< Vatongi 14 >

1 Samusoni akaburuka akaenda kuTimina akandoona ikoko mukadzi muduku wechiFiristia.
And Samson went down to Timnah, and saw a woman in Timnah of the daughters of the Philistines.
2 Akati adzoka, akasvikoti kuna baba namai vake, “Ndaona mukadzi wechiFiristia muTimina; zvino nditorerei kuti ave mukadzi wangu.”
And he came up, and told his father and his mother, and said, I have seen a woman in Timnah of the daughters of the Philistines. Now therefore get her for me to wife.
3 Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora mukadzi?” Asi Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye. Ndiye akanaka kwandiri.”
Then his father and his mother said to him, Is there never a woman among the daughters of thy brothers, or among all my people, that thou go to take a wife of the uncircumcised Philistines? And Samson said to his father, Get her for me, for she pleases me well.
4 (Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.)
But his father and his mother knew not that it was of Jehovah, for he sought an occasion against the Philistines. Now at that time the Philistines had rule over Israel.
5 Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba.
Then Samson went down, and his father and his mother, to Timnah, and came to the vineyards of Timnah. And, behold, a young lion roared against him.
6 Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana.
And the Spirit of Jehovah came mightily upon him, and he tore him apart as he would have torn a kid, and he had nothing in his hand. But he did not tell his father or his mother what he had done.
7 Ipapo akaburuka akandotaura nomukadzi, uye aimuda.
And he went down, and talked with the woman, and she pleased Samson well.
8 Mushure menguva yakati kuti, paakadzokera kundomuroora, akatsauka kundoona mutumbi weshumba. Mukati macho makanga mava nebumha renyuchi nouchi,
And after a while he returned to take her. And he turned aside to see the carcass of the lion, and, behold, there was a swarm of bees in the body of the lion, and honey.
9 akahubura namaoko ake akadya achifamba. Akati asvika kuvabereki vake akavapa humwe vakadyawo naivo. Asi haana kuvaudza kuti akanga atora uchi mumutumbi weshumba.
And he took it into his hands, and went on, eating as he went. And he came to his father and mother, and gave to them, and they ate, but he did not tell them that he had taken the honey out of the body of the lion.
10 Zvino baba vake vakaburuka kundoona mukadzi uya. Uye Samusoni akaita mutambo ikoko, setsika yaiitwa nezvikomba.
And his father went down to the woman, and Samson made a feast there, for so the young men used to do.
11 Paakasvika, akapiwa shamwari makumi matatu.
And it came to pass, when they saw him, that they brought thirty companions to be with him.
12 Samusoni akati kwavari, “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukagona kuchidudzira mukati mamazuva manomwe omutambo, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzinosvika makumi matatu nehanzu makumi matatu.
And Samson said to them, Let me now put forth a riddle to you. If ye can declare it to me within the seven days of the feast, and find it out, then I will give you thirty linen garments and thirty changes of raiment,
13 Kana musingagoni kudzidudzira, imi munofanira kundipa nguo dzomucheka makumi matatu namakumi matatu ehanzu.” Ivo vakati, “Tiudze chirahwe chako. Rega tichinzwe.”
but if ye cannot declare it to me, then ye shall give me thirty linen garments and thirty changes of raiment. And they said to him, Put forth thy riddle, that we may hear it.
14 Akapindura akati, “Kumudyi kwakabuda chokudya; kubva kune chine simba kwakabuda zvinotapira.” Havana kugona kupa mhinduro kwamazuva matatu.
And he said to them, Out of the eater came forth food, and out of the strong came forth sweetness. And they could not in three days declare the riddle.
15 Pazuva rechina, vakati kumukadzi waSamusoni, “Nyengetedza murume wako kuti atsanangure chirahwe kuti tiregere kukupisai mukafa iwe neveimba yababa vako. Munotikoka pano kuzotibira nhai?”
And it came to pass on the seventh day, that they said to Samson's wife, Entice thy husband, that he may declare to us the riddle, lest we burn thee and thy father's house with fire. Have ye called us to impoverish us? Is it not so?
16 Ipapo mukadzi waSamusoni akazviwisira paari, achichema akati, “Unondivenga iwe! Haundidi chaizvo izvo. Wakapa vanhu vokwangu chirahwe, asi hauna kundiudza dudziro yacho.” Akapindura akati, “Handina kutongochitsanangurira baba vangu kana mai vangu, saka ndingachitsanangura seiko kwauri?”
And Samson's wife wept before him, and said, Thou do but hate me, and not love me. Thou have put forth a riddle to the sons of my people, and have not told it to me. And he said to her, Behold, I have not told it to my father nor my mother, and shall I tell thee?
17 Akachema kwamazuva manomwe ose omutambo. Saka akapedzisira amuudza pazuva rechinomwe, nokuti akaramba achingomumanikidza. Iye akabva azotsanangurira vanhu vake chirahwe.
And she wept before him the seven days, while their feast lasted. And it came to pass on the seventh day, that he told her because she pressed him greatly. And she told the riddle to the sons of her people.
18 Pazuva rechinomwe, zuva risati radoka, varume vomuguta vakati kwaari, “Chiiko chinotapira souchi? Chiiko chine simba seshumba?” Samusoni akati kwavari, “Dai manga musina kurima netsiru rangu, mungadai musina kugona kududzira chirahwe changu.”
And the men of the city said to him on the seventh day before the sun went down, What is sweeter than honey? and what is stronger than a lion? And he said to them, If ye had not plowed with my heifer, ye would not have found out my riddle.
19 Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba. Akaburuka akaenda kuAshikeroni, akandouraya varume makumi matatu, akakutunura zvinhu zvavo akapa nguo dzavo kuna avo vakadudzira chirahwe. Akatsamwa kwazvo akaenda kumba kwababa vake.
And the Spirit of Jehovah came mightily upon him, and he went down to Ashkelon, and smote thirty men of them, and took their spoil, and gave the changes of raiment to those who declared the riddle. And his anger was kindled, and he went up to his father's house.
20 Uye mukadzi waSamusoni akapiwa kushamwari yakanga yamuperekedza pasvitsa.
But Samson's wife was given to his companion, whom he had used as his friend.

< Vatongi 14 >