< Joshua 8 >
1 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usatya kana kuvhundutswa. Tora varwi vose uende unorwisa Ai. Nokuti ndaisa mambo weAi, navanhu vake, neguta rake nenyika yake mumaoko ako.
茲にヱホバ、ヨシユアに言たまひけるは懼るる勿れ戰慄なかれ軍人をことごとく率ゐ起てアイに攻のぼれ視よ我アイの王およびその民その邑その地を都て汝の手に授く
2 Munofanira kuita kuAi namambo waro sezvamakaita kuJeriko namambo waro, kunze kwokuti apa munofanira kuzvitakurira zvamunotapa zvavo nezvipfuwo. Muise vangavandira guta necheseri kwaro.”
汝さきにヱリコとその王とに爲し如くアイとその王とに爲べし今回は其貨財およびその家畜を奪ひて自ら取べし汝まづ邑の後に伏兵を設くべしと
3 Naizvozvo Joshua akasimuka nehondo yose kuti andorwisa Ai. Akasarudza mhare dzokurwa dzinokwana zviuru makumi matatu akavatuma usiku.
ヨシユアすなはち起あがり軍人をことごとく將てアイに攻のぼらんとしまづ大勇士三萬人を選びて夜の中にこれを遣はせり
4 Akavarayira achiti, “Nyatsoteererai. Munofanira kuvandira guta necheseri kwaro. Musaende kure naro. Mose munofanira kugara makagadzirira.
ヨシユアこれに命じて言く汝らは邑に對ひて邑の後に伏すべし邑に遠く離れをる勿れ皆準備をなして待をれ
5 Ini navanhu vose vandinavo tichafamba takananga guta, zvino kana varume vakauya kuti vazorwa nesu, sezvavakaita pakutanga, tichavatiza.
我と我に從がふ民みな共に邑に攻よせん而して彼らが初のごとく我らにむかひて打出んとき我らは彼らの前より逃はしらん
6 Vachatidzinganisa kusvikira tavakwezvera kure neguta, nokuti vachati, ‘Vari kutitiza sezvavakamboita pakutanga.’ Naizvozvo kana tavatiza,
然せば彼ら我らを追て出來べければ我等つひに之を邑より誘き出すことを得ん其は彼等いはんこの人衆は初めのごとくまた我等の前より逃ぐと斯てわれらその前より逃はしらん
7 imi munofanira kusimuka kubva pamunenge makavanda motora guta. Jehovha Mwari wenyu acharipa mumaoko enyu.
汝らその伏をる處より起りて邑を取べし汝らの神ヱホバ之を汝らの手に付したまふべし
8 Kana matora guta, ripisei nomoto. Muite zvamarayirwa naJehovha, tarirai, ndakurayirai.”
汝ら邑を乗取たらば邑に火を放ちヱホバの言詞の如く爲べし我これを汝らに命ず努よやと
9 Ipapo Joshua akavatuma, vakaenda kunzvimbo yokunovandira vakagara pakati peBheteni neAi, kumavirazuva kweAi, asi Joshua akarara kuvanhu usiku ihwohwo.
かくてヨシユアかれらを遣はしければ即はち往てアイの西の方にてベテルとアイとの間に身を伏せたりヨシユアはその夜民の中に宿れり
10 Mangwana mangwanani Joshua akaronga vanhu, uye iye navatungamiri veIsraeri vakafamba pamberi pavo vachienda kuAi.
ヨシユア朝はやく興いでて民をあつめイスラエルの長老等とともに民に先だちてアイにのぼりゆけり
11 Hondo yose yaiva naye yakafamba vakaswedera pedyo neguta vakasvika nechemberi kwaro. Vakadzika musasa kumusoro kweAi, mupata uri pakati pavo neguta.
彼に從がふ軍人ことごとく上りゆきて攻寄せ邑の前に至りてアイの北に陣をとれり彼とアイの間には一の谷ありき
12 Joshua akanga atora varume vangasvika zviuru zvishanu akavarayira kuti vavandire pakati peBheteri neAi, kumavirazuva kweguta.
ヨシユア五千人許を擧て邑の西の方にてベテルとアイとの間にこれを伏せおけり
13 Vakarayira varwi kuti vatore nzvimbo dzavo, vose vaiva mumusasa nechokumusoro kweguta navakanga vakavandira kumavirazuva kwaro. Usiku ihwohwo Joshua akapinda mumupata.
