< Vatongi 10 >

1 Shure kwenguva yaAbhimereki murume weIsraeri, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, akasimuka kuti aponese Israeri. Akanga achigara muShamiri munyika yezvikomo yeEfuremu.
Abimelek hnukkhu Isarelnaw ka rungngang hanlah Issakhar miphun thung e Dodo capa, Puah capa Tola a tâco teh Ephraim mon Shamir vah ao.
2 Akatungamirira Israeri kwamakore makumi maviri namatatu, ipapo akafa, uye akavigwa muShamiri.
Kum 23 touh thung Isarelnaw a uk teh, hat hnukkhu hoi a due. Shamir vah a pakawp awh.
3 Akazoteverwa naJairi muGireadhi, uyo akatungamirira Israeri kwamakore makore makumi maviri.
Ahni hnukkhu Gilead tami lawkcengkung Jair a tâco. Kum 22 touh thung Isarel hah a uk.
4 Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi.
A capa 30 touh lacanaw dawk ouk kâcui e a tawn. Gilead ram dawk kaawm e kho 30 touh hai a tawn. Hahoi atu totouh Havath Jair telah ati awh.
5 Jairi paakafa, akavigwa muKamoni.
Hahoi Jair teh a due toe. Kamon vah a pakawp awh.
6 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari, vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha vakasazomushumirazve,
Isarelnaw ni BAWIPA mithmu vah yonnae bout a sak awh. Baal hoi Ashtaroth, Siria cathut hoi Sidon cathut, Moab cathut, Ammon cathutnaw e a thaw hoiyah Filistinnaw e cathut thaw hah a tawk awh. Jehovah a pahnawt awh teh, a thaw tawk awh hoeh toe.
7 iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia neavaAmoni,
Hahoi BAWIPA ni Isarelnaw taranlahoi a lungkhuek teh Filistin hoi Ammonnaw e kut dawk koung a yo.
8 avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere.
Jordan palang namran Amor catounnaw e ram Gilead ram kaawm e Isarel catoun kaawm e pueng hah hatnae kum hoi kamtawng teh kum 18 touh thung a rektap awh.
9 VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kuti vandorwa neJudha, Bhenjamini uye neimba yaEfuremu; uye vaIsraeri vakashushikana zvikuru.
Ammon miphunnaw ni hai Jordan palang a raka awh teh, Judah miphun, Benjamin miphun, Ephraim miphunnaw a tuk awh teh, Isarelnaw teh puenghoi a reithai awh.
10 Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.”
Hahoi Isarelnaw ni, mamae BAWIPA pahnawt awh teh BAWIPA koe yon awh toe. Baal cathut e thaw ka tawk awh toe telah BAWIPA koe a hram awh.
11 Jehovha akapindura akati, “Pamakadzvinyirirwa navaIjipita, vaAmori, vaAmoni, vaFiristia,
BAWIPA ni Isarelnaw koe Izipnaw hoi Amornaw, Ammonnaw hoi Filistinnaw thung hoi kai ni na rungngang awh nahoehmaw.
12 vaSidhoni, vaAmareki, navaMaoni uye mukachema kwandiri kuti ndikubatsirei, handina kukuponesai mumaoko avo here?
Sidonnaw, Ameleknaw, Moannaw ni hai na rektap awh navah, kai na kaw awh teh, a kut dawk hoi na rungngang awh.
13 Asi imi makandirasa mukashumira vamwe vamwari, saka handichadi kukuponesaizve.
Hatei, nangmouh ni kai na pahnawt awh teh, alouke cathutnaw e thaw na tawk takhai dawkvah, kai ni bout na rungngang awh mahoeh toe.
14 Endai mundochema kuna vamwari vamakasarudza. Ngavakuponesei pamunenge mava kutambudzika!”
Na kârawi awh e cathut koe hram awh lawih khe. Ama ni na reithainae tueng dawk na rungngang naseh, telah atipouh.
15 Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza hedu. Tiitirei zvose zvamunoona kuti zvakanaka kwamuri, asi tapota tinunurei henyu nhasi.”
Isarelnaw niyah, BAWIPA koe ka payonae awh toe. Nang nama ni ahawi na tie lahoi kaimouh ka tak dawk sak nateh, atu vai touh dueng mah kaimouh na rungngang ei hottelah atipouh.
16 Ipapo vakarasa vamwari vatorwa pakati pavo vakashumira Jehovha. Uye haana kuzotenderazve kutambudzika kweIsraeri.
Hottelah alouke cathutnaw a pahnawt awh teh, BAWIPA e thaw a tawk awh. Hahoi teh, Isarelnaw ni rucatnae kecu dawk a lungpataw awh.
17 VaAmoni pavakadanwa kuhondo uye vakadzika musasa muGireadhi, vaIsraeri vakaungana vakadzika musasa paMizipa.
Hahoi Ammonnaw ni cungtalah a kamkhueng awh teh, Gilead vah a roe awh. Hahoi Isarelnaw ni king a kamkhueng awh teh, Mizpah vah a roe awh.
18 Vatungamiri vavanhu veGireadhi vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Ani naani achatanga kundorwa navaAmoni ndiye achava mukuru wavose vanogara muGireadhi.”
Gilead kahrawikungnaw tami buet touh hoi buet touh a kâdei awh teh, apinimaw Ammonnaw hmaloe a tuk han, hote tami teh Gilead kho lathueng vah kahrawikung lah awm seh atipouh.

< Vatongi 10 >