< Vatongi 21 >
1 Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko paMizipa vachiti: “Hapana mumwe wedu acharoodza mwanasikana wake kumuBhenjamini.”
Jo-Israel nosekwongʼore e piny Mizpa niya, “Onge kata achiel kuomwa mabiro chiwo nyare mondo okendi gi ja-Benjamin.”
2 Vanhu vakaenda kuBheteri, uko kwavakagara pamberi paMwari kusvikira madekwana, vachisimudza manzwi avo uye vachichema zvikuru.
Ji nodhi Bethel, kama ne gibetie e nyim Nyasaye nyaka odhiambo, ka gitingʼo dwondgi kendo ka giywak malit.
3 Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?”
Ne giywak niya, “Yaye Jehova Nyasaye, ma Nyasach Israel, angʼo momiyo ma osetimore ne Israel? Angʼo ma omiyo dhoot achiel nyalo lal e Israel kawuono?”
4 Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu vakavaka aritari vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.
Kinyne gokinyi ji nogero kendo mar misango ma gichiwo misango miwangʼo pep kod misango mar lalruok.
5 Ipapo vaIsraeri vakabvunza vakati, “Ndianiko kubva kumarudzi ose aIsraeri akatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha?” Nokuti vakanga vaita mhiko kuti ani zvake anotadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa anofanira kuurayiwa zvirokwazvo.
Eka jo-Israel nopenjo niya, “En dhoot mane e kind dhout Israel duto mapok ochokore e nyim Jehova Nyasaye?” Nimar ne gisekwongʼore ni dhoot moro amora ma ok ochokore e piny Mizpa e nyim Jehova Nyasaye nyaka negi.
6 Zvino vaIsraeri vakasuwa nokuda kwehama dzavo, vaBhenjamini. Vakati, “Nhasi rumwe rudzi rwabviswa pana Israeri.
Koro jo-Israel ne nigi kuyo nikech owetegi, ma jo-Benjamin. Negiwacho niya, “Kawuononi dhood Israel achiel olal.
7 Tichapa seiko vakadzi kuna avo vakasara, sezvo takapika kuna Jehovha kuti tirege kupa upi zvake wavanasikana vedu kuti awanikwe navo.”
Ere kaka wanyalo miyo jogo modongʼ mon, nimar wasekwongʼore e nyim Jehova Nyasaye ni ok wanamigi nyiwa mondo gikendi?”
8 Ipapo vakabvunza vakati, “Ndavapiko pamarudzi aIsraeri vakatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa?” Vakawana kuti kwakanga kusina munhu aibva kuJabheshi Gireadhi akanga auya kumusasa kuungano.
Eka negipenjo niya, “En dhoot Israel mane mane ok ochokore e piny Mizpa e nyim Jehova Nyasaye?” Negifwenyo ni onge ngʼama noa Jabesh Gilead manobiro mochokore e chokruokno.
9 Nokuti vakati vaverenga vanhu, vakaona kuti kwakanga kusina munhu weJabheshi Gireadhi akanga aripo.
Nimar kane gikwano ji, negiyudo ni onge ngʼama noa jo-Jabesh Gilead.
10 Saka ungano yakatuma varume vehondo zviuru gumi nezviviri vakavarayira kuti vaende kuJabheshi Gireadhi vandouraya nomunondo vanhu vaigarako, kusanganisira vakadzi navana.
Eka chokruokno nomiyo jolweny alufu apar gariyo chik mondo gidhi Jabesh Gilead kendo gineg joma odak kanyo machwo, kaachiel gi mon gi nyithindo.
11 Vakati, “Hezvi zvamunofanira kuita: Urayai murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe asiri mhandara.”
Negiwacho niya, “Ma e gima onego utim. Neg dichwo moro amora to gi nyako moro amora mosengʼeyo dichwo.”
12 Vakawana pakati pavanhu vaigara muJabheshi Gireadhi mhandara mazana mana vakanga vasina kumbovata navarume, vakaenda navo kumusasa paShiro muKenani.
Kuom joma nodak Jabesh Gilead negiyudo nyiri mia angʼwen mapok ongʼeyo chwo kendo negiterogi e kambi mar Shilo man Kanaan.
13 Ipapo ungano yose yakatuma nhume neshoko rorugare kuvaBhenjamini paruware rweRimoni.
Eka oganda mane ochokore duto nooro chiwo mar kwe ne jo-Benjamin e lwanda mar Rimon.
14 Saka vaBhenjamini vakadzoka panguva iyoyo vakapiwa vakadzi veJabheshi Gireadhi vakanga vasara. Asi vakanga vasina kuvakwanira vose.
