< Joshua 3 >

1 Mangwanani-ngwanani Joshua navaIsraeri vose vakasimuka kubva paShitimu vakaenda kuJorodhani, pavakavaka misasa vasati vayambukira mhiri.
ヨシュアは朝早く起き、イスラエルの人々すべてとともにシッテムを出立して、ヨルダンに行き、それを渡らずに、そこに宿った。
2 Shure kwamazuva matatu vatungamiri vavanhu vakapinda mumisasa,
三日の後、つかさたちは宿営の中を行き巡り、
3 vachirayira vanhu vachiti, “Pamunoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista, vaRevhi, voitakura, munofanira kubva panzvimbo dzenyu moitevera.
民に命じて言った、「レビびとである祭司たちが、あなたがたの神、主の契約の箱をかきあげるのを見るならば、あなたがたはその所を出立して、そのあとに従わなければならない。
4 Ipapo muchaziva nzira yamunofanira kuenda nayo, nokuti hamusati mambofamba nenzira iyi. Asi munofanira kusiya nzvimbo inosvika makubhiti zviuru zviviri pakati penyu neareka. Regai kuswedera pedyo nayo.”
そうすれば、あなたがたは行くべき道を知ることができるであろう。あなたがたは前にこの道をとおったことがないからである。しかし、あなたがたと箱との間には、おおよそ二千キュビトの距離をおかなければならない。それに近づいてはならない」。
5 Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.”
ヨシュアはまた民に言った、「あなたがたは身を清めなさい。あす、主があなたがたのうちに不思議を行われるからである」。
6 Joshua akati kuvaprista, “Simudzai areka yesungano mutungamirire vanhu.” Naizvozvo vakaisimudza vakatungamirira vanhu.
ヨシュアは祭司たちに言った、「契約の箱をかき、民に先立って渡りなさい」。そこで彼らは契約の箱をかき、民に先立って進んだ。
7 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukusimudzira pamberi pavaIsraeri vose, kuitira kuti vazive kuti ndinewe sezvandaiva naMozisi.
主はヨシュアに言われた、「きょうからわたしはすべてのイスラエルの前にあなたを尊い者とするであろう。こうしてわたしがモーセと共にいたように、あなたとともにおることを彼らに知らせるであろう。
8 Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’”
あなたは契約の箱をかく祭司たちに命じて言わなければならない、『あなたがたは、ヨルダンの水ぎわへ行くと、すぐ、ヨルダンの中に立ちとどまらなければならない』」。
9 Joshua akati kuvaIsraeri, “Uyai pano muteerere mashoko aJehovha Mwari wenyu.
ヨシュアはイスラエルの人々に言った、「あなたがたはここに近づいて、あなたがたの神、主の言葉を聞きなさい」。
10 Ichi ndicho chinhu chamuchaziva nacho kuti Mwari wenyu mupenyu ari pakati penyu uye kuti zvirokwazvo achadzinga vaKenani mberi kwenyu, navaHiti, navaPerizi, navaGirigashi, navaAmoni navaJebhusi.
そしてヨシュアは言った、「生ける神があなたがたのうちにおいでになり、あなたがたの前から、カナンびと、ヘテびと、ヒビびと、ペリジびと、ギルガシびと、アモリびと、エブスびとを、必ず追い払われることを、次のことによって、あなたがたは知るであろう。
11 Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose ichakutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.
ごらんなさい。全地の主の契約の箱は、あなたがたに先立ってヨルダンを渡ろうとしている。
12 Naizvozvo, sarudzai varume gumi navaviri kubva kumarudzi avaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe.
それゆえ、今、イスラエルの部族のうちから、部族ごとにひとりずつ、合わせて十二人を選びなさい。
13 Uye vaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, pavanongotsika netsoka dzavo muJorodhani, mvura yarwo inoerera ichibva kumusoro ichamira yoita murwi.”
全地の主なる神の箱をかく祭司たちの足の裏が、ヨルダンの水の中に踏みとどまる時、ヨルダンの水は流れをせきとめられ、上から流れくだる水はとどまって、うず高くなるであろう」。
14 Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira.
こうして民はヨルダンを渡ろうとして天幕をいで立ち、祭司たちは契約の箱をかき、民に先立って行ったが、
15 Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura,
箱をかく者がヨルダンにきて、箱をかく祭司たちの足が水ぎわにひたると同時に、ヨルダンは刈入れの間中、岸一面にあふれるのであるが、
16 mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko.
上から流れくだる水はとどまって、はるか遠くのザレタンのかたわらにある町アダムのあたりで、うず高く立ち、アラバの海すなわち塩の海の方に流れくだる水は全くせきとめられたので、民はエリコに向かって渡った。
17 Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pavhu rakaoma pakati peJorodhani, vaIsraeri vose pavaipfuura, kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka napavhu rakaoma.
すべてのイスラエルが、かわいた地を渡って行く間、主の契約の箱をかく祭司たちは、ヨルダンの中のかわいた地に立っていた。そしてついに民はみなヨルダンを渡り終った。

< Joshua 3 >