< Judha 1 >
1 Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu:
Iudas Iesu Christi servus frater autem Iacobi his qui in Deo Patre dilectis et Iesu Christo conservatis vocatis
2 Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri.
misericordia vobis et pax et caritas adimpleatur
3 Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.
carissimi omnem sollicitudinem faciens scribendi vobis de communi vestra salute necesse habui scribere vobis deprecans supercertari semel traditae sanctis fidei
4 Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
subintroierunt enim quidam homines qui olim praescripti sunt in hoc iudicium impii Dei nostri gratiam transferentes in luxuriam et solum Dominatorem et Dominum nostrum Iesum Christum negantes
5 Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi.
commonere autem vos volo scientes semel omnia quoniam Iesus populum de terra Aegypti salvans secundo eos qui non crediderunt perdidit
6 Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. (aïdios )
angelos vero qui non servaverunt suum principatum sed dereliquerunt suum domicilium in iudicium magni diei vinculis aeternis sub caligine reservavit (aïdios )
7 Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. (aiōnios )
sicut Sodoma et Gomorra et finitimae civitates simili modo exfornicatae et abeuntes post carnem alteram factae sunt exemplum ignis aeterni poenam sustinentes (aiōnios )
8 Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga.
similiter et hii carnem quidem maculant dominationem autem spernunt maiestates autem blasphemant
9 Asi kunyange Mikaeri mutumwa mukuru, paakanga achirwa nadhiabhori pamusoro pomuviri waMozisi, haana kutsunga kutaura mashoko okutuka nokumupomera mhosva, asi akati, “Ishe ngaakutuke!”
cum Michahel archangelus cum diabolo disputans altercaretur de Mosi corpore non est ausus iudicium inferre blasphemiae sed dixit imperet tibi Dominus
10 Asi vanhu ava vanotaura zvisina maturo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi; uye kunyange nezvinhu zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingafungi, zvinhu izvozvi ndizvo chaizvo zvinovaparadza.
hii autem quaecumque quidem ignorant blasphemant quaecumque autem naturaliter tamquam muta animalia norunt in his corrumpuntur
11 Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora.
vae illis quia via Cain abierunt et errore Balaam mercede effusi sunt et contradictione Core perierunt
12 Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri.
hii sunt in epulis suis maculae convivantes sine timore semet ipsos pascentes nubes sine aqua quae a ventis circumferuntur arbores autumnales infructuosae bis mortuae eradicatae
13 Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi. (aiōn )
fluctus feri maris despumantes suas confusiones sidera errantia quibus procella tenebrarum in aeternum servata est (aiōn )
14 Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, akaprofita pamusoro pavanhu ava achiti, “Tarirai, Ishe ari kuuya nezviuru nezviuru zvavatsvene vake
prophetavit autem et his septimus ab Adam Enoc dicens ecce venit Dominus in sanctis milibus suis
15 kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.”
facere iudicium contra omnes et arguere omnes impios de omnibus operibus impietatis eorum quibus impie egerunt et de omnibus duris quae locuti sunt contra eum peccatores impii
16 Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo.
hii sunt murmuratores querellosi secundum desideria sua ambulantes et os illorum loquitur superba mirantes personas quaestus causa
17 Asi, vadikani, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu.
vos autem carissimi memores estote verborum quae praedicta sunt ab apostolis Domini nostri Iesu Christi
18 Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.”
quia dicebant vobis quoniam in novissimo tempore venient inlusores secundum sua desideria ambulantes impietatum
19 Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya.
hii sunt qui segregant animales Spiritum non habentes
20 Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene.
vos autem carissimi superaedificantes vosmet ipsos sanctissimae vestrae fidei in Spiritu Sancto orantes
21 Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. (aiōnios )
ipsos vos in dilectione Dei servate (aiōnios )
22 Itirai ngoni avo vanokahadzika;
et hos quidem arguite iudicatos
23 bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama.
illos vero salvate de igne rapientes aliis autem miseremini in timore odientes et eam quae carnalis est maculatam tunicam
24 Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru,
ei autem qui potest vos conservare sine peccato et constituere ante conspectum gloriae suae inmaculatos in exultatione
25 kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni. (aiōn )
soli Deo salvatori nostro per Iesum Christum Dominum nostrum gloria magnificentia imperium et potestas ante omne saeculum et nunc et in omnia saecula amen (aiōn )