Omiyo jo-Benjamin noduogo e sechego kendo nomigi mond jo-Jabesh Gilead mane odongʼ. To mon-go ne ok nyal romogi duto.
15 Vanhu vakasuwa nokuda kweBhenjamini, nokuti Jehovha akanga aisa mukaha mumarudzi avaIsraeri.
Ji nokuyo nikech Jehova Nyasaye nomiyo dhood Benjamin olal e kind dhout Israel.
16 Uye vakuru veungano vakati, “Sezvo vakadzi veBhenjamini vakaparadzwa, tichawanira seiko varume vakasara vakadzi?”
Kendo jodong ogandano nowacho niya, “Ka oseneg mond Benjamin, ere kaka wabiro miyo jogi mane otony mon?”
17 Vakati, “VaBhenjamini vakasara vanofanira kuva navadyi venhaka kuitira kuti rudzi rwaIsraeri rurege kurova.
Negiwacho niya, “Jo-Benjamin mane otony nyaka bed gi nyithindo mabiro chamo mwandugi mondo omi dhood Israel kik tieki.
18 Hatigoni kuvapa vanasikana vedu kuti vave vakadzi vavo sezvo isu vaIsraeri takapika tichiti, ‘Ngaatukwe munhu anopa mukadzi kumuBhenjamini.’
Ok wanyal miyogi nyiwa obed mondegi, nimar wan jo-Israel wasekwongʼore kama: ‘Okwongʼ ngʼatno mochiwo nyare mondo okend gi ja-Benjamin.’
19 Asi tarirai, kune mutambo waJehovha wegore negore paShiro, nechokumusoro kweBheteri, kumabvazuva omugwagwa unobva kuBheteri uchienda kuShekemu, nezasi kweRebhona.”
To neuru, nitiere nyasi mar higa ka higa mar Jehova Nyasaye e Shilo, man yo nyandwat mar Bethel, kod yo wuok chiengʼ mar yo madhi Shekem, kochomo yo milambo mar Lebona.”
20 Saka vakarayira vaBhenjamini vakati, “Endai mundovanda muminda yemizambiringa
Omiyo negimiyo jo-Benjamin chik, kagiwacho niya, “Dhiuru kendo upondi e puothe mzabibu
21 uye mutarire. Vasikana veShiro pavanobuda kuti vandotamba navamwe, ipapo mumhanye muchibva muminda yemizambiringa mumwe nomumwe wenyu azvitorere mukadzi kubva kuvasikana veShiro mugoenda henyu kunyika yavaBhenjamini.
kendo uritane. Ka nyiri moa Shilo owuok oko mondo gibi e nyasi, to ringuru uwuogi mapiyo kua e puothe mzabibu mondo ngʼato ka ngʼato oyud dhako kuom nyirigo mondo udog-go e piny jo-Benjamin.
22 Madzibaba avo kana hanzvadzi dzavo pavanouya kuzomhanʼara kwatiri, isu tichati kwavari, ‘Tiitirei henyu zvakanaka nokuvabatsira, nokuti hatina kuvawanira vakadzi panguva yehondo, uye imi hamuna mhosva, sezvo musina kupa vanasikana venyu kwavari.’”
Ka wuonegi kata owetegi obiro donjo irwa, to wabiro wachonegi ni, ‘Timnwa ngʼwono kuom konyogi, nikech ne ok wayudonegi mon e kinde mag lweny, kendo un uonge gi wach, nikech un ne ok umiyogi nyiu.’”
23 Saka ndizvo zvakaitwa navaBhenjamini. Vasikana vachiri kutamba, murume mumwe nomumwe akabata musikana ndokuenda naye kuti ave mukadzi wake. Ipapo vakadzokera kunhaka yavo uye vakavakazve maguta vakagara maari.
Omiyo mano e gima ne jo-Benjamin notimo. Ka nyirigo ne miel, ngʼato ka ngʼato nomako nyako achiel kuom nyirigo moloko chiege modhigo dala. Bangʼe negidwogo e lopgi mi gigero mier kanyo midakie.
24 Panguva iyoyo vaIsraeri vakabva panzvimbo iyo vakaenda kumusha kumarudzi avo nokudzimba dzavo, mumwe nomumwe kunhaka yake pachake.
E sechego jo-Israel nowuok kanyo ma gidok e miechgi kendo e dhoutgi ka ngʼato ka ngʼato dok e lope owuon.
25 Mumazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; mumwe nomumwe aiita zvaaifunga kuti zvakanaka.
E kindeno Israel ne onge ruoth; kendo ngʼato ka ngʼato ne timo kaka ohero.