かく民の全軍を邑の北に置きその伏兵を邑の西に置てヨシユアその夜谷の中にいりぬ
14 Zvino mambo weAi paakaona izvi, iye navarume vose veguta vakakurumidza kubuda mangwanani kuti vasangane navaIsraeri varwe panzvimbo yakanga yakatarisana neArabha. Asi haana kuziva kuti akanga avandirwa seri kweguta.
アイの王これを視しかばその邑の人々みな急ぎて蚤に起き進み出てイスラエルと戰ひけるが預て諜しあはせ置る頃には王とその一切の民アラバの前に進み來れり王は邑の後に伏兵ありて已を伺ふを知らざりき
15 Joshua navaIsraeri vose vakavarega vachivadzingirira vachidzokera shure, vakatiza vakananga kugwenga.
時にヨシユア、イスラエルの一切の人とともに彼らに打負し状して荒野の路を指て逃はしりしかば
16 Varume vose veAi vakadaidzwa kuti vavadzingirire, uye vakadzingirira Joshua vachibva vakwezvwa kubva kuguta.
その邑の民みな之を追撃んとて呼はり集まりヨシユアの後を追て邑を出離れ
17 Hapana murume kana mumwe akasara muAi kana muBheteri asina kudzingirira vaIsraeri. Vakasiya guta rakashama vakadzingirira vaIsraeri.
アイにもベテルにもイスラエルを追ゆかずして遺りをる者は一人もなく皆邑を開き放してイスラエルの後を追り
18 Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Simudza pfumo rawakabata muruoko rwako urinongedzere kuAi, nokuti ndichaisa guta iri muruoko rwako.” Naizvozvo Joshua akanongedzera pfumo rake kuAi.
時にヱホバ、ヨシユアに言たまはく汝の手にある矛をアイの方に指伸よ我これを汝の手に授くべしとヨシユアすなはち己の手にある矛をアイの方に指伸るに
19 Akati achangoita izvi varume vaiva vakavandira vakasimuka kubva panzvimbo dzavo nokukurumidza vakamhanya vachienda mberi. Vakapinda muguta vakaripamba ndokukurumidza kuritungidza nomoto.
伏兵たちまち其處より起りヨシユアが手を伸ると齊しく奔きたりて邑に打いり之を取りて直に邑に火をかけたり
20 Varume veAi vakacheuka vakaona utsi hweguta huchikwira kudenga, asi vakashayiwa pokupukunyuka napo kumativi ose, nokuti vaIsraeri vakanga vachitizira kugwenga vakatendeukira vaivatevera.
茲にアイの人々背をふりかへりて觀しに邑の焚る煙天に立騰りゐたれば此へも彼へも逃るに術なかりき斯る機しも荒野に逃ゆける民も身をかへして其追きたる者等に逼れり
21 Joshua navaIsraeri vose pavakaona kuti vavandiri vakanga vatora guta uye utsi hwakanga huchikwira kubva muguta, vakatendeuka vakarwisa varume veAi.
ヨシユアおよび一切のイスラエル人伏兵の邑を取て邑の焚る煙の立騰るを見身を還してアイの人々を殺しけるが
22 Varume vakanga vakavandira vakabudawo muguta kuzorwa navo, naizvozvo vakabva vaiswa pakati pavaIsraeri, vamwe nechokuno, vamwe nechokoko. VaIsraeri vakavauraya zvokusasiya kana mumwe chete wavo ari mupenyu kana vakatiza.
かの兵また邑より出きたりて彼らに向ひければ彼方にも此方にもイスラエル人ありて彼らはその中間に挾まれぬイスラエル人かくして彼らを攻撃て一人をも餘さず逃さず
23 Asi vakatora mambo weAi ari mupenyu vakauya naye kuna Joshua.
つひにアイの王を生擒てヨシユアの許に曳きたれり
24 VaIsraeri pavakapedza kuuraya varume vose veAi nomunondo kusango nokurenje kwavakanga vavadzinganisira, uye mushure mokunge mumwe nomumwe wavo aurayiwa nomunondo, vose vakadzokera kuAi vakauraya vose vaivamo.
