< Vatongi 15 >
1 Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda.
And it came to pass after some time, in the time of wheat-harvest, that Samson visited his wife with a kid; and he said, Let me go in to my wife into the chamber; but her father would not suffer him to go in.
2 Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, mununʼuna wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora iye panzvimbo yake.”
And her father said, I verily thought that thou didst utterly hate her; therefore I gave her to thy companion: is not her younger sister fairer than she? Let her be thine, I pray thee, instead of her.
3 Samusoni akati kwaari, “Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa chaizvo.”
And Samson said to them, Now shall I be more blameless than the Philistines, though I do them evil.
4 Saka akabuda akandobata makava mazana matatu akaasunganidza miswe yawo achiita maviri maviri. Ipapo akaisa zhenje pakati pemiswe miviri miviri yacho.
And Samson went and caught three hundred foxes, and took torches, and turned tail to tail, and put one torch between two tails in the midst;
5 Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
And he set the torches on fire, and let them go into the standing corn of the Philistines, and burnt up both shocks and standing corn, as also olive-yards.
6 VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.” Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa.
Then said the Philistines, Who hath done this! And they answered, Samson, the son-in-law of the Thimnite, because he hath taken his wife, and given her to his companion. And the Philistines went up, and burnt her and her father with fire.
7 Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.”
And Samson said unto them, Since ye will do the like of this, I will surely be avenged on you, and after that will I cease.
8 Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami.
And he smote them hip and thigh with a great slaughter; and he went down and tarried in the cleft of the rock 'Etam.
9 VaFiristia vakakwidza vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi.
And the Philistines went up, and encamped in Judah, and spread themselves in Lechi.
10 Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?” Ivo vakapindura vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.”
And the men of Judah said, Why are ye come up against us? And they answered, To bind Samson are we come up, to do to him as he hath done to us.
11 Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?” Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.”
Thereupon went three thousand men of Judah down to the cleft of the rock 'Etam, and said to Samson, Knowest thou not that the Philistines rule over us? and what is this that thou hast done unto us? And he said unto them, As they did unto me, so have I done unto them.
12 Ivo vakati kwaari, “Tauya kuzokusunga kuti tikuise kuvaFiristia.” Samusoni akati, “Pikai kwandiri kuti imi hamundiurayi pachenyu.”
And they said unto him, To bind thee are we come down, to deliver thee into the hand of the Philistines. And Samson said unto them, Swear unto me, that ye will not assail me yourselves.
13 Ivo vakati, “Hongu, isu tichangokusunga bedzi tigokuisa mumaoko avo. Hatikuurayi isu.” Saka vakamusunga namabote matsva maviri vakamutungamirira kuruware.
And they said unto him, thus, No; for we will [only] bind thee fast, and deliver thee into their hand; but we will in no-wise kill thee. And they bound him with two new cords, and brought him up from the rock.
14 Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake.
When he was come unto Lechi, the Philistines shouted against him; but the Spirit of the Lord came suddenly over him, and the cords that were upon his arms became as flax threads that are burnt with fire, and his bands melted from off his hands.
15 Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru.
And he found a fresh jaw-bone of an ass, and put forth his hand, and took it, and smote therewith a thousand men.
16 Ipapo Samusoni akati, “Norushaya rwembongoro ndavaita mbongoro. Norushaya rwembongoro ndauraya varume chiuru.”
And Samson said, With a jaw-bone of an ass, heaps upon heaps, with the jaw-bone of an ass have I smitten a thousand men.
17 Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo iyoyo ikanzi Ramati Rehi.
And it came to pass, when he had made an end of speaking, that he cast away the jaw-bone out of his hand, and called that place Ramath-lechi.
18 Nokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?”
And he became very thirsty, and he called on the Lord, and said, Thou hast granted through the hand of thy servant this great deliverance; and now shall I die for thirst, and fall into the hand of the uncircumcised?
19 Ipapo Mwari akazarura mukaha muRehi, mvura ikabuda mauri. Samusoni akati anwa, simba rake rakadzoka maari uye akamutsiridzwazve. Saka tsime iro rakanzi Eni Hakore, uye richirimo muRehi.
But God clave a hollow place that was at Lechi, and there came forth water out of it; and he drank, and his spirit came again, and he revived; wherefore he called the name thereof 'En-hakkore, which is in Lechi unto this day.
20 Samusoni akatungamirira vaIsraeri kwamakore makumi maviri mumazuva avaFiristia.
And he judged Israel in the days of the Philistines twenty years.