< Vatongi 17 >

1 Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu
A man named Micah from the hill country of Ephraim
2 akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chete akatorwa kubva kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!”
told his mother, “Those eleven hundred shekels of silver that were stolen from you and that I heard you curse—I've got the silver. I was the one who took it.” Then his mother said, “My son, the Lord bless you!”
3 Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.”
He gave back to his mother the eleven hundred shekels of silver. His mother announced, “I'm completely dedicating this money to the Lord. I'm handing it over to my son to have an idol carved, an image made with molten silver. So now I return it to you.”
4 Saka akadzosera sirivha kuna mai vake, uye mai vake vakatora mazana maviri amashekeri esirivha vakaapa kumupfuri wesirivha, akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa. Uye zvakaiswa mumba maMika.
After he'd returned the silver to his mother she gave two hundred shekels to a silversmith who made it into a carved idol, an image made with molten silver. They were kept in Micah's house.
5 Zvino murume uyu Mika, akanga ane imba yavamwari, uye akaita efodhi nezvimwe zvifananidzo uye akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake.
Micah had built a shrine for the idol. He also made an ephod and some household gods, and ordained one of his sons as his priest.
6 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira.
At that time Israel didn't have a king— everyone did what they themselves thought was the right thing to do.
7 Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha,
One young man, a Levite from the tribe of Judah had been living in Bethlehem in Judah,
8 akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu.
left Bethlehem to look for a different place to live. As he traveled through the hill country of Ephraim, he came to Micah's house.
9 Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?” Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.”
“Where are you from?” Micah asked him. “I'm a Levite from Bethlehem in Judah,” the man replied. “I'm looking for a place to live.”
10 Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumi pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.”
“Come and stay here with me. You can be my ‘father’ and priest, and I'll give you ten shekels of silver a year, plus your clothes and food.” So the Levite went inside
11 Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake.
and agreed to stay with him. The young man became like a son to him.
12 Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make.
Micah ordained the Levite as his own priest and he lived in Micah's house.
13 Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.”
“I'm sure the Lord will bless me now, because I have a Levite as my priest,” Micah concluded.

< Vatongi 17 >