< Vatongi 17 >
1 Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu
厄弗辣因山地有一個人,名叫米加,
2 akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chete akatorwa kubva kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!”
他對自己的母親說:「有人拿去你那一千一百銀錢,對這事你曾起過誓,我也親自聽見你說:我要親手把這項銀錢奉獻給上主,為我兒做一尊神像。看,銀錢在這裏,是握拿了;如今還給你! 」
3 Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.”
他的母親就說:「願我兒蒙上主祝福! 」於是米加就把一千一百銀錢還給他的母親。
4 Saka akadzosera sirivha kuna mai vake, uye mai vake vakatora mazana maviri amashekeri esirivha vakaapa kumupfuri wesirivha, akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa. Uye zvakaiswa mumba maMika.
當他把銀錢還給他的母親以後,她的母親便拿出兩百銀子給了銀匠,請他製造一尊神像,安放在米加的家裏。
5 Zvino murume uyu Mika, akanga ane imba yavamwari, uye akaita efodhi nezvimwe zvifananidzo uye akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake.
於是米加為這尊神像蓋了一座神廟。又做了「厄弗得」和「忒辣芬,」委派自己的一個兒子充任司祭。
6 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira.
當時在以色列沒有君王,各人任意行事。米加收肋未為司祭
7 Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha,
當時有一個少年,他是個肋未人,從猷大白冷,即從猷大支派來到那裏作客。
8 akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu.
這人離開猷大白冷,想找一個可寄居的地方;當他旅行的時候,來到厄弗辣因山地,米加的家旁,
9 Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?” Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.”
米加問他說:「你從那裏來﹖」他回答說:「我是個肋未人,由猷大白冷來,想找一個可寄居的地方。」
10 Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumi pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.”
米加就對他說:「你住在我這裏罷! 作我的師傅和司祭,我每年給你十塊銀錢,還照管你的吃穿。」米加挽留那肋未人,
11 Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake.
他遂同意住在米加那裏,他看待這少年好似自己的兒子。
12 Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make.
米加又委任了這肋未人,這人遂作了他的司祭,住在米加家中。
13 Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.”
於是米加說:「如今我知道上主必施恩於我,因為有位肋未人作了我的司祭。」