Hagoyimi. Mauto ose aSisera akaurayiwa nomunondo; hapana munhu akasara.
וברק רדף אחרי הרכב ואחרי המחנה עד חרשת הגוים ויפל כל מחנה סיסרא לפי חרב לא נשאר עד אחד׃
17 Kunyange zvakadaro hazvo, Sisera akatiza netsoka akaenda kutende raJaeri, mukadzi waHebheri muKeni, nokuti pakati paJabhini mambo weHazori nemhuri yaHebheri pakanga pane kunzwanana.
וסיסרא נס ברגליו אל אהל יעל אשת חבר הקיני כי שלום בין יבין מלך חצור ובין בית חבר הקיני׃
18 Jaeri akabuda kuti andosangana naSisera akati kwaari, “Uyai ishe wangu, pindai zvenyu mukati chaimo. Musatya.” Saka akapinda mutende rake, uye akaisa chifukidzo pamusoro pake.
ותצא יעל לקראת סיסרא ותאמר אליו סורה אדני סורה אלי אל תירא ויסר אליה האהלה ותכסהו בשמיכה׃
19 Akati, “Ndine nyota. Ndapota, ndipeiwo mvura.” Akadziura guchu romukaka, akamupa kuti anwe, ndokubva amufukidza hake.
ויאמר אליה השקיני נא מעט מים כי צמאתי ותפתח את נאוד החלב ותשקהו ותכסהו׃
20 Akatizve kwaari, “Mira pamukova wetende. Kana mumwe munhu akauya pano akakubvunza achiti, ‘Pano munhu here pano?’ uti, ‘Kwete.’”
ויאמר אליה עמד פתח האהל והיה אם איש יבוא ושאלך ואמר היש פה איש ואמרת אין׃
21 Asi Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende nenyundo akaenda paari chinyararire, iye akafa nehope, aneta. Akaroverera mbambo napachavovo, ikanyura muvhu, akafa.
ותקח יעל אשת חבר את יתד האהל ותשם את המקבת בידה ותבוא אליו בלאט ותתקע את היתד ברקתו ותצנח בארץ והוא נרדם ויעף וימת׃
22 Bharaki akasvika achitevera Sisera, uye Jaeri akabuda kundomuchingamidza, achiti, “Uyai, ndizokuratidzai munhu wamuri kutsvaka.” Saka akapinda naye mukati, onei hoyo Sisera avete uye mbambo yetende iri muchavovo chake, afa.
והנה ברק רדף את סיסרא ותצא יעל לקראתו ותאמר לו לך ואראך את האיש אשר אתה מבקש ויבא אליה והנה סיסרא נפל מת והיתד ברקתו׃
23 Pazuva iro, Mwari akakunda Jabhini, mambo wavaKenani, pamberi pavaIsraeri.
ויכנע אלהים ביום ההוא את יבין מלך כנען לפני בני ישראל׃
24 Uye ruoko rwavaIsraeri rwakaramba ruchiwedzera simba pakurwisa Jabhini, mambo wavaKenani kusvikira vamuparadza.
ותלך יד בני ישראל הלוך וקשה על יבין מלך כנען עד אשר הכריתו את יבין מלך כנען׃

< Vatongi 4 >