イスラエル人己を荒野に追きたりしアイの民をことごとく野に殺し刃をもてこれを仆し盡すにおよびて皆アイに歸り刃をもてこれを撃ほろぼせり
25 Zuva iroro kwakafa varume navakadzi vaisvika zviuru gumi nezviviri, vanhu vose veAi.
その日アイの人々ことごとく斃れたりその數男女あはせて一萬二千人
26 Nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake rwakanga rwakasimudza pfumo kusvikira aparadza vose vaigara muAi.
ヨシユア、アイの民をことごとく滅ぼし絶まではその矛を指伸たる手を垂ざりき
27 Asi vaIsraeri vakazvitorera zvipfuwo nezvakapambwa muguta iri, sezvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha.
但しその邑の家畜および貨財はイスラエル人これを奪ひて自ら取り是はヱホバのヨシユアに命じたまひし言に依なり
28 Naizvozvo Joshua akapisa Ai akariita murwi, rikava dongo kusvika nanhasi.
ヨシユア、アイを燬て永くこれを墟垤とならしむ是は今日まで荒地となりをる
29 Akasungirira mambo weAi mumuti akamusiya kusvikira manheru. Zuva rodoka, Joshua akavarayira kuti vaturure chitunha chake mumuti vachikande pasi pasuo reguta. Vakaitawo murwi mukuru wamatombo, uchiripo nanhasi.
ヨシユアまたアイの王を薄暮まで木に掛てさらし日の沒におよびて命じてその死骸を木より取おろさしめ邑の門の入口にこれを投すて其上に石の大垤を積おこせり其は今日まで存る
30 Zvino Joshua akavakira Jehovha, Mwari waIsraeri, aritari pagomo reEbhari,
かくてヨシユア、エバル山にてイスラエルの神ヱホバに一の壇を築けり
31 sezvakanga zvarayirwa vaIsraeri naMozisi muranda waJehovha. Akaivaka sezvazvakanyorwa muBhuku roMurayiro waMozisi. Yakanga iri aritari yamabwe asina kuvezwa, hapana kumboshandiswa mudziyo wesimbi pairi. Vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa uye vakabayira zvipiriso zvokuwadzana pairi.
是はヱホバの僕モーセがイスラエルの子孫に命ぜしことに本づきモーセの律法の書に記されたる所に循がひて新石をもて作れる壇にて何人も鐵器をその上に振あげず人衆その上にてヱホバに燔祭を献げ酬恩祭を供ふ
32 Zvino ipapo, pamberi pavaIsraeri, Joshua akanyorazve pamabwe murayiro waMozisi, waakanga ambonyora.
彼處にてヨシユア、モーセの書しるしし律法をイスラエルの子孫の前にて石に書うつせり
33 VaIsraeri vose navatorwa, navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo, vakanga vakamira kumativi maviri eareka yesungano yaJehovha, vakatarisa avo vakanga vakaitakura, vaprista, vakanga vari vaRevhi. Imwe hafu yavanhu yakanga yakamira pamberi pegomo reGerizimu uye imwe hafu yakamira pamberi pegomo reEbhari, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha pakutanga paakati vanhu veIsraeri varopafadzwe.
かくてイスラエルの一切の人およびその長老官吏裁判人など他國の者も本國の者も打まじりてヱホバの契約の櫃を舁る祭司等レビ人の前にあたりて櫃の此旁と彼旁に分れ半はゲリジム山の前に半はエバル山の前に立り是ヱホバの僕モーセの命ぜし所にしたがひて最初に先イスラエルの民を祝せんとてなり
34 Mushure maizvozvo, Joshua akaverenga mashoko ose omurayiro, maropafadzo nezvituko sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku roMurayiro.
然る後ヨシユア律法の書に凡てしるされたる所に循ひて祝福と呪詛とにかかはる律法の言をことごとく誦り
35 Hapana shoko kana rimwe pane zvose zvakanga zvarayirwa naMozisi, risina kuverengerwa ungano yose yavaIsraeri naJoshua, kusanganisira vakadzi navana, navatorwa vaigara pakati pavo.
モーセの命じたる一切の言の中にヨシユアがイスラエルの全會衆および婦人子等ならびにイスラエルの中にをる他國の人の前にて誦ざるは無りき