< Vatongi 12 >
1 Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani vakandoti kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.”
Les hommes d'Éphraïm se rassemblèrent et passèrent au nord. Ils dirent à Jephté: « Pourquoi es-tu passé pour combattre les enfants d'Ammon, et ne nous as-tu pas appelés pour t'accompagner? Nous allons brûler par le feu ta maison autour de toi! ».
2 Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakurwisana kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo.
Jephté leur dit: « Moi et mon peuple, nous étions en grande querelle avec les fils d'Ammon; et quand je vous ai appelés, vous ne m'avez pas sauvé de leur main.
3 Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?”
Quand j'ai vu que vous ne me sauviez pas, j'ai pris ma vie en main, j'ai passé contre les fils d'Ammon, et Yahvé les a livrés entre mes mains. Pourquoi donc êtes-vous venus aujourd'hui jusqu'à moi, pour me combattre? »
4 Ipapo Jefuta akaunganidza varume veGireadhi akarwa neEfuremu. VaGireadhi vakavauraya nokuti vaEfuremu vakanga vati, “Imi vaGireadhi muri vanhu vakatiza kubva kuna Efuremu naManase.”
Alors Jephté rassembla tous les hommes de Galaad, et il combattit Éphraïm. Les hommes de Galaad frappèrent Éphraïm, car ils disaient: « Vous êtes des fugitifs d'Éphraïm, Galaadites, au milieu d'Éphraïm et au milieu de Manassé. »
5 VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,”
Les Galaadites prirent les gués du Jourdain contre les Ephraïmites. Chaque fois qu'un fugitif d'Ephraïm disait: « Laisse-moi passer », les hommes de Galaad lui disaient: « Es-tu Ephraïmite? » S'il répondait: « Non »;
6 vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo.
alors ils lui disaient: « Maintenant, dis « Shibboleth »; » et il répondait « Sibboleth », car il ne parvenait pas à le prononcer correctement, alors ils le saisissaient et le tuaient aux gués du Jourdain. A ce moment-là, quarante-deux mille Ephraïm tombèrent.
7 Jefuta akatungamirira vaIsraeri kwamakore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, uye akavigwa muguta riri muGireadhi.
Jephthé fut juge en Israël pendant six ans. Puis Jephté, le Galaadite, mourut et fut enterré dans les villes de Galaad.
8 Shure kwake, Ibhizani weBheterehema akatungamirira Israeri.
Après lui, Ibzan, de Bethléem, fut juge en Israël.
9 Akanga ana vanakomana makumi matatu uye vanasikana makumi matatu. Akawanisa vanasikana vake kuvanhu vakanga vasiri vorudzi rwake, uye akavigira vanakomana vake vanasikana vakanga vasiri vorudzi rwake makumi matatu kuti vave vakadzi vavo. Ibhizani akatungamirira Israeri kwamakore manomwe.
Il avait trente fils. Il envoya ses trente filles hors de son clan et il fit venir trente filles hors de son clan pour ses fils. Il fut juge en Israël pendant sept ans.
10 Ipapo Ibhizani akafa, uye akavigwa muBheterehema.
Ibzan mourut et fut enterré à Bethléem.
11 Shure kwake, Eroni muZebhuruni akatungamirira vaIsraeri kwamakore gumi.
Après lui, Elon, le Zabulonite, fut juge en Israël; il fut juge en Israël pendant dix ans.
12 Ipapo Eroni akafa, uye akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuruni.
Elon, le Zabulonite, mourut et fut enterré à Ajalon, dans le pays de Zabulon.
13 Shure kwake, Abhudhoni mwanakomana waHireri aibva kuPiratoni, akatungamirira Israeri.
Après lui, Abdon, fils de Hillel, le Pirathonien, fut juge en Israël.
14 Akanga ana vanakomana makumi mana uye vazukuru makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi manomwe. Akatungamirira vaIsraeri kwamakore masere.
Il avait quarante fils et trente fils de fils qui montaient sur soixante-dix ânes. Il fut juge en Israël pendant huit ans.
15 Ipapo Abhudhoni mwanakomana waHireri akafa, uye akavigwa paPiratoni muEfuremu, munyika yezvikomo yavaAmareki.
Abdon, fils de Hillel, le Pirathonien, mourut et fut enterré à Pirathon, au pays d'Ephraïm, dans la montagne des Amalécites.