< Joshua 7 >
1 Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pamusoro pezvinhu zvakatukwa; Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa. Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakamukira vaIsraeri.
Ali se ogriješiše sinovi Izrailjevi o prokletinju, jer Ahan sin Harmije sina Zavdije sina Zarina od plemena Judina uze od prokletijeh stvari; zato se razgnjevi Gospod na sinove Izrailjeve.
2 Zvino Joshua akatuma vanhu kubva kuJeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munosora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanosora Ai.
A Isus posla ljude iz Jerihona u Gaj, koji bijaše blizu Vet-Avena s istoka Vetilju, i reèe im govoreæi: idite i uhodite zemlju. I ljudi otidoše i uhodiše Gaj.
3 Pavakadzoka kuna Joshua, vakati, “Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. Tumirai varume zviuru zviviri kana zvitatu kuti vaitore, mugorega kunetsa vanhu vose ava, nokuti ikoko kuna vanhu vashomanana chete.”
I vrativši se k Isusu rekoše mu: neka ne ide sav narod; do dvije tisuæe ljudi ili do tri tisuæe ljudi neka idu, i osvojiæe Gaj; nemoj truditi svega naroda, jer ih je malo.
4 Naizvozvo kwakaenda varume zviuru zvitatu; asi vakamhanyiswa zvakaipisisa navarume veAi,
I otide ih onamo iz naroda oko tri tisuæe ljudi; ali pobjegoše od Gajana.
5 avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura.
I Gajani posjekoše ih do trideset i šest ljudi; i goniše ih od vrata dori do Sivarima, i pobiše ih na strmeni; i rastopi se srce u narodu, i posta kao voda.
6 Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo.
A Isus razdrije haljine svoje i pade licem na zemlju pred kovèegom Gospodnjim, i leža do veèera, on i starješine Izrailjeve, i posuše se prahom po glavi.
7 Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani!
I reèe Isus: jaoh! Gospode Bože, zašto prevede ovaj narod preko Jordana da nas predaš u ruke Amorejcima da nas pobiju? o, da šæasmo ostati preko Jordana!
8 Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo?
Jaoh! Gospode, šta da kažem, kad je Izrailj obratio pleæi pred neprijateljima svojim?
9 VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?”
Èuæe Hananeji i svi stanovnici te zemlje, i sleæi æe se oko nas, i istrijebiæe ime naše sa zemlje; i šta æeš uèiniti od velikoga imena svojega?
10 Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako?
A Gospod reèe Isusu: ustani; što si pao na lice svoje?
11 VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo.
Zgriješio je Izrailj, i prestupio zavjet moj koji sam im zapovjedio: jer uzeše od prokletijeh stvari, i ukradoše, i zatajiše, i metnuše meðu svoje stvari.
12 Ndokusaka vaIsraeri vasingagoni kumisidzana navavengi vavo; vanofuratira vachitiza nokuti vava vanhu vakatukwa.
Zato neæe moæi sinovi Izrailjevi stajati pred neprijateljima svojim; pleæi æe obraæati pred neprijateljima svojim, jer su pod prokletstvom; neæu više biti s vama, ako ne istrijebite izmeðu sebe prokletinje.
13 “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa.
Ustani, osveštaj narod, i reci: osveštajte se za sjutra; jer ovako veli Gospod Bog Izrailjev: prokletstvo je usred tebe, Izrailju; neæeš moæi stajati pred neprijateljima svojim dokle ne uklonite prokletstva izmeðu sebe.
14 “‘Zvino mangwana mangwanani, munofanira kuzviratidza rudzi norudzi. Rudzi ruchabatwa naJehovha runofanira kuuya mberi imba neimba; imba ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi, mhuri nemhuri; mhuri ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi munhu nomunhu.
Pristupiæete ujutru po plemenima svojim; i koje pleme oblièi Gospod ono æe pristupiti po porodicama svojim, i koju porodicu oblièi Gospod ona æe pristupiti po domovima svojim; i koji dom oblièi Gospod, pristupiæe ljudi iz njega jedan po jedan.
