< Joshua 23 >

1 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo.
耶和华使以色列人安静,不与四围的一切仇敌争战,已经多日。约书亚年纪老迈,
2 Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji.
就把以色列众人的长老、族长、审判官,并官长都召了来,对他们说:“我年纪已经老迈。
3 Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai.
耶和华—你们的 神因你们的缘故向那些国所行的一切事,你们亲眼看见了,因那为你们争战的是耶和华—你们的 神。
4 Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva.
我所剪除和所剩下的各国,从约旦河起到日落之处的大海,我已经拈阄分给你们各支派为业。
5 Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu.
耶和华—你们的 神必将他们从你们面前赶出去,使他们离开你们,你们就必得他们的地为业,正如耶和华—你们的 神所应许的。
6 “Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
所以,你们要大大壮胆,谨守遵行写在摩西律法书上的一切话,不可偏离左右。
7 Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira.
不可与你们中间所剩下的这些国民搀杂。他们的神,你们不可提他的名,不可指着他起誓,也不可事奉、叩拜;
8 Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi.
只要照着你们到今日所行的,专靠耶和华—你们的 神。
9 “Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi.
因为耶和华已经把又大又强的国民从你们面前赶出;直到今日,没有一人在你们面前站立得住。
10 Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa.
你们一人必追赶千人,因耶和华—你们的 神照他所应许的,为你们争战。
11 Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.
你们要分外谨慎,爱耶和华—你们的 神。
12 “Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo,
你们若稍微转去,与你们中间所剩下的这些国民联络,彼此结亲,互相往来,
13 ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
你们要确实知道,耶和华—你们的 神必不再将他们从你们眼前赶出;他们却要成为你们的网罗、机槛、肋上的鞭、眼中的刺,直到你们在耶和华—你们 神所赐的这美地上灭亡。
14 “Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona.
“我现在要走世人必走的路。你们是一心一意地知道,耶和华—你们 神所应许赐福与你们的话没有一句落空,都应验在你们身上了。
15 Asi sezvo zvakanaka zvose zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu zvakaitika, saizvozvo Jehovha achauyisa pamusoro penyu zvakaipa zvose zvaakareva kusvikira akuparadzai panyika iyi yakanaka, yaakakupai.
耶和华—你们 神所应许的一切福气怎样临到你们身上,耶和华也必照样使各样祸患临到你们身上,直到把你们从耶和华—你们 神所赐的这美地上除灭。
16 Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”
你们若违背耶和华—你们 神吩咐你们所守的约,去事奉别神,叩拜他,耶和华的怒气必向你们发作,使你们在他所赐的美地上速速灭亡。”

< Joshua 23 >