15 Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’”
Pa ko se naðe u prokletstvu, neka se spali ognjem i on i sve njegovo, jer prestupi zavjet Gospodnji i uèini bezakonje u Izrailju.
16 Mangwana mangwanani Joshua akati vaIsraeri vauye rudzi norudzi; rudzi rwaJudha rukabatwa.
I ustavši Isus ujutru rano reèe te pristupi Izrailj po plemenima svojim; i oblièi se pleme Judino.
17 Dzimba dzokwaJudha dzakauya mberi imba yavaZera ikabatwa. Akauyisa imba yavaZera nemhuri dzayo, Zimiri akabatwa.
Potom reèe te pristupiše porodice Judine; i oblièi se porodica Zarina; potom reèe te pristupi porodica Zarina, domaæin jedan po jedan, i oblièi se Zavdija.
18 Joshua akauyisa mhuri yake munhu nomunhu, uye Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akabatwa.
I reèe, te pristupi njegov dom, ljudi jedan po jedan, i oblièi se Ahan sin Harmije sina Zavdije sina Zarina od plemena Judina.
19 Ipapo akati kuna Akani, “Mwanakomana wangu, ipa mbiri kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, ureurure kwaari. Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira.”
I reèe Isus Ahanu: sine, hajde daj hvalu Gospodu Bogu Izrailjevu, i priznaj pred njim, i kaži mi šta si uèinio, nemoj tajiti od mene.
20 Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita:
A Ahan odgovori Isusu i reèe: istina je, ja zgriješih Gospodu Bogu Izrailjevu, i uèinih tako i tako:
21 Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviri esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.”
Vidjeh u plijenu jedan lijep plašt Vavilonski, i dvjesta sikala srebra, i jednu šipku zlata od pedeset sikala, pa se polakomih i uzeh; i eno je zakopano u zemlju usred mojega šatora, i srebro ozdo.
22 Naizvozvo Joshua akatuma nhume, vakamhanyira kutende, vakanowana zviriko, zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi.
Tada Isus posla poslanike, koji otrèaše u šator, i gle, bješe zakopano u šatoru njegovu, i ozdo srebro.
23 Vakazvibvisa mutende, vakauya nazvo kuna Joshua nokuvaIsraeri vose, vakazviwadzira pamberi paJehovha.
I uzeše iz šatora i donesoše k Isusu i svijem sinovima Izrailjevijem, i metnuše pred Gospoda.
24 Ipapo Joshua, pamwe chete navaIsraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha, nenguo, negoridhe, navanakomana navanasikana vake, mombe dzake, nembongoro dzake namakwai ake, netende rake nezvose zvaaiva nazvo, vakaenda nazvo kuMupata weAkori.
Tada Isus i s njim sav Izrailj uzeše Ahana sina Zarina, i srebro i plašt i šipku zlata, i sinove njegove i kæeri njegove, i volove njegove i magarce njegove, i ovce njegove, i šator i sve što bješe njegovo, i izvedoše u dolinu Ahor.
25 Joshua akati, “Watipinzireiko mudambudziko iri? Jehovha achakupinza mudambudziko nhasi.” Ipapo vaIsraeri vose vakamutema namatombo, uye shure kwokuvatema vose, vakavapisa nomoto.
I reèe Isus: što si nas smeo? Gospod da te smete danas! I zasu ga kamenjem sav Izrailj, i spališe sve ognjem zasuvši kamenjem.
26 Vakaunganidza murwi wamatombo mukuru pamusoro paAkani, uchiripo nanhasi. Ipapo Jehovha akadzora kutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo nzvimbo iyi yakanzi Mupata weAkori kubvira ipapo.
Potom nabacaše na nj veliku gomilu kamenja, koja stoji i danas. I Gospod se povrati od žestine gnjeva svojega. Otuda se prozva ono mjesto dolina Ahor